-
Eksodho 23:31-33Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
31 “Ndichaisa muganhu wako kubvira kuGungwa Dzvuku kusvikira kugungwa revaFiristiya uye kubvira kurenje kusvikira kuRwizi;*+ nekuti ndichaisa vagari vemunyika yacho muruoko rwako, uye uchavadzinga pamberi pako.+ 32 Usaita sungano navo kana navanamwari vavo.+ 33 Havafaniri kugara munyika yako, kuti varege kukuita kuti unditadzire. Kana ukashumira vanamwari vavo, chokwadi uchava musungo kwauri.”+
-
-
Joshua 23:12, 13Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
12 “Asi kana mukangotsauka chete, mobatana nevanhu vasara pamarudzi aya+ vachiri pakati penyu, moroorerana+ navo muchishamwaridzana navo, ivo vachishamwaridzana nemi, 13 chokwadi zivai kuti Jehovha Mwari wenyu haazorambi achikudzingirai marudzi aya.+ Marudzi aya achava chiteyeso nemusungo kwamuri uye tyava ine zvinobaya kumisana yenyu+ uye minzwa mumaziso enyu kusvikira maparara panyika iyi yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.
-