RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Madzimambo 19:10
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 10 Iye akabva ati: “Ndanga ndichishingaira chaizvo ndichiitira Jehovha Mwari wemauto;+ nekuti vaIsraeri vakasiya sungano yenyu,+ vakaputsa atari dzenyu, vakauraya vaprofita venyu nebakatwa,+ uye ini ndini ndega ndasara. Iye zvino vava kuda kundiuraya.”*+

  • Pisarema 119:139
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 139 Kushingaira kwangu kunondipedza,+

      Nekuti mhandu dzangu dzakanganwa mashoko enyu.

  • Mateu 21:12, 13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Jesu akapinda mutemberi, akadzingira kunze vese vaitenga nekutengesa mutemberi, akapidigura tafura dzevaichinja mari, nemabhenji evaitengesa njiva.+ 13 Uye akati kwavari: “Zvakanyorwa kuti, ‘Imba yangu ichanzi imba yekunyengeterera,’+ asi imi muri kuiita bako remakororo.”+

  • Mako 11:15-17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 15 Vakazosvika kuJerusarema. Ari ikoko akapinda mutemberi, akatanga kudzingira kunze vaya vaitenga nekutengesa mutemberi, akapidigura tafura dzevaichinja mari, nemabhenji evaitengesa njiva,+ 16 uye hapana munhu waaibvumira kupfuura nemutemberi akatakura chinhu. 17 Aidzidzisa uye aiti kwavari: “Hazvina kunyorwa here kuti, ‘Imba yangu ichanzi imba yekunyengeterera yemarudzi ese’?+ Asi imi maiita bako remakororo.”+

  • Johani 2:13-17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Paseka+ yevaJudha yakanga yava pedyo, uye Jesu akakwidza kuJerusarema. 14 Akawana mutemberi muine vaya vaitengesa mombe nemakwai nenjiva,+ uye vanhu vaichinja mari vari pazvigaro zvavo. 15 Saka akagadzira tyava yetambo ndokudzingira kunze kwetemberi vese vaiva nemakwai nemombe, uye akakutura mari yevaichinja mari, akapidigura tafura dzavo.+ 16 Uye akati kune vaya vaitengesa njiva: “Bvisai zvinhu izvi muno! Regai kuita imba yaBaba vangu imba yekutengesera!”*+ 17 Vadzidzi vake vakayeuka kuti zvakanyorwa kuti: “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe