-
Joshua 13:27, 28Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
27 uye mubani, Bheti-haramu,+ Bheti-nimra, Sukoti,+ neZafoni, ihwo umambo hwese hwakanga hwasara hwaSihoni mambo weHeshbhoni,+ muganhu wacho uri Rwizi rwaJodhani kubva nechezasi kunoperera Gungwa reKinereti*+ riri kumabvazuva kwaJodhani. 28 Iyi ndiyo yaiva nhaka yevaGadhi maererano nemhuri dzavo, nemaguta acho nemisha yawo.
-
-
Pisarema 108:7-9Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
7 Mwari ataura muutsvene hwake* achiti:
“Ndichapembera nemufaro, ndichapa vanhu vangu Shekemu+ kuti ive nhaka yavo;
Ndichavayerera Bani reSukoti.+
8 Giriyedhi+ ndeyangu, Manase ndeyangu,
Uye Efremu ingowani* yemusoro wangu;+
Judha mudonzvo wangu wemutungamiriri.+
9 Moabhi mudziyo wangu wekugezera.+
Ndichakanda shangu yangu pamusoro peEdhomu.+
Ndichapemberera ndakunda Firistiya.”+
-