Pisarema 10:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 Nekuzvikudza kwake, munhu akaipa haaedzi kuongorora zvinhu;Mupfungwa dzake anongoti: “Hakuna Mwari.”+ Pisarema 10:11 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 11 Anoti mumwoyo make: “Mwari akanganwa.+ Atendeudza chiso chake. Haatombooni zviri kuitika.”+ Pisarema 94:3 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 3 Vakaipa vachasvika riini, haiwa Jehovha,Vachasvika riini vachipembera nemufaro?+ Pisarema 94:7 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 7 Vanoti: “Jah haaoni;+Mwari waJakobho haazvicherechedzi.”+ Ezekieri 8:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uri kuona here zviri kuitwa nevakuru veimba yaIsraeri murima, mumwe nemumwe ari mudzimba dzemukati makaiswa zvifananidzo zvake? Nekuti vari kuti, ‘Jehovha haasi kutiona. Jehovha abva munyika.’”+ Zefaniya 1:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Panguva iyoyo ndichanyatsotarisa muJerusarema ndiine marambi,Uye ndichatonga vanhu vasingatirimuki,* vaya vanoti mumwoyo mavo,‘Jehovha haazoiti zvakanaka, uye haazoiti zvakaipa.’+
4 Nekuzvikudza kwake, munhu akaipa haaedzi kuongorora zvinhu;Mupfungwa dzake anongoti: “Hakuna Mwari.”+
12 Akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uri kuona here zviri kuitwa nevakuru veimba yaIsraeri murima, mumwe nemumwe ari mudzimba dzemukati makaiswa zvifananidzo zvake? Nekuti vari kuti, ‘Jehovha haasi kutiona. Jehovha abva munyika.’”+
12 Panguva iyoyo ndichanyatsotarisa muJerusarema ndiine marambi,Uye ndichatonga vanhu vasingatirimuki,* vaya vanoti mumwoyo mavo,‘Jehovha haazoiti zvakanaka, uye haazoiti zvakaipa.’+