17 Haiwa Mwari wangu, ndinonyatsoziva kuti munoongorora mwoyo,+ uye kuti munofarira munhu akaperera kwamuri.+ Ini ndapa zvinhu zvese izvi nemwoyo wakarurama, ndichizvidira, uye ndiri kufara chaizvo kuona vanhu venyu vari pano vachikupai vachizvidira.