-
Dheuteronomi 32:48-50Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
48 Jehovha akataura naMozisi musi iwoyo, achiti: 49 “Kwira mugomo iri remuAbharimu,+ Gomo reNebho,+ riri munyika yeMoabhi, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKenani, yandiri kupa vaIsraeri kuti ive nhaka yavo.+ 50 Uchabva wafira mugomo rauri kukwira mariri, woiswa kwakaiswa vanhu vekwako,* sekufa kwakaita Aroni mukoma wako muGomo reHori,+ akaiswa kwakaiswa vanhu vekwake,
-