Isaya
56 Zvanzi naJehovha:
“Tsigirai kururama,+ uye itai zvakarurama,
Nekuti ruponeso rwangu ruchakurumidza kusvika
Uye kururama kwangu kucharatidzwa.+
2 Anofara munhu anoita izvi
Uye mwanakomana wemunhu uyo anozvibatisisa,
Anochengeta Sabata uye asingarisvibisi,+
Uye anodzora ruoko rwake kuti arege kuita chero chinhu chakaipa.
3 Munhu wekune imwe nyika anouya kuna Jehovha+ ngaarege kuti,
‘Chokwadi Jehovha achandiparadzanisa nevanhu vake.’
Uye ngomwa ngairege kuti, ‘Onai! Ndiri muti wakaoma.’”
4 Nekuti Jehovha ari kuti kungomwa dzinochengeta masabata angu uye dzinosarudza zvandinofarira uye dzinobatisisa sungano yangu:
5 “Ndichaita kuti dzive nechiyeuchidzo nezita mumba mangu uye mukati memasvingo angu,
Izvo zvinopfuura vanakomana nevanasikana.
Ndichadzipa zita rinogara nekusingaperi,
Iro risingazoparari.
6 Kana vari vekune imwe nyika vanouya kuna Jehovha kuti vamushumire,
Kuti vade zita raJehovha,+
Uye kuti vave vashumiri vake,
Vese vaya vanochengeta Sabata uye vasingarisvibisi
Uye vanobatisisa sungano yangu,
7 Ndichavaunzawo kugomo rangu dzvene,+
Ndoita kuti vafare chaizvo muimba yangu yekunyengeterera.
Mipiro yavo inopiswa nezvibayiro zvavo zvichagamuchirwa paatari yangu.
Nekuti imba yangu ichanzi imba yekunyengeterera yemarudzi ese.”+
8 Changamire Ishe Jehovha, uyo ari kuunganidza vaIsraeri vakapararira,+ anoti:
“Ndichaunganidza vamwe vanhu kwaari vasiri vaya vakatounganidzwa kare.”+
10 Varindi vake mapofu,+ hapana kana mumwe chete wavo acherechedza.+
Vese zvavo imbwa dzisingatauri, dzisingakwanisi kuhukura.+
Dziri kufemereka uye dzakarara pasi; dzinoda zvekurara.
11 Ivo imbwa dzinokara kwazvo;
Hadzitomboguti.
Ivo vafudzi vasinganzwisisi.+
Vese zvavo vaenda nenzira dzavo;
Mumwe nemumwe wavo anotsvaga kuzvipfumisa achibiridzira uye anoti:
Mangwana achaita sanhasi, richava zuva rakatonaka kupfuura nhasi!”