Jobho
29 Zvino Jobho akasimudzirazve chirevo chake, akati:
2 “Haiwa, kudai ndaiva mumwedzi yekare kare,+
Sepamazuva andaichengetedzwa naMwari;+
3 Paaiita kuti rambi rake rivhenekere pamusoro wangu,
Pandaifamba nomurima ndichivhenekerwa nechiedza chake;+
4 Sezvandakanga ndakaita pamazuva andakanga ndichiri muduku,+
Ushamwari naMwari pahwaiva patende rangu;+
5 Wemasimbaose paakanga achiri neni,
Vashandi vangu pavakanga vakandikomberedza!
6 Pandaigeza mandaitsika noruomba,
Uye dombo parairamba richindidururira hova dzemafuta;+
7 Pandaienda kugedhi retaundi,+
Pandaigadzira chigaro changu munzvimbo inoungana vanhu!+
11 Nokuti nzeve yakanzwa, ikanditi ndinofara,
Uye ziso rakaona, rikandipupurira.
12 Nokuti ndainunura munhu anotambudzika aichemera kubatsirwa,+
Nenherera nomunhu chero upi zvake akanga asina mubatsiri.+
13 Kukomborera+ kwomunhu akanga ava kuda kuparara—kwaiuya pandiri,
Uye ndaiita kuti mwoyo wechirikadzi ufare.+
14 Ndaifuka kururama, uye iko kwaindifukidzawo.+
Kururamisira kwangu kwakanga kwakaita sejasi risina maoko—uye ngowani.
20 Kukudzwa kwangu kunoramba kuri kutsva kwandiri,
Uye uta hwangu huri muruoko rwangu hucharamba huchipfura.’