RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Makoronike 10
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Makoronike

      • Kufa kwaSauro nevanakomana vake (1-14)

1 Makoronike 10:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 31:1-5; 2Sa 1:21, 25

1 Makoronike 10:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 8:33

1 Makoronike 10:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 26:9, 10

1 Makoronike 10:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 16:21, 23
  • +1Mak 10:13

1 Makoronike 10:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 31:6, 7

1 Makoronike 10:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 28:4; 31:8-10

1 Makoronike 10:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “zvipfeko zvake zvehondo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 16:23, 24

1 Makoronike 10:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mutemberi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 5:2

1 Makoronike 10:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 11:1
  • +1Sa 31:11-13

1 Makoronike 10:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 2:5; 21:12

1 Makoronike 10:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 13:13; 15:22, 23
  • +Re 20:6; 1Sa 28:7

1 Makoronike 10:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Rut 4:17; 1Sa 13:14; 15:27, 28; 2Sa 5:3

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Mak. 10:11Sa 31:1-5; 2Sa 1:21, 25
1 Mak. 10:21Mak 8:33
1 Mak. 10:31Sa 26:9, 10
1 Mak. 10:4Vat 16:21, 23
1 Mak. 10:41Mak 10:13
1 Mak. 10:61Sa 31:6, 7
1 Mak. 10:81Sa 28:4; 31:8-10
1 Mak. 10:9Vat 16:23, 24
1 Mak. 10:101Sa 5:2
1 Mak. 10:111Sa 11:1
1 Mak. 10:111Sa 31:11-13
1 Mak. 10:122Sa 2:5; 21:12
1 Mak. 10:131Sa 13:13; 15:22, 23
1 Mak. 10:13Re 20:6; 1Sa 28:7
1 Mak. 10:14Rut 4:17; 1Sa 13:14; 15:27, 28; 2Sa 5:3
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Makoronike 10:1-14

Bhuku Rekutanga reMakoronike

10 Zvino vaFiristiya vakanga vachirwa nevaIsraeri. Varume veIsraeri vakatiza vaFiristiya, uye vakawanda vakaurayiwa muGomo reGiribhoa.+ 2 VaFiristiya vakaramba vakati name name naSauro nevanakomana vake, uye vaFiristiya vakauraya Jonatani, Abhinadhabhi, naMariki-shua,+ vanakomana vaSauro. 3 Hondo yacho yakanga yava kupisa ichiomera Sauro, uye vaya vaipfura neuta vakamuwana, vakamukuvadza.+ 4 Sauro akabva ati kumutakuri wezvombo zvake: “Vhomora bakatwa rako undibaye naro, kuti varume ava vasina kuchecheudzwa varege kuuya, vondiitira utsinye.”+ Asi mutakuri wezvombo zvake akanga asingadi kumubaya, nekuti aitya chaizvo. Saka Sauro akatora bakatwa racho, akawira pariri.+ 5 Mutakuri wezvombo zvake paakaona kuti Sauro akanga afa, iyewo akabva awira pabakatwa rake akafa. 6 Saka Sauro nevanakomana vake vatatu vakafa, uye vese veimba yake vakafa pamwe chete.+ 7 VaIsraeri vese vaiva mubani pavakaona kuti munhu wese akanga atiza uye kuti Sauro nevanakomana vake vakanga vafa, vakatanga kubuda mumaguta avo vachitiza; vaFiristiya vakabva vauya vakaatora.

8 Mangwana acho, vaFiristiya pavakauya kuzotora zvipfeko nezvimwe zvinhu zvevanhu vakanga vaurayiwa, vakawana Sauro nevanakomana vake vakafa muGomo reGiribhoa.+ 9 Saka vakatora zvipfeko zvake, vakadimbura musoro wake, vakatora zvombo zvake* uye vakatumira shoko munyika yese yevaFiristiya kuti vasvitse mashoko acho kuzvidhori zvavo+ nekuvanhu vacho. 10 Vakabva vaisa zvipfeko zvake zvehondo muimba* yamwari wavo vakaroverera dehenya rake paimba yaDhagoni.+

11 Vanhu vese vekuJabheshi+ iri muGiriyedhi pavakanzwa zvese zvakanga zvaitirwa Sauro nevaFiristiya,+ 12 varwi vese vakasimuka, vakatakura chitunha chaSauro nezvitunha zvevanakomana vake. Vakaenda nazvo kuJabheshi, vakaviga mapfupa avo pasi pemuti mukuru uri muJabheshi,+ uye vakatsanya kwemazuva 7.

13 Saka Sauro akafira kusatendeka kwake kuna Jehovha nekuti akanga asina kuteerera shoko raJehovha,+ uyewo nekuti akabvunza svikiro+ 14 pane kubvunza Jehovha. Saka akamuuraya, akapa Dhavhidhi mwanakomana waJese umambo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe