RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Vatongi 21
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raVatongi

Vatongi 21:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:1
  • +Vat 21:18

Vatongi 21:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:18, 26

Vatongi 21:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 3:1

Vatongi 21:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 5:4; 19:12; Mt 5:33
  • +Vat 21:1, 18

Vatongi 21:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:1

Vatongi 21:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 21:5

Vatongi 21:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 18:1

Vatongi 21:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:46, 47

Vatongi 21:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 21:8, 12

Vatongi 21:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 21:6

Vatongi 21:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:12; Vat 21:1

Vatongi 21:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 18:1

Vatongi 21:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vanasikana.”

Vatongi 21:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 21:12, 14
  • +Vat 21:1, 18

Vatongi 21:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:48

Vatongi 21:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “zvakarurama mumaziso ake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 17:6; 1Sa 8:4, 5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/15/2005, p. 27

    6/15/1995, p. 22

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Vat. 21:1Vat 20:1
Vat. 21:1Vat 21:18
Vat. 21:2Vat 20:18, 26
Vat. 21:4Re 3:1
Vat. 21:7Re 5:4; 19:12; Mt 5:33
Vat. 21:7Vat 21:1, 18
Vat. 21:8Vat 20:1
Vat. 21:10Vat 21:5
Vat. 21:12Jos 18:1
Vat. 21:13Vat 20:46, 47
Vat. 21:14Vat 21:8, 12
Vat. 21:15Vat 21:6
Vat. 21:18Re 19:12; Vat 21:1
Vat. 21:19Jos 18:1
Vat. 21:22Vat 21:12, 14
Vat. 21:22Vat 21:1, 18
Vat. 21:23Vat 20:48
Vat. 21:25Vat 17:6; 1Sa 8:4, 5
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Vatongi 21:1-25

Vatongi

21 Varume veIsraeri vakanga vaita mhiko muMizpa+ vachiti: “Hapana mumwe wedu achapa mwanasikana wake kumurume wekwaBhenjamini kuti ave mudzimai wake.”+ 2 Vanhu vakabva vaenda kuBheteri+ vakanogara pamberi paMwari wechokwadi ikoko kusvikira manheru, vachishevedzera uye vachichema kwazvo. 3 Uye vaiti: “Haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, nei izvi zvaitika pakati paIsraeri? Nei dzinza rimwe chete rashayikwa nhasi pakati paIsraeri?” 4 Zuva rakatevera racho vanhu vakafumomuka, vakavaka atari ipapo kuti vape zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare.+

5 VaIsraeri vakabva vati: “Pamadzinza ese eIsraeri ndiani asina kuenda kunoungana pamberi paJehovha?” nekuti vakanga vaita mhiko huru yekuti munhu wese akanga asina kuenda kuna Jehovha kuMizpa aifanira kutourayiwa. 6 VaIsraeri vakatanga kunetseka nezvakanga zvaitika kuhama yavo Bhenjamini. Vakati: “Nhasi dzinza rimwe chete ragurwa kubva pana Israeri. 7 Toitei kuti tiwanire vaya vasara madzimai, isu zvatakapika naJehovha+ kuti hapana mwanasikana wedu watinofanira kuvapa kuti ave mudzimai wavo?”+

8 Vakabvunza kuti: “Pamadzinza aIsraeri ndiani asina kuenda kuna Jehovha kuMizpa?”+ Zvakangoitika kuti hapana munhu akanga auya kubva kuJabheshi-giriyedhi kuti apinde mumusasa waiva neungano. 9 Vanhu pavakaverengwa, vakaona kuti hapana mugari wekuJabheshi-giriyedhi aivapo. 10 Saka ungano yakatuma varume 12 000 vaiva nesimba chaizvo. Vakavarayira kuti: “Endai munouraya vagari vemuJabheshi-giriyedhi nebakatwa, kunyange vakadzi nevana.+ 11 Izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Paradzai murume wese, nemukadzi wese akamborara nemurume.” 12 Pavagari vemuJabheshi-giriyedhi, vakawana vasikana 400 vaiva mhandara, vakanga vasati vamborara nemurume. Saka vakauya navo kumusasa waiva kuShiro,+ iri munyika yeKenani.

13 Ungano yese yakabva yatumira shoko rerugare kuvaBhenjamini vaiva kudombo reRimoni.+ 14 Saka vaBhenjamini vakadzoka panguva iyoyo. Vakabva vavapa vakadzi vavakanga vachengeta vari vapenyu kubva pavakadzi vekuJabheshi-giriyedhi,+ asi havana kuwana vaivakwanira. 15 Vanhu vakanetseka nezvakanga zvaitika kuna Bhenjamini+ nekuti Jehovha akanga aparadzanisa madzinza aIsraeri. 16 Vakuru veungano yacho vakati: “Toitei kuti tiwanire varume vasara madzimai, sezvo vakadzi vese vekwaBhenjamini vakaparadzwa?” 17 Vakapindura kuti: “Panofanira kuva nenhaka yevaBhenjamini vakapukunyuka, kuti parege kuva nedzinza rinotsakatika pakati paIsraeri. 18 Asi hatibvumirwi kuvapa madzimai pavanasikana vedu, nekuti vaIsraeri vakapika vachiti: ‘Anopa Bhenjamini mudzimai ngaatukwe.’”+

19 Vakabva vati: “Inzwai! Kune mutambo waJehovha gore negore kuShiro,+ iri kuchamhembe kweBheteri, kumabvazuva kwemugwagwa mukuru unobva kuBheteri uchienda kuShekemu, kumaodzanyemba kweRebhona.” 20 Saka vakaudza varume vekwaBhenjamini kuti: “Endai munohwandira muminda yemizambiringa. 21 Uye pamunoona vasikana* vekuShiro vachibuda kuzotamba mitambo yavo inotambwa vachitenderera, mumwe nemumwe wenyu anofanira kubuda muminda yemizambiringa obva atora mudzimai pavasikana vekuShiro, uye munofanira kudzokera kunyika yaBhenjamini. 22 Uye kana vanababa vavo kana hanzvadzi dzavo dzikauya kuzogunun’una kwatiri, tichabva tavaudza kuti, ‘Tinzwireiwo nyasha isu pamwe chete navo, nekuti hatina kukwanisa kuwanira mumwe nemumwe wavo mudzimai patakanorwa hondo+ uye imi maisakwanisa kuvapa mudzimai muchizosara musina mhosva.’”+

23 Saka ndizvo zvakabva zvaitwa nevarume vekwaBhenjamini, uye mumwe nemumwe wavo akatora mudzimai pavasikana vaitamba. Pashure paizvozvo vakadzokera kunhaka yavo vakavakazve maguta avo,+ vakagara maari.

24 Panguva iyoyo vaIsraeri vakapararira vachibva ipapo, mumwe nemumwe achienda kudzinza rake nemhuri yake, uye vakabva ipapo, mumwe nemumwe achienda kunhaka yake.

25 Mumazuva iwayo muIsraeri makanga musina mambo.+ Munhu aiita zvaaifunga kuti ndizvo zvakarurama.*

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe