46 uye akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa: kuti Kristu aizotambura omuka kuvakafa pazuva rechitatu,+ 47 uye kuti, kutangira kuJerusarema,+ zita rake raizoshandiswa pakuparidza kuti vanhu vemarudzi ese+ vapfidze zvivi zvavo+ varegererwe. 48 Imi munofanira kuva zvapupu zvezvinhu izvi.+