2 Zvino Joshua mwanakomana waNuni akatuma varume vaviri pachivande kubva kuShitimu+ kuti vanosora nyika. Akavaudza kuti: “Endai munoongorora zvakaita nyika yacho, kunyanya Jeriko.” Saka vakaenda vakasvika pamba peimwe pfambi yainzi Rakabhi,+ vakagara ipapo.