18 Kwakanga kusati kwamboitwa paseka yakaita saiyoyo pakati paIsraeri kubvira pamazuva omuprofita Samueri,+ uye hakuna mumwe mambo+ chero upi zvake waIsraeri akanga amboita paseka yakafanana neyakaitwa naJosiya nevapristi nevaRevhi nevaJudha vose nevaIsraeri vakanga varipo nevagari vomuJerusarema.