Chishanu, September 12
Zviri kuitika munyika zviri kuchinja.—1 VaK. 7:31.
Zivikanwa semunhu anonzwisisa. Zvibvunze kuti: ‘Vanhu vanondiona semunhu anonzwisisa uye anobvumawo zvinodiwa nevamwe here, kana kuti vanondiona semunhu akaoma musoro? Ndinoteerera vamwe ndichibvumawo zvavanoda pazvinenge zvakakodzera here?’ Kunzwisisa kwatinoita kunoratidza kuti tiri papi pakutevedzera Jehovha naJesu. Tinofanira kuva vanhu vanonzwisisa panochinja zvinhu muupenyu hwedu. Kuchinja ikoko kunogona kuita kuti tisangane nematambudziko ataisambofungira. Tinogona kungoerekana tarwara zvakaipisisa. Kana kuti kuchinja kunoita zveupfumi munyika kana kuti zvematongerwo enyika kunogona kuita kuti upenyu hwedu huome chaizvo. (Mup. 9:11) Kunyange kuchinjwa kwatinoitwa kwekushandira musangano raJehovha kunogona kuva muedzo kwatiri. Tinogona kujairana nemamiriro ezvinhu matsva anenge avapo kana tikatevedzera matanho mana anoti: (1) kubvuma zvinenge zvavapo, (2) kuramba uchifunga nezveramangwana, (3) kuisa pfungwa pazvinhu zvakanaka, uye (4) kubatsira vamwe. w23.07 21-22 ¶7-8
Mugovera, September 13
Uri munhu anokosha chaizvo.—Dhan. 9:23.
Muprofita Dhanieri aiva mukomana wechidiki paakatorwa nevaBhabhironi semusungwa achiendeswa kure nekumusha kwake. Asi zviri pachena kuti vaBhabhironi vakamuyemura. Vakaona ‘zvaionekwa nemaziso,’ kuti Dhanieri akanga ‘asina kana pakaremara, aine chimiro chakanaka’ uye kuti aibva mumhuri inokosha. (1 Sam. 16:7) Saka vakamudzidzisa kuti azoshumira mumuzinda wamambo. (Dhan. 1:3, 4, 6) Jehovha akada Dhanieri nekuti aiva wechidiki ainge akavimbika kuna Mwari. Kunenge kuti Dhanieri ainge ava kusvitsa makore 20 kana kuti achangoti pfuurei 20 Jehovha paakataura zvakanaka nezvake pamwe chete naNoa naJobho, avo vakanga vashumira Jehovha vakatendeka kwemakore akawanda. (Gen. 5:32; 6:9, 10; Job. 42:16, 17; Ezek. 14:14) Jehovha akaramba achida Dhanieri kweupenyu hwake hwese.—Dhan. 10:11, 19. w23.08 2 ¶1-2
Svondo, September 14
[Nzwisisa] zvakazara chinonzi kufara nekureba nekukwirira nekudzika.—VaEf. 3:18.
Kana uchida kutenga imba, ungada kuenda kunoongorora zvese zvakaita imba yacho. Tinogona kuitawo zvakafanana patinoverenga uye kudzidza Bhaibheri. Kana ukangoriverenga uchimhanya, unogona kungoziva “zvinhu zvekutanga zvemashoko matsvene aMwari.” (VaH. 5:12) Pane kudaro, unofanira kunyatsodzidza Bhaibheri uchiriongorora kuti uwedzere kurinzwisisa sekuongorora kwaunoita imba yaunenge uchida kutenga. Nzira yakanaka chaizvo yekudzidza Bhaibheri ndeyekuona kuti zvikamu zvaro zvakasiyana-siyana zvinopindirana sei. Edza kunzwisisa kuti ichokwadi chipi chaunotenda uye kuti nei uchichitenda. Kuti tinzwisise zvizere Shoko raMwari, tinofanira kunyatsodzidza chokwadi cheBhaibheri. Muapostora Pauro akakurudzira hama nehanzvadzi dzake dzechiKristu kuti dzinyatsodzidza Shoko raMwari kuitira kuti ‘dzikwanise kunzwisisa zvakazara chinonzi kufara nekureba nekukwirira nekudzika’ kwechokwadi. Izvozvo zvaizoita kuti vawedzere ‘kudzika midzi uye kusimbiswa’ pakutenda kwavo. (VaEf. 3:14-19) Tinofanirawo kuita izvozvo. w23.10 18 ¶1-3