RWIYO 21
Rambai Muchitanga Kutsvaga Umambo
Rakaprindwa
1. Chinokosheswa naMwari,
Chinomufadza kwazvo,
Ndihwo Umambo hwaKristu,
Huchagadzira zvese.
(KORASI)
Tanga kutsvaga Umambo
Nekururama kwake.
Imba uchimurumbidza,
Uve akatendeka.
2. Tingazvidyirei mwoyo
Kuti tichanzwa nzara?
Mwari achatichengeta
Tikatsvaga Umambo.
(KORASI)
Tanga kutsvaga Umambo
Nekururama kwake.
Imba uchimurumbidza,
Uve akatendeka.
3. Ngatizivise Umambo,
Vanhu vaone kuti
Tariro yavo ndiMwari,
Uye Umambo hwake.
(KORASI)
Tanga kutsvaga Umambo
Nekururama kwake.
Imba uchimurumbidza,
Uve akatendeka.
(Onawo Pis. 27:14; Mat. 6:34; 10:11, 13; 1 Pet. 1:21.)