2 Muka, haiwa iwe chiridzwa chine tambo; newewo rudimbwa.+
Ndichaita kuti mambakwedza amuke.
3 Ndichakurumbidzai pakati pemarudzi, haiwa Jehovha,
Ndichaimba ndichikurumbidzai pakati pemarudzi.
4 Nekuti rudo rwenyu rusingachinji rwakakura, rwakakwirira sematenga,+
Uye kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.
5 Rumbidzwai zvikuru kumusoro kwematenga, haiwa Mwari;
Kukudzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yese.+