-
Mako 11:15-17Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
15 Vakazosvika kuJerusarema. Ari ikoko akapinda mutemberi, akatanga kudzingira kunze vaya vaitenga nekutengesa mutemberi, akapidigura tafura dzevaichinja mari, nemabhenji evaitengesa njiva,+ 16 uye hapana munhu waaibvumira kupfuura nemutemberi akatakura chinhu. 17 Aidzidzisa uye aiti kwavari: “Hazvina kunyorwa here kuti, ‘Imba yangu ichanzi imba yekunyengeterera yemarudzi ese’?+ Asi imi maiita bako remakororo.”+
-
-
Johani 2:13-17Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 Paseka+ yevaJudha yakanga yava pedyo, uye Jesu akakwidza kuJerusarema. 14 Akawana mutemberi muine vaya vaitengesa mombe nemakwai nenjiva,+ uye vanhu vaichinja mari vari pazvigaro zvavo. 15 Saka akagadzira tyava yetambo ndokudzingira kunze kwetemberi vese vaiva nemakwai nemombe, uye akakutura mari yevaichinja mari, akapidigura tafura dzavo.+ 16 Uye akati kune vaya vaitengesa njiva: “Bvisai zvinhu izvi muno! Regai kuita imba yaBaba vangu imba yekutengesera!”*+ 17 Vadzidzi vake vakayeuka kuti zvakanyorwa kuti: “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.”+
-