RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 23:31-33
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 31 “Ndichaisa muganhu wako kubvira kuGungwa Dzvuku kusvikira kugungwa revaFiristiya uye kubvira kurenje kusvikira kuRwizi;*+ nekuti ndichaisa vagari vemunyika yacho muruoko rwako, uye uchavadzinga pamberi pako.+ 32 Usaita sungano navo kana navanamwari vavo.+ 33 Havafaniri kugara munyika yako, kuti varege kukuita kuti unditadzire. Kana ukashumira vanamwari vavo, chokwadi uchava musungo kwauri.”+

  • Dheuteronomi 7:3, 4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Usaroorerana navo. Usaroodza vanasikana vako kuvanakomana vavo, kana kuita kuti vanakomana vako varoore vanasikana vavo.+ 4 Nekuti vachaita kuti vanakomana vako vasanditevera, voshumira vamwe vanamwari;+ Jehovha achabva akutsamwira kwazvo, uye achakurumidza kukuparadza.+

  • Joshua 23:12, 13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 “Asi kana mukangotsauka chete, mobatana nevanhu vasara pamarudzi aya+ vachiri pakati penyu, moroorerana+ navo muchishamwaridzana navo, ivo vachishamwaridzana nemi, 13 chokwadi zivai kuti Jehovha Mwari wenyu haazorambi achikudzingirai marudzi aya.+ Marudzi aya achava chiteyeso nemusungo kwamuri uye tyava ine zvinobaya kumisana yenyu+ uye minzwa mumaziso enyu kusvikira maparara panyika iyi yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.

  • Vatongi 2:2, 3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 Imiwo hamufaniri kuita sungano nevagari vemunyika ino+ uye munofanira kuputsa atari dzavo.’+ Asi hamuna kuteerera inzwi rangu.+ Makaitirei zvakadaro? 3 Ndokusaka ndakatiwo, ‘Handisi kuzovadzinga pamberi penyu,+ vachava musungo kwamuri+ uye vanamwari vavo vachakukwezvai vokutsausai.’”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe