-
Numeri 21:23, 24Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
23 Asi Sihoni haana kubvumira Israeri kupfuura nemunyika yake. Akatounganidza vanhu vake vese, akaenda kunorwisana naIsraeri murenje, akasvika kuJahazi, akatanga kurwa naIsraeri.+ 24 Asi Israeri akamukunda nebakatwa,+ akatora nyika yake+ kubvira kuAnoni+ kusvikira kuJabhoki,+ pedyo nevaAmoni, nekuti Jazeri+ ndiyo inoganhura nyika yevaAmoni.+
-
-
Joshua 12:1, 2Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
12 Aya ndiwo madzimambo enyika yacho akakundwa nevaIsraeri, ane nyika yavakatora kumabvazuva kwaJodhani, kubvira kuBani reAnoni*+ kusvikira kuGomo reHemoni+ neArabha yese nechekumabvazuva:+ 2 Sihoni+ mambo wevaAmori, aigara muHeshbhoni, achitonga kubvira kuAroeri,+ yaiva kumucheto kweBani reAnoni,*+ uye kubvira pakati pebani, nehafu yeGiriyedhi kusvikira kuBani reJabhoki,* muganhu wevaAmoni.
-