-
Joshua 1:12-14Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
12 Uye Joshua akati kuvaRubheni, nevaGadhi, nehafu yedzinza raManase: 13 “Yeukai zvamakarayirwa+ naMozisi muranda waJehovha, achiti: ‘Jehovha Mwari wenyu ari kukupai zororo uye akupai nyika ino. 14 Madzimai enyu, vana venyu, nezvipfuwo zvenyu zvichagara munyika yamakapiwa naMozisi mhiri kuno* kwaJodhani,+ asi imi mese varwi vane simba+ munofanira kuyambuka uto renyu rakarongwa, muri pamberi pehama dzenyu.+ Munofanira kuvabatsira
-