11 Akaita mhiko iyi yekuti: “Haiwa Jehovha wemauto, kana mukaonawo kutambudzika kwemuranda wenyu, mondiyeuka, morega kukanganwa muranda wenyu uye mopa muranda wenyu mwana mukomana,+ ndichamupa kuna Jehovha mazuva ese eupenyu hwake, uye bvudzi remusoro wake harizomboveurwi.”+