Jobho
39 “Unoziva nguva inobereka mbudzi dzemumakomo here?+
Wakamboona nondo painenge ichibereka here?+
2 Unoziva kuti dzinoita mwedzi mingani dziine vana vadzo mudumbu here?
Unoziva here nguva yadzinobereka?
3 Dzinogwadama padzinenge dzava kubereka,
Uye marwadzo adzo ekusununguka anopera.
4 Vana vadzo vanosimba uye vanokurira musango;
Vanoenda, vorega kuzodzokazve kwadziri.
6 Ndakaita kuti renje rive musha waro
Uye ndakaita kuti rigare munzvimbo ine munyu.
7 Rinoseka nyonganyonga yemuguta;
Harinzwi ruzha rwemunhu anotyaira mhuka.
8 Rinofamba-famba mumakomo richitsvaga mafuro,
Richitsvaga zvekudya zvakasvibirira.
9 Nzombe yemusango ingada kukushandira here?+
Ingapedza usiku hwese iri mudanga* mako here?
10 Ungashandisa tambo kuti nzombe yemusango irambe iri mumuforo here,
Kana kuti ingakutevera kuti irime* mubani here?
11 Ungavimba nesimba guru raiinaro here,
Woirega ichiita basa rako rinorema?
13 Mapapiro emhou anobhabhama nemufaro,
Asi mapapiro ayo neminhenga yayo zvingaenzaniswa nezveshuramurove here?+
14 Nekuti inosiya mazai ayo muvhu,
Uye inoita kuti agare achidziyirwa ari muguruva.
15 Inokanganwa kuti anogona kutsikwa netsoka opwanyika
Kana kuti mhuka yesango inogona kuatsika-tsika.
16 Inoitira utsinye vana vayo, sekunge vasiri vayo;+
Haina basa kuti ingarasikirwa nezvayakashandira.
18 Asi painosimuka yobhabhama mapapiro ayo,
Inoseka bhiza nemutasvi waro.
19 Ndiwe unopa bhiza simba raro here?+
Unopfekedza mutsipa waro zenze rinopepereka here?
20 Unogona kuita kuti risvetuke semhashu here?
Kurira kwaro zvine simba kunovhundutsa.+
22 Rinoseka kutya, uye hapana charinotya.+
Haritendeuki richitiza bakatwa.
23 Homwe yemiseve inorira ichikweshera pariri,
Mapfumo marefu nemapfumo madiki ekukanda achipenya.
24 Richidedera neshungu, rinomhanya richienda mberi,*
Harigoni kuramba rakamira* kana hwamanda yarira.
25 Panorira hwamanda rinoti, ‘Ehee!’
Rinonzwa kunhuhwirira kwehondo riri kure
Uye rinonzwa kushevedzera kwevatungamiriri vehondo nekushevedzera kwevarwi.+
26 Kunzwisisa kwako here kunoita kuti rukodzi rubhururuke,
Ruchitambanudza mapapiro arwo kumaodzanyemba?