-
Mabasa 7:4, 5Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
4 Akabva abuda munyika yevaKadheya, akanogara kuHarani. Baba vake pavakafa,+ Mwari akaita kuti abve ikoko auye kuzogara munyika ino yamava kugara.+ 5 Asi haana kumupa nhaka mairi, kunyange panokwana tsoka yake; asi akavimbisa kuzomupa kuti ive yake, pamwe nevana* vake vaizomutevera,+ kunyange zvazvo akanga asati ava nemwana.
-