44 Asi ini ndinoti kwamuri: Rambai muchida vavengi venyu+ uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai,+ 45 kuti muratidze kuti muri vanakomana vaBaba venyu vari kudenga,+ nekuti vanoita kuti zuva ravo ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye vanoita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.+