18 Vanakomana vari kunhonga huni, vanababa vari kubatidza moto, uye madzimai ari kukanya mukanyiwa wefurawa kuti vagadzirire ‘mambokadzi wokumatenga’+ makeke echibayiro; uye vari kudururira zvinopiwa zvinonwiwa+ kune vamwe vanamwari kuti vandigumbure.+