RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 29:32
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 32 Aroni nevanakomana vake ngavadye+ nyama yegondohwe racho nechingwa chiri mutswanda pasuo retende rekusanganira.

  • Revhitiko 6:14
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 14 “‘Uyu ndiwo mutemo wemupiro wezviyo:*+ Imi vanakomana vaAroni munofanira kuuya nawo kuna Jehovha pamberi peatari.

  • Revhitiko 6:16
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 16 Aroni nevanakomana vake vachadya zvinenge zvasara pamupiro uyu wezviyo.+ Ngazvidyiwe zviri chingwa chisina mbiriso munzvimbo tsvene. Vachazvidyira muchivanze chetende rekusanganira.+

  • Revhitiko 10:12, 13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Mozisi akabva ataura naAroni nevanakomana vake vakanga vasara, Eriyezari naItamari, achiti: “Torai zvakasara pamupiro wezviyo* wakapisirwa Jehovha nemoto mozvibikisa chingwa chisina mbiriso, mochidyira pedyo neatari,+ nekuti izvo zvinhu zvitsvenetsvene.+ 13 Munofanira kuzvidyira munzvimbo tsvene,+ nekuti ndiwo mugove wenyu nemugove wevanakomana venyu unobva pamipiro inopisirwa Jehovha nemoto, nekuti ndizvo zvandakarayirwa.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe