RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 1 pp. 14-15
  • Unogona Kurarama Usingashushikani

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kurarama Usingashushikani
  • Mukai!—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2020
  • Umambo hwaMwari Huchaita Kuti Pave ‘Nerugare Rukuru’
    Mukai!—2019
  • Funganyo Yakanaka, Funganyo Yakaipa
    Mukai!—1998
  • Kukunda Dambudziko Rekushushikana
    Mukai!—2020
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 1 pp. 14-15
Baba nemwana wavo vari kutamba mumvura, uku amai nevanasikana vavo vachiona zvavo vamire kumahombekombe.

KUWANA ZORORO PADAMBUDZIKO REKUSHUSHIKANA

Unogona Kurarama Usingashushikani

Uchenjeri hweBhaibheri hunotibatsira kuti tisashushikana nezvimwe zvinhu. Hatikwanisi kubvisa zvinhu zvese zvinoita kuti tishushikane. Asi Musiki wedu anozvikwanisa. Akatogadza Jesu Kristu kuti atibatsire. Achaita zvinhu zvinoshamisa pasi rese kupfuura zvaakaita paaiva panyika. Semuenzaniso:

SEZVAAKAMBOITA KARE, JESU ACHARAPA VANORWARA.

“Vakamuunzira vanhu vese vaitambura nezvirwere zvakasiyana-siyana . . . , uye akavarapa.”—MATEU 4:24.

JESU ACHAITA KUTI MUNHU WESE AVE NEPEKUGARA UYE ZVEKUDYA.

“[Vanhu vachatongwa naKristu] vachavaka dzimba vogaramo, uye vachadyara minda yemizambiringa vodya michero yayo. Havazovaki kuti mumwe munhu agare, kana kudyara kuti mumwe munhu adye.”—ISAYA 65:21, 22.

KUTONGA KWAJESU KUCHAITA KUTI VANHU PASI RESE VARARAME MURUGARE, VASINA CHEKUTYA.

“Mumazuva ake, vakarurama vachabudirira, uye rugare ruchawanda kusvikira mwedzi usisipo. Achatonga vanhu kubvira kugungwa kusvikira kugungwa uye kubvira kuRwizi kusvikira kumigumo yenyika. . . . Vavengi vake vachananzva guruva.”—PISAREMA 72:7-9.

JESU ACHATONGA ZVAKANAKA.

“Achanzwira tsitsi munhu akaderera uye murombo, uye achaponesa varombo. Achavanunura pakudzvinyirirwa nepakurwiswa.”—PISAREMA 72:13, 14.

JESU ACHABVISA KUTAMBURA UYE RUFU.

“Hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”—ZVAKAZARURWA 21:4.

“NGUVA DZAKAOMA DZEKUSHUSHIKANA KUKURU”

“Iye zvino vanhu vari kushushikana, kuzvidya mwoyo, kusuruvara uye kurwadziwa zvisati zvamboitika.”—Mohamed S. Younis, mupepeti wenyaya dzinobudiswa nekambani inonzi Gallup.

Nei vanhu vari kushushikana zvakadai? Bhaibheri rinotipa mhinduro yakajeka. Pana 2 Timoti 3:1, rinoti: “Mumazuva ekupedzisira, nguva dzakaoma, dzinonetsa . . . dzichasvika.” Bhaibheri rinoratidza kuti chaizoita kuti zvidaro unhu hwakaipa hwevanhu. Rinoti vanhu vaizova vanokara, vanozvida, vanonyepera kunamata Mwari, vanoda zvemhirizhonga, vasingadanani mumhuri dzavo, uye vasingazvidzori. (2 Timoti 3:2-5) Mazuva ekupedzisira achapera kana Jesu Kristu ava kutonga nyika yese saMambo weUmambo hwaMwari. Umambo uhwu ihurumende yekudenga.—Dhanieri 2:44.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe