RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 26
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Uprofita pamusoro peTire (1-21)

        • “Nzvimbo yekunanikira mambure ekukukudzisa” (5, 14)

        • Matombo nevhu zvichakandwa mumvura (12)

Ezekieri 26:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joe 3:4-6; Amo 1:9
  • +Mari 1:1

Ezekieri 26:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 133

    Shoko raMwari, pp. 120-122

Ezekieri 26:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 23:11; Amo 1:10; Zek 9:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 133

    Shoko raMwari, pp. 120-122

Ezekieri 26:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 27:32

Ezekieri 26:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:9; Eze 29:18
  • +Dha 2:37
  • +Ha 1:8
  • +Jer 4:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 22

Ezekieri 26:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemapakatwa.”

Ezekieri 26:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 5:28; Ha 1:8

Ezekieri 26:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 27:32, 33; 28:5, 18; Zek 9:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/2008, p. 23

    4/15/1988, p. 23

    “Rugwaro Rwose,” p. 133

    Shoko raMwari, pp. 120-122

Ezekieri 26:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 23:16

Ezekieri 26:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 26:4, 5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 133

Ezekieri 26:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 27:28

Ezekieri 26:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nguo isina maoko.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 27:35; 32:10

Ezekieri 26:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 27:32
  • +Amo 1:9, 10
  • +Eze 28:2

Ezekieri 26:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 23:5

Ezekieri 26:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 27:34

Ezekieri 26:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muguva.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 28:8

Ezekieri 26:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 27:36

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 26:2Joe 3:4-6; Amo 1:9
Ezek. 26:2Mari 1:1
Ezek. 26:4Isa 23:11; Amo 1:10; Zek 9:4
Ezek. 26:5Eze 27:32
Ezek. 26:7Jer 25:9; Eze 29:18
Ezek. 26:7Dha 2:37
Ezek. 26:7Ha 1:8
Ezek. 26:7Jer 4:13
Ezek. 26:11Isa 5:28; Ha 1:8
Ezek. 26:12Eze 27:32, 33; 28:5, 18; Zek 9:3
Ezek. 26:13Isa 23:16
Ezek. 26:14Eze 26:4, 5
Ezek. 26:15Eze 27:28
Ezek. 26:16Eze 27:35; 32:10
Ezek. 26:17Eze 27:32
Ezek. 26:17Amo 1:9, 10
Ezek. 26:17Eze 28:2
Ezek. 26:18Isa 23:5
Ezek. 26:19Eze 27:34
Ezek. 26:20Eze 28:8
Ezek. 26:21Eze 27:36
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 26:1-21

Ezekieri

26 Mugore rechi11, pazuva rekutanga remwedzi, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, Tire zvayakati kuJerusarema,+ ‘Tsvatu waro! Gedhi riya remarudzi raputswa!+ Zvinhu zvese zvichauya kwandiri uye ndava kuzopfuma nekuti iro raparara’; 3 zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndiri kukurwisa iwe Tire, uye ndichaunza marudzi mazhinji kuti akurwise, segungwa riri kuunza mafungu aro. 4 Vachaparadza masvingo eTire voputsa shongwe dzayo,+ uye ndichatsvaira ivhu rayo ndoisiya iri ruware runopenya. 5 Ichava nzvimbo iri pakati pegungwa yekunanikira mambure ekukukudzisa.’+

“‘Nekuti ini pachangu ndazvitaura,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘uye ichapambwa nemarudzi. 6 Vanhu vayo vekumaruwa vachaparadzwa nebakatwa, uye vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha.’

7 “Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndiri kuunza Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi kubva kuchamhembe kuti arwise Tire;+ iye ndimambo wemadzimambo,+ uye ane mabhiza+ nengoro dzehondo,+ nevarwi vanotasva mabhiza, neuto rine varwi vakawanda. 8 Achaparadza vanhu vako vekumaruwa nebakatwa, achavaka rusvingo rwekukukomba, achaunganidza murwi wekukukomba uye achamisa nhoo huru dzekukurwisa. 9 Achadhiritsa masvingo ako nechekugumurisa masvingo, uye achaputsa shongwe dzako nematemo* ake. 10 Mabhiza ake achange akawanda zvekuti uchazara neguruva rawo, uye mambo wacho paachapinda pamagedhi ako sevarume vari kupinda muguta rine masvingo akaputsika, ruzha rwevatasvi vake vemabhiza, nerwemavhiri engoro dzake ruchazunungusa masvingo ako. 11 Mahwanda emabhiza ake achatsika-tsika migwagwa yako yese;+ iye achauraya vanhu vako nebakatwa, uye mbiru dzako dzakasimba dzichawira pasi. 12 Vachatora pfuma yako nechisimba, vopamba zvinhu zvako zvekutengesa,+ voputsa masvingo ako, uye vachaputsa dzimba dzako dzakanaka; vachabva vakanda matombo ako mumvura pamwe chete nematanda ako nevhu rako.’

13 “‘Ndichaita kuti ruzha rwekuimba kwako rugume, uye kurira kweudimbwa hwako hakuzonzwikizve.+ 14 Ndichakusiya wava ruware runopenya uye uchava nzvimbo yekunanikira mambure ekukukudzisa.+ Hauzombovakwizve, nekuti ini Jehovha ndazvitaura,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

15 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kuTire: ‘Zvitsuwa hazvizodederi here pachanzwika ruzha rwekuparara kwako, pachagomera vanhu vanenge vava kufa, uye pachafa vanhu vako vazhinji?+ 16 Machinda ese emugungwa achaburuka pazvigaro zvawo zveumambo, uye achabvisa nguo dzawo refu* nenguo dzawo dzakamendwa uye achadedera. Achagara pasi achingodedera, oramba akakuti nde-e achishamisika.+ 17 Uye vachakuimbira rwiyo rwekukuchema,+ voti kwauri:

“Chokwadi waparara,+ iwe waimbogarwa nevanhu vekumakungwa, iwe guta rairumbidzwa;

Iwe nevanhu vako maiva nesimba mugungwa,+

Muchityisa vagari vese vepanyika!

18 Zvitsuwa zvichadedera pazuva rauchaparara,

Zvitsuwa zviri mugungwa zvichanetseka pauchange usisipo.”’+

19 “Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Pandichakuparadza wosara waita semaguta asina anogaramo, pandichakukunda nemvura ine mafungu, wonyudzwa nemvura ine simba,+ 20 iwe nevaya vauri kuenda navo mugomba* ndichakuendesai kuvanhu vekare kare. Ndichaita kuti iwe nevaya vari kuenda mugomba mugare munzvimbo yakadzikira kwazvo kungofanana nenzvimbo dzekare dzakaparadzwa+ kuti pasava neanogara mauri. Ndichabva ndakwidziridza nyika yevapenyu.

21 “‘Ndichaita kuti ungoerekana wabatwa nekutya kukuru uye uchashayikwa.+ Vachakutsvaga asi hauzombowaniki,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe