RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 1 pp. 8-13
  • Kukunda Dambudziko Rekushushikana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukunda Dambudziko Rekushushikana
  • Mukai!—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Usazvinetsa Nezvamangwana
  • Ratidza Kuti Unonzwisisa
  • Ziva Zvinhu Zvinoita Kuti Ushushikane
  • Iva Munhu Akarongeka
  • Wana Nguva Yekuzorora
  • Iva Nehanya Neutano Hwako
  • Ziva Kuti Ndezvipi Zvinokosha
  • Batsirwa Nevamwe
  • Ita Zvekunamata
  • Funganyo Yakanaka, Funganyo Yakaipa
    Mukai!—1998
  • Zvaungaita Kuti Uderedze Kunyanya Kunetseka
    Mukai!—2014
  • Ndoitei Kana Ndichitemeswa Musoro Kuchikoro?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Zvinokonzera Kushushikana Mupfungwa uye Zvinozovapo
    Mukai!—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 1 pp. 8-13
Mukadzi ari kufamba muguta achiratidza kuti haana chiri kumushungurudza.

KUWANA ZORORO PADAMBUDZIKO REKUSHUSHIKANA

Kukunda Dambudziko Rekushushikana

Kuti ukwanise kukunda dambudziko rekushushikana, unofanira kufunga nezveutano hwako, kunzwanana kwako nevamwe, zvinangwa zvako muupenyu kana kuti zvaunokoshesa. Nyaya ino ichakubatsira nemazano ezvaungaita kuti usanyanya kushushikana kana kuti uderedze kushushikana.

Usazvinetsa Nezvamangwana

Mukadzi ari kufamba muguta achiratidza kuti haana chiri kumushungurudza.

“Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nekuti zuva rinotevera richava nekuzvidya mwoyo kwaro.”​—MATEU 6:34.

Zvazvinoreva: Mazuva ese tinosangana nezvinhu zvinotidya mwoyo. Asi hatifaniri kutora matambudziko amangwana toawedzera pane anhasi. Edza kungorarama uchifunga nezvezuva rimwe chete panguva.

  • Kushushikana kunoita kuti munhu azvidye mwoyo. Saka chimboedza izvi: Chekutanga, ziva kuti zvimwe zvinhu zvinoita kuti tishushikane hazvinzvengeki. Kuzvinetsa nezvinhu zvakadaro kunoita kuti tiwedzere kushushikana. Chechipiri, unofanira kuziva kuti kakawanda zvinhu zvatinenge tichityira hazviitiki.

Ratidza Kuti Unonzwisisa

“Uchenjeri hunobva kumusoro, . . . hunonzwisisa.”​—JAKOBHO 3:17.

Zvazvinoreva: Usafunga kuti unofanira kugona zvese. Haufaniri kutarisira kuita zvinhu zvausingakwanisi, kana kutarisira kuti vamwe vadarowo.

  • Iva nemwero, ziva zvaunokwanisa nezvausingakwanisi uyewo zvisingakwanisi kuitwa nevamwe. Kana ukadaro uchaderedza kushushikana kwaunoita uye kwevamwe, uye muchabudirira pane zvamunoita. Ivawo munhu anofara. Paunoseka, kunyange zvinhu zvisina kumira zvakanaka, unonzwa zviri nani.

Ziva Zvinhu Zvinoita Kuti Ushushikane

“Munhu ane ungwaru acharamba akadzikama.”—ZVIREVO 17:27.

Zvazvinoreva: Kusuruvara kunogona kuita kuti usafunga zvakanaka, saka edza kuramba wakadzikama.

  • Ziva zvinoita kuti ushushikane, uye zvaunoita paunoshushikana. Semuenzaniso, ziva mafungiro nemanzwiro aunoita, uye unogona kutozvinyora pasi. Kuziva izvi kuchakubatsira kuti ukunde dambudziko rako. Uyewo, funga zvaungaita kuti ubvise zvinhu zvinokutambudza muupenyu hwako. Kana zvisingaiti, edza kutsvaga nzira dzekuti zvinhu izvozvo zvisanyanya kuita kuti ushushikane, zvimwe nekuronga zvakanaka nguva yako nemabasa aunofanira kuita.

  • Edza kuchinja maonero aunoita zvinhu. Zvinoita kuti ushushikane zvinogona kunge zvisingatombonetsi vamwe vanhu. Nyaya iri pamaonero ako. Funga nezvemazano matatu aya:

    1. Usakurumidza kufungira zvisizvo. Ngatitii wapindirwa nemunhu pamutsetse. Ukafunga kuti anodenha, unogona kutsamwa. Asi wadii kufunga kuti ane chikonzero chakanaka chaazviitira?

    2. Ona zvakanakira mamiriro ezvinhu aunenge wasangana nawo. Zvinoita nyore kumirira chiremba kana kumirira bhazi kana ukawana chimwe chinhu chekuverenga kana kumbotarisa mameseji ako.

    3. Nyatsotarisa nyaya yacho yese. Zvibvunze kuti, ‘Dambudziko iri richaramba rakadaro mangwana kana vhiki rinouya here?’ Ziva kusiyanisa dambudziko diki kana kuti renguva pfupi nedambudziko rakakura.

Iva Munhu Akarongeka

Mukadzi akabata foni yake, achinyora pakarenda zvaanoda kuita.

“Zvinhu zvese ngazviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.”—1 VAKORINDE 14:40.

Zvazvinoreva: Ita kuti zvinhu zvirongeke muupenyu hwako.

  • Upenyu hunoda kurongeka. Chimwe chinhu chinoita kuti munhu asarongeka uye ashushikane, kuverengera. Izvi zvinoita kuti munhu azove nezvinhu zvakawanda zvaanenge achifanira kuzoita. Chimboedza mazano aya maviri:

    1. Gadzira purogiramu uye itevedzere.

    2. Ziva zvinoita kuti uverengere, wogadzirisa.

Wana Nguva Yekuzorora

“Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.”—MUPARIDZI 4:6.

Zvazvinoreva: Vanhu vanongogara vachishanda ‘zvakapetwa kaviri’ vasingazorori vanogona kusara vasisina nguva kana simba rekunakidzwa nezvavanenge vashandira.

  • Usanyanya kukoshesa basa nemari. Kuva nemari yakawanda hakurevi kuti uchafara muupenyu kana kuti uchaderedza kushushikana. Unogona kutowedzera kushushikana. Muparidzi 5:12 inoti: “Zvinhu zvizhinji zvemupfumi zvinomutadzisa kurara.” Saka rarama zvinoenderana nehomwe yako.

  • Imbovawo nenguva yekuzvivaraidza. Unoderedza kushushikana paunoita zvinhu zvinokunakidza. Asi kungovarairwa nezvinhu zvisingadi kushandisa simba kana pfungwa, zvakadai sekuona TV kunogona kusabatsira.

  • Usangogara uri pafoni kana kuti pazvimwe zvigadzirwa zvemagetsi. Usaramba uchingotarisa maemail, mameseji, kana kungoenda enda pasocial media. Kana zvichiita, usatarisa maemail ekubasa paunenge usiri pabasa.

Iva Nehanya Neutano Hwako

Mukomana ari kumhanya achiratidza kuti ari kufara.

“Kusimbisa muviri kunobatsira.”—1 TIMOTI 4:8.

Zvazvinoreva: Ukagara uchiekisesaiza unova neutano hwakanaka.

  • Ita zvinhu zvinoita kuti urambe uine utano. Kuekisesaiza kunogona kukubatsira kuti ufare uye kuti muviri wako urwise kushushikana. Idya zvekudya zvine utano, uye usarega kudya panguva yaunenge uchifanira kudya. Wana nguva yakakwana yekuzorora.

  • Usaita zvinonzi nevamwe zvinoderedza kushushikana zvakadai sekudhakwa, kuputa, kushandisa madrug kana mishonga zvisirizvo. Nekufamba kwenguva zvinoita kuti uwedzere kushushikana, uye zvinogona kukanganisa utano uye kupedza mari.

  • Ona chiremba kana kushushikana kwako kwanyanyisa. Hapana chakaipa nekutsvaga rubatsiro rwavanachiremba.

    “KUTI USASHUSHIKANA, NZWIRA VAMWE TSITSI”

    “Murume ane mutsa anoita zvinomubatsira, asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko.”—ZVIREVO 11:17.

    Bhuku rinotaura nezvekuderedza kushushikana rinonzi Overcoming Stress rine chitsauko chine musoro unoti “Kuti Usashushikana, Nzwira Vamwe Tsitsi.” Munyori waro, chiremba anonzi Tim Cantopher lakati kubata vamwe zvakanaka kunoita kuti uve neutano uye ufare. Asi kana munhu asina tsitsi uye achiitira vamwe utsinye, haambofari nekuti anenge achitozviparadzanisa nevamwe.

    Tinogonawo kuderedza kushushikana kana tikasazviomesera. Semuenzaniso, hatifaniri kutarisira kuti tiite zvinopfuura zvatinokwanisa. Hatifaniriwo kuzvitarisira pasi. Jesu akati, “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”—Mako 12:31.

Ziva Kuti Ndezvipi Zvinokosha

‘Ivai nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.’—VAFIRIPI 1:10.

Zvazvinoreva: Ongorora kuti ndezvipi zvaunokoshesa.

  • Nyora zvaunokoshesa pasi, uchitanga nezvinonyanya kukosha. Izvi zvichakubatsira kuti uise pfungwa dzako pane zvinonyanya kukosha, woona zvaunofanira kumbosiya kana kupa vamwe kuti vaite.

  • Ita vhiki uchimbotarisa kuti nguva yako unoishandisa sei. Kana wadaro, chitsvaga nzira dzekuti unyatsoshandisa nguva yako nemazvo. Paunoziva zvaunenge uchida kuita nenguva yako, hauzoiti zvinhu uchimhanya mhanya.

  • Ronga nguva yekumbozorora. Kunyange kumbozorora kwenguva shoma kunokupa simba uye kunoderedza kushushikana.

Vabereki vachikurukura nevana vavo.

Batsirwa Nevamwe

“Kunetseka kuri mumwoyo wemunhu kunouremedza, asi shoko rakanaka rinoita kuti unyevenuke.”—ZVIREVO 12:25.

Zvazvinoreva: Mashoko evamwe ekukunzwira tsitsi anogona kuita kuti unzwe zviri nani.

  • Udza munhu anokunzwisisa zviri kukunetsa. Munhu waunovimba naye anogona kutokubatsira kuona magadzirisiro aungaita dambudziko rako nenzira yausingambofungiri. Uye kutaura zviri kukudya mwoyo kunoita kuti unzwe zviri nani.

  • Kumbira rubatsiro. Unokwanisa kukumbira vamwe kuti vakubatsire rimwe basa here?

  • Kana munhu waunoshanda naye akakugumbura, edza kugadzirisa dambudziko racho. Semuenzaniso, unogona kutaura naye zvakanaka kuti nei usingafariri maitiro ake? (Zvirevo 17:27) Kana zvikasashanda, unogona kuderedza nguva yaunoita uine munhu iyeye.

Ita Zvekunamata

Muzvinabhizinesi ari kunyengetera ari kubasa.

“Vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari.”—MATEU 5:3.

Zvazvinoreva: Tine zvimwe zvatinoda kunze kwezvekudya, zvekupfeka uye pekugara. Tinoda kutungamirirwa naMwari. Kuti tifare tinofanira kubvuma kutungamirirwa naye.

  • Munyengetero unogona kukubatsira chaizvo. Mwari anoda kuti ‘ukande zvese zvinokudya mwoyo paari nekuti iye ane hanya newe.’ (1 Petro 5:7) Kunyengetera uye kufunga zvinhu zvakanaka kunogona kuita kuti tive nerugare rwepfungwa.—VaFiripi 4:6, 7.

  • Verenga zvinhu zvinokusimbisa pakunamata. Mazano ari mumagazini ino anobva muBhaibheri, iro rakanyorwa kuti ritisimbise pakunamata. Anoitawo kuti tive ‘neuchenjeri hunobatsira uye tishandise pfungwa.’ (Zvirevo 3:21) Tinokukurudzira kuti uve nechinangwa chekuverenga Bhaibheri. Unogona kutanga nebhuku raZvirevo.

KUREGERERA VAMWE KUNE SIMBA

“Njere dzemunhu dzinodzora kutsamwa kwake, uye zvakanaka kuti angosiya zvakadaro kana atadzirwa.”—ZVIREVO 19:11.

Mubhuku rinonzi Journal of Health Psychology, Loren Toussaint anoti “kushushikana kunokanganisa [utano] asi kuregerera vamwe kunohuchengetedza.” Anowedzerawo kuti: “Kuregerera munhu anenge atitadzira kunoita kuti tirege kumutsamwira, totanga kumubata zvakanaka.” Anozopedzisa achiti kuregerera vamwe “kunobatsira kuderedza mukana wekubatwa nezvirwere zvinokonzerwa nekushushikana.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe