21 Saka zvakakodzera kuti pavarume vaiva nesu nguva yese yaiitwa naIshe Jesu mabasa avo pakati pedu, 22 kubvira pavakabhabhatidzwa naJohani+ kusvikira zuva ravakakwidzwa kudenga vachibva kwatiri,+ mumwe wevarume ava anofanira kubatana nesu sechapupu cherumuko rwavo.”+