RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Makoronike 16:8-13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 8 “Ongai Jehovha,+ danai zita rake,

      Zivisai mabasa ake pakati pemarudzi!+

      9 Muimbirei, imbai muchimurumbidza,*+

      Fungisisai mabasa* ake ese anoshamisa.+

      10 Zvirumbidzei pamusoro pezita rake dzvene.+

      Mwoyo yevaya vari kutsvaga Jehovha ngaifare.+

      11 Tsvagai Jehovha+ uye simba rake.

      Tsvagai chiso chake* nguva dzese.+

      12 Yeukai mabasa anoshamisa aakaita,+

      Zvishamiso zvake nemitongo yaakazivisa,

      13 Imi vana* vemushumiri wake Israeri,+

      Imi vanakomana vaJakobho, vakasarudzwa.+

  • Pisarema 96:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  3 Zivisai kukudzwa kwake pakati pemarudzi,

      Nemabasa ake anoshamisa pakati pevanhu vese.+

  • Pisarema 145:11, 12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Vachazivisa nezvekukudzwa kweumambo hwenyu,+

      Votaura nezvesimba renyu,+

      ל [Lamed]

      12 Kuti vazivise vanhu mabasa enyu esimba+

      Nekubwinya kunoshamisa kweumambo hwenyu.+

  • Isaya 12:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  4 Uye pazuva iroro muchati:

      “Ongai Jehovha, danai zita rake,

      Zivisai mabasa ake pakati pemarudzi!+

      Zivisai kuti zita rake riri pamusorosoro.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe