-
Mabasa 14:8-10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 MuRistra maiva nemumwe murume akanga akagara pasi. Akazvarwa akaremara makumbo, uye akanga asati ambofamba. 9 Murume uyu akanga akateerera Pauro achitaura. Pauro akaramba akamutarisa, akaona kuti aitenda kuti aigona kuporeswa,+ 10 ndokuti nenzwi guru: “Simuka umire.” Saka murume wacho akati kwanyanu, akatanga kufamba.+
-