RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 22
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Mashoko emutongo kumadzimambo akaipa (1-30)

        • Mutongo waSharumu (10-12)

        • Mutongo waJehoyakimu (13-23)

        • Mutongo waKoniya (24-30)

Jeremiya 22:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kumuzinda wamambo.”

Jeremiya 22:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:15; Isa 1:17; Eze 22:7; Mik 2:2
  • +2Mad 24:3, 4; Jer 7:6, 7

Jeremiya 22:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 2:12
  • +Jer 17:24, 25

Jeremiya 22:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 39:8; Mik 3:12

Jeremiya 22:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 6:11; Jer 7:34

Jeremiya 22:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Ndichatsvenesa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 9:1
  • +Jer 21:14

Jeremiya 22:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 29:24-26; 1Mad 9:8, 9; Mari 2:15

Jeremiya 22:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:16, 17

Jeremiya 22:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Anonziwo Jehoahazi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 3:15; 2Mak 36:1
  • +2Mad 23:29, 30

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 158

Jeremiya 22:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 23:34; 2Mak 36:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 158

Jeremiya 22:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:13; Mik 3:9, 10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 140

Jeremiya 22:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 140

Jeremiya 22:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:1, 2; 23:23, 25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 140-141

Jeremiya 22:16

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 140-141

Jeremiya 22:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 23:34; 2Mak 36:4

Jeremiya 22:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 36:30
  • +2Mak 36:5, 6

Jeremiya 22:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:49
  • +2Mad 24:7

Jeremiya 22:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 2:31; 6:16
  • +Dhe 9:7; Vat 2:11

Jeremiya 22:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 23:1; Eze 34:2

Jeremiya 22:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Marwadzo ekusununguka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 22:6
  • +Isa 2:12, 13
  • +Jer 4:31; 6:24

Jeremiya 22:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Anonziwo Jehoyakini uye Jekoniya.

  • *

    Kana kuti “chisimbiso.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:6; Jer 22:28; 37:1; Mt 1:11
  • +2Mad 23:34

Jeremiya 22:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wako.”

  • *

    ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:12, 15; 2Mak 36:9, 10; Jer 24:1; 29:1, 2

Jeremiya 22:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kunyika inofadza mweya yavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 52:31-34

Jeremiya 22:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 3:17, 18

Jeremiya 22:30

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “pamazuva ake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:9, 10; Jer 36:30; Mt 1:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, pp. 10-11

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 22:3Re 19:15; Isa 1:17; Eze 22:7; Mik 2:2
Jer. 22:32Mad 24:3, 4; Jer 7:6, 7
Jer. 22:41Mad 2:12
Jer. 22:4Jer 17:24, 25
Jer. 22:5Jer 39:8; Mik 3:12
Jer. 22:6Isa 6:11; Jer 7:34
Jer. 22:7Eze 9:1
Jer. 22:7Jer 21:14
Jer. 22:8Dhe 29:24-26; 1Mad 9:8, 9; Mari 2:15
Jer. 22:92Mad 22:16, 17
Jer. 22:111Mak 3:15; 2Mak 36:1
Jer. 22:112Mad 23:29, 30
Jer. 22:122Mad 23:34; 2Mak 36:4
Jer. 22:13Re 19:13; Mik 3:9, 10
Jer. 22:152Mad 22:1, 2; 23:23, 25
Jer. 22:182Mad 23:34; 2Mak 36:4
Jer. 22:19Jer 36:30
Jer. 22:192Mak 36:5, 6
Jer. 22:20Dhe 32:49
Jer. 22:202Mad 24:7
Jer. 22:21Jer 2:31; 6:16
Jer. 22:21Dhe 9:7; Vat 2:11
Jer. 22:22Jer 23:1; Eze 34:2
Jer. 22:23Jer 22:6
Jer. 22:23Isa 2:12, 13
Jer. 22:23Jer 4:31; 6:24
Jer. 22:242Mad 24:6; Jer 22:28; 37:1; Mt 1:11
Jer. 22:242Mad 23:34
Jer. 22:252Mad 24:12, 15; 2Mak 36:9, 10; Jer 24:1; 29:1, 2
Jer. 22:27Jer 52:31-34
Jer. 22:281Mak 3:17, 18
Jer. 22:302Mak 36:9, 10; Jer 36:30; Mt 1:12
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 22:1-30

Jeremiya

22 Zvanzi naJehovha: “Enda kuimba yamambo* weJudha, utaure shoko iri. 2 Unofanira kuti, ‘Inzwai shoko raJehovha, haiwa imi mambo weJudha munogara pachigaro cheumambo chaDhavhidhi, imi nevashandi venyu nevanhu venyu, vaya vanopinda nepamagedhi aya. 3 Zvanzi naJehovha: “Tongai zvakanaka uye itai zvakarurama. Nunurai uya ari kubirwa kubva paruoko rweanobiridzira. Musaitira utsinye chero mutorwa upi zvake, uye nherera kana chirikadzi.+ Uye musadeura ropa risina mhosva munzvimbo ino.+ 4 Nekuti kana mukanyatsoita zvinhu izvi, madzimambo anogara pachigaro cheumambo chaDhavhidhi+ achapindawo nepamagedhi eimba ino ari mungoro uye ari pamabhiza, iwo nevashandi vawo nevanhu vawo.”’+

5 “‘Asi kana mukasateerera mashoko aya, ndinopika neni pachangu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘kuti imba ino ichava dongo.’+

6 “Nekuti zvanzi naJehovha pamusoro peimba yamambo weJudha,

‘Wakaita seGiriyedhi kwandiri,

Sepamusoro peRebhanoni.

Asi ndichakuita renje;

Hapana guta rako richagarwa.+

 7 Ndichagadza* vanhu vanokuparadza,

Mumwe nemumwe nezvombo zvake.+

Vachatema misidhari yako yakanakisisa

Voita kuti iwire mumoto.+

8 “‘Uye marudzi mazhinji achapfuura nepaguta rino otaurirana achiti: “Jehovha akaitirei zvakadai paguta iri guru?”+ 9 Vachapindura kuti: “Nekuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wavo, vakakotamira vamwe vanamwari, vakavashumira.”’+

10 Musachema munhu akafa,

Uye musamunzwira tsitsi.

Asi chemai kwazvo uya ari kuenda,

Nekuti haazodzokizve kuti aone nyika yaakaberekerwa.

11 “Nekuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumu*+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha uyo ari kutonga panzvimbo yababa vake Josiya+ uye akabva munzvimbo ino: ‘Haazodzokizve imomo. 12 Nekuti achafira kunzvimbo yavakamuendesa ari nhapwa, uye haazoonizve nyika ino.’+

13 Ane nhamo munhu anobiridzira kuti avake imba yake,

Uye anovaka dzimba dzake dzepamusoro asi asingazviiti mukururama,

Anoshandisa wekwake mahara,

Achiramba kumubhadhara;+

14 Uya ari kuti, ‘Ndichazvivakira imba hombe

Ine dzimba dzepamusoro dzakafara.

Ndichaiisa mahwindo

Ndoinamirira mapuranga emusidhari uye ndoipenda neruvara rutsvuku.’

15 Ucharamba uchitonga nekuti ndiwe unokunda vamwe pakushandisa misidhari here?

Baba vako vakadyawo nekunwa,

Asi vaitonga zvakanaka uye vaiita zvakarurama,+

Uye zvinhu zvakavafambira zvakanaka.

16 Vakarwira nyaya dzemunhu anotambura nemurombo,

Zvinhu zvikafamba zvakanaka.

‘Handiti ikoko ndiko kundiziva here?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

17 ‘Asi maziso ako nemwoyo wako zvinongova papfuma yaunowana nenzira isina kururama,

Pakudeura ropa reasina mhosva,

Uye pakubiridzira nekutora zvinhu nechisimba.’

18 “Saka zvanzi naJehovha pamusoro paJehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha,

‘Havazomuchemi vachiti:

“Maiwee, hama yangu! Maiwee, hanzvadzi yangu kani!”

Havazomuchemi vachiti:

“Maiwee, tenzi kani! Maiwee, changamire kani!”

19 Achavigwa sedhongi,+

Achazvuzvurudzwa oraswa

Kunze kwemagedhi eJerusarema.’+

20 Kwidza kuRebhanoni ushevedzere,

Simudza inzwi rako muBhashani,

Uye shevedzera uri kuAbharimu,+

Nekuti vese vanokuda kwazvo vaparadzwa.+

21 Ndakataura newe pawakanga usina chinokunetsa.

Asi wakati, ‘Handisi kuzoteerera.’+

Aya ndiwo maitiro ako kubvira uchiri mudiki,

Nekuti hauna kuteerera inzwi rangu.+

22 Mhepo ichafudza vafudzi vako vese,+

Uye vaya vanokuda kwazvo vachatapwa.

Uchabva wanyadziswa uye waninipiswa nemhaka yedambudziko rako rese.

23 Haiwa iwe unogara muRebhanoni,+

Ugere zvako pakati pemisidhari,+

Uchagomera chaizvo marwadzo paachauya pauri,

Marwadzo* akaita seemukadzi ari kusununguka!”+

24 “‘Neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘kunyange dai Koniya*+ mwanakomana waJehoyakimu,+ mambo weJudha, aiva rin’i ine chidhindo* iri paruoko rwangu rwerudyi, ndaizongokubvisa ipapo! 25 Ndichakuisa mumaoko evaya vari kutsvaga kukuuraya,* mumaoko evaya vaunotya, muruoko rwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi nemumaoko evaKadheya.+ 26 Iwe naamai vako vakakubereka ndichakukandai kune imwe nyika yamusina kuberekerwa, uye muchafira ikoko. 27 Uye havazombodzokeri kunyika yavanoda chaizvo.*+

28 Murume uyu Koniya anongovawo zvake hari inozvidzwa, yakaputsika here,

Mudziyo usina anouda?

Nei iye nevana vake vakandwa pasi

Uye vakandwa munyika yavasingazivi?’+

29 Haiwa iwe nyika, nyika, nyika, inzwa shoko raJehovha.

30 Zvanzi naJehovha:

‘Nyorai murume uyu seasina mwana,

Semurume asingazombobudiriri muupenyu hwake,*

Nekuti pavana vake hapana achabudirira

Kugara pachigaro cheumambo chaDhavhidhi uye kutongazve munyika yeJudha.’”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe