Eksodho 3:8 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Ndichaburuka kunovanunura pamaoko evaIjipiti+ uye kunovabudisa munyika iyoyo, ndovaendesa kunyika yakanaka uye yakakura, nyika inoyerera uchi nemukaka,+ kunharaunda yevaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi.+ Revhitiko 20:24 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 24 Ndokusaka ndakati kwamuri: “Muchatora nyika yavo kuti ive yenyu, uye ini ndichakupai kuti ive yenyu, nyika inoyerera uchi nemukaka.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu, akutsaurai pakati pemamwe marudzi.”+
8 Ndichaburuka kunovanunura pamaoko evaIjipiti+ uye kunovabudisa munyika iyoyo, ndovaendesa kunyika yakanaka uye yakakura, nyika inoyerera uchi nemukaka,+ kunharaunda yevaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi.+
24 Ndokusaka ndakati kwamuri: “Muchatora nyika yavo kuti ive yenyu, uye ini ndichakupai kuti ive yenyu, nyika inoyerera uchi nemukaka.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu, akutsaurai pakati pemamwe marudzi.”+