-
Numeri 19:19, 20Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
19 Munhu akachena achaisasa pamusoro pemunhu asina kuchena pazuva rechitatu nepazuva rechinomwe, uye achamunatsa pachivi pazuva rechinomwe;+ munhu wacho achabva ageza nguo dzake, ogeza muviri, uye achava akachena manheru.
20 “‘Asi munhu asina kuchena akarega kuzozvinatsa, munhu iyeye anofanira kubviswa* pakati peungano,+ nekuti asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha. Haana kusaswa mvura yekuchenesa nayo, saka haana kuchena.
-