RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Joshua 20:2, 3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Sarudzai maguta enyu ekupotera+ andakataura nezvawo kwamuri ndichishandisa Mozisi, 3 kuti munhu anouraya mumwe munhu* asingaiti nemaune kana kuti anouraya netsaona* atizire ikoko. Uye maguta acho ndiwo amuchapotera pamunotiza mutsivi weropa.+

  • Joshua 20:7, 8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 Saka vakasarudza* Kedheshi+ iri muGarireya munyika ine makomo yaNaftari, Shekemu+ iri munyika ine makomo yaEfremu, neKiriyati-abha,+ kureva Hebroni, iri munyika ine makomo yaJudha. 8 Munharaunda yeJodhani, kumabvazuva kweJeriko, vakasarudza Bhezeri+ iri mugwenga panzvimbo yakakwirira uye yakati sandara munyika yedzinza raRubheni, Ramoti+ iri muGiriyedhi munyika yedzinza raGadhi, neGorani+ iri muBhashani munyika yedzinza raManase.+

  • Joshua 21:13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Uye vakapa vanakomana vemupristi Aroni guta rekuti munhu anenge auraya munhu+ apotere, kureva Hebroni+ nemafuro ayo, uye vakavapawo Ribna+ nemafuro ayo,

  • Joshua 21:21
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 21 Vakavapa guta rekuti munhu anenge auraya munhu apotere,+ kureva Shekemu+ nemafuro ayo aiva munyika ine makomo yaEfremu, Gezeri+ nemafuro ayo,

  • Joshua 21:27
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 27 Uye hafu yedzinza raManase yakapa vaGeshoni+ vemhuri dzevaRevhi guta rekuti munhu anenge auraya munhu apotere, kureva Gorani,+ iri muBhashani, nemafuro ayo, neBheeshtera nemafuro ayo, maguta maviri.

  • Joshua 21:32
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 32 Uye kubva kudzinza raNaftari vakapiwa guta rekuti munhu anenge auraya apotere,+ kureva Kedheshi+ iri muGarireya nemafuro ayo, Hamoti-dhori nemafuro ayo, neKatani nemafuro ayo, maguta matatu.

  • Joshua 21:36
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 36 Kubva kudzinza raRubheni vakapiwa Bhezeri+ nemafuro ayo, Jahazi nemafuro ayo,+

  • Joshua 21:38
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 38 Kubva kudzinza raGadhi+ vakapiwa guta rekuti munhu anenge auraya apotere, kureva Ramoti iri muGiriyedhi+ nemafuro ayo, Mahanaimu+ nemafuro ayo,

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe