Numeri 10:10 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 10 “Uyewo panguva dzenyu dzekufara,+ pamitambo+ yenyu uye panotanga mwedzi yenyu, munofanira kuridza mabhosvo pamusoro pemipiro yenyu inopiswa+ nezvibayiro zvenyu zverugare;+ achava sechiyeuchidzo kwamuri pamberi paMwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.”+ 1 Makoronike 15:28 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 28 VaIsraeri vese vakanga vachiunza areka yesungano yaJehovha vachishevedzera vachifara,+ vachiridza hwamanda, mabhosvo,+ nesimbi dzinorovaniswa, ukuwo zviridzwa zvine tambo neudimbwa zvichiririra pamusoro.+ 2 Makoronike 29:27 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 27 Hezekiya akabva arayira kuti chibayiro chinopiswa chipiwe paatari.+ Pakatanga kupiwa chibayiro chinopiswa, rwiyo rwaJehovha rwakatanga pamwe chete nemabhosvo, zviridzwa zvaMambo Dhavhidhi weIsraeri zvichitungamirira.
10 “Uyewo panguva dzenyu dzekufara,+ pamitambo+ yenyu uye panotanga mwedzi yenyu, munofanira kuridza mabhosvo pamusoro pemipiro yenyu inopiswa+ nezvibayiro zvenyu zverugare;+ achava sechiyeuchidzo kwamuri pamberi paMwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.”+
28 VaIsraeri vese vakanga vachiunza areka yesungano yaJehovha vachishevedzera vachifara,+ vachiridza hwamanda, mabhosvo,+ nesimbi dzinorovaniswa, ukuwo zviridzwa zvine tambo neudimbwa zvichiririra pamusoro.+
27 Hezekiya akabva arayira kuti chibayiro chinopiswa chipiwe paatari.+ Pakatanga kupiwa chibayiro chinopiswa, rwiyo rwaJehovha rwakatanga pamwe chete nemabhosvo, zviridzwa zvaMambo Dhavhidhi weIsraeri zvichitungamirira.