RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 26
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Isaka naRibheka muGerari (1-11)

        • Vimbiso yaMwari inodzokororwa kuna Isaka (3-5)

      • Kupopotedzana pamusoro pematsime (12-25)

      • Isaka anoita sungano naAbhimereki (26-33)

      • Madzimai aIsau maviri echiHiti (34, 35)

Genesisi 26:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:10

Genesisi 26:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 20:1; VaH 11:8, 9
  • +Ge 12:7; 15:18
  • +Ge 22:16-18; Pis 105:9-11; VaH 6:13, 14

Genesisi 26:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

  • *

    Kana kuti “achazviwanira.”

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:1, 5; VaH 11:12
  • +Dhe 34:4
  • +Ge 12:1-3; Mab 3:25; VaG 3:8

Genesisi 26:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:10, 23; 22:3, 12; VaH 11:8; Jak 2:21

Genesisi 26:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 26:17

Genesisi 26:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:11-13
  • +Ge 24:16

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/1992, p. 31

Genesisi 26:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “akambundira Ribheka mudzimai wake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:67

Genesisi 26:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 20:11

Genesisi 26:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:18
  • +Ge 20:9

Genesisi 26:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:34, 35

Genesisi 26:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:16

Genesisi 26:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 21:27, 30

Genesisi 26:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 10:19; 20:1

Genesisi 26:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 21:25
  • +Ge 21:31

Genesisi 26:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Kukakavadzana.”

Genesisi 26:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Kupomerwa.”

Genesisi 26:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Nzvimbo Dzakafara.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:5, 6; 28:1, 3

Genesisi 26:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 21:31

Genesisi 26:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:1; 28:13
  • +Ge 15:1
  • +Ge 17:19; Pis 105:9-11

Genesisi 26:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:8, 9
  • +VaH 11:9

Genesisi 26:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 21:32

Genesisi 26:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 21:22
  • +Ge 21:27

Genesisi 26:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 21:22-24

Genesisi 26:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 26:18

Genesisi 26:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:1

Genesisi 26:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 36:2, 3

Genesisi 26:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:46; 28:8

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 26:1Ge 12:10
Gen. 26:3Ge 20:1; VaH 11:8, 9
Gen. 26:3Ge 12:7; 15:18
Gen. 26:3Ge 22:16-18; Pis 105:9-11; VaH 6:13, 14
Gen. 26:4Ge 15:1, 5; VaH 11:12
Gen. 26:4Dhe 34:4
Gen. 26:4Ge 12:1-3; Mab 3:25; VaG 3:8
Gen. 26:5Ge 17:10, 23; 22:3, 12; VaH 11:8; Jak 2:21
Gen. 26:6Ge 26:17
Gen. 26:7Ge 12:11-13
Gen. 26:7Ge 24:16
Gen. 26:8Ge 24:67
Gen. 26:9Ge 20:11
Gen. 26:10Ge 12:18
Gen. 26:10Ge 20:9
Gen. 26:12Ge 24:34, 35
Gen. 26:14Ge 12:16
Gen. 26:15Ge 21:27, 30
Gen. 26:17Ge 10:19; 20:1
Gen. 26:18Ge 21:25
Gen. 26:18Ge 21:31
Gen. 26:22Ge 17:5, 6; 28:1, 3
Gen. 26:23Ge 21:31
Gen. 26:24Ge 17:1; 28:13
Gen. 26:24Ge 15:1
Gen. 26:24Ge 17:19; Pis 105:9-11
Gen. 26:25Ge 12:8, 9
Gen. 26:25VaH 11:9
Gen. 26:26Ge 21:32
Gen. 26:28Ge 21:22
Gen. 26:28Ge 21:27
Gen. 26:31Ge 21:22-24
Gen. 26:32Ge 26:18
Gen. 26:33Vat 20:1
Gen. 26:34Ge 36:2, 3
Gen. 26:35Ge 27:46; 28:8
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 26:1-35

Genesisi

26 Panyika pakava nenzara, kuwedzera panzara iya yakamboitika mumazuva aAbrahamu,+ zvekuti Isaka akaenda kuGerari kuna Abhimereki, mambo wevaFiristiya. 2 Jehovha akabva azviratidza kwaari akati: “Usaenda kuIjipiti. Gara munyika yandinokusarudzira. 3 Gara munyika ino semutorwa,+ uye ndicharamba ndiinewe, ndichikukomborera nekuti ndichapa iwe nemwana* wako nyika dzese idzi,+ uye ndichazadzisa zvandakapikira baba vako Abrahamu ndichiti:+ 4 ‘Ndichaita kuti vana* vako vawande senyeredzi dzekudenga;+ uye ndichapa mwana* wako nyika dzese idzi;+ marudzi ese epanyika achawana* makomborero nekumwana* wako,’+ 5 nekuti Abrahamu akateerera inzwi rangu, akaramba achiita zvandinoda, achichengeta mirayiro yangu, mirau yangu, nemitemo yangu.”+ 6 Saka Isaka akaramba achigara kuGerari.+

7 Varume vemunzvimbo yacho pavaimubvunza nezvemudzimai wake, iye aiti: “Ihanzvadzi yangu.”+ Aitya kutaura kuti, “Mudzimai wangu,” nekuti aiti, “Varume venzvimbo yacho vangangondiuraya kuti vatore Ribheka,” nekuti akanga akanaka.+ 8 Agara ikoko kwenguva yakati rebei, mumwe musi Abhimereki, mambo wevaFiristiya, akanga akatarisa nepahwindo akaona Isaka achiratidza Ribheka mudzimai wake rudo.*+ 9 Abhimereki akabva ashevedza Isaka akati: “Zvaari mudzimai wako wani! Sei wakati, ‘Ihanzvadzi yangu’?” Isaka akamupindura kuti: “Ndakazvitaura ndichitya kuti zvimwe ndingaurayiwa pamusana pake.”+ 10 Asi Abhimereki akati: “Chii ichocho chawakatiitira?+ Handiti mumwe munhu anga achatorara nemudzimai wako ukatiunzira mhosva!”+ 11 Abhimereki akabva audza vanhu vese kuti: “Munhu anobata murume uyu nemudzimai wake chokwadi achaurayiwa!”

12 Isaka akatanga kudyara mbeu munyika iyoyo, uye gore iroro akakohwa zvaakanga adyara zvapetwa kane zana, nekuti Jehovha aimukomborera.+ 13 Murume wacho akava mupfumi, akaramba achingowedzera kupfuma kusvikira ava nepfuma yakawandisa. 14 Akava nemakwai nemombe zvakawanda nevaranda vakawanda,+ zvekuti vaFiristiya vakatanga kuchiva zvinhu zvake.

15 Saka vaFiristiya vakatora ivhu vakafushira matsime ese akanga acherwa nevaranda vababa vake mazuva aAbrahamu.+ 16 Abhimereki akabva ati kuna Isaka: “Ibva munzvimbo yedu, nekuti wava nesimba kwazvo kutipfuura.” 17 Saka Isaka akabva ipapo, akadzika musasa mubani reGerari,+ akatanga kugara imomo. 18 Isaka akacherazve matsime akanga acherwa mazuva ababa vake Abrahamu akazofushirwa nevaFiristiya pakafa Abrahamu,+ uye akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake.+

19 Varanda vaIsaka pavaichera mubani racho, vakawana tsime rine mvura inonwika. 20 Vafudzi vekuGerari vakatanga kupopotedzana nevafudzi vaIsaka, vachiti: “Mvura yacho ndeyedu!” Saka akatumidza tsime racho kuti Eseki,* nekuti vakanga vapopotedzana naye. 21 Vakatanga kuchera rimwezve tsime, vakatanga kupopotedzana nezvaro. Saka akaritumidza kuti Sitna.* 22 Akazobva ipapo ndokuchera rimwe tsime, asi havana kupopotedzana nezvaro. Saka akaritumidza kuti Rehobhoti* akati: “Nekuti Jehovha azotipa nzvimbo yakakura uye aita kuti tiwande panyika.”+

23 Akabva ipapo akaenda kuBheeri-shebha.+ 24 Jehovha akazviratidza kwaari usiku ihwohwo akati: “Ndini Mwari waAbrahamu baba vako.+ Usatya,+ nekuti ndinewe, ndichakukomborera uye ndichaita kuti mwana* wako ave nevazhinji vachabva kwaari pamusana pemushumiri wangu Abrahamu.”+ 25 Saka Isaka akavaka atari ipapo akadana zita raJehovha.+ Uye akadzika tende rake ipapo,+ vashandi vake vakachera tsime ipapo.

26 Abhimereki akazouya kwaari achibva kuGerari nachipangamazano wake Ahuzati, naFikori mukuru weuto rake.+ 27 Isaka akati kwavari: “Mavingei kwandiri, imi maindivenga mukandidzinga munzvimbo yenyu?” 28 Ivo vakati: “Tanyatsoona kuti Jehovha anewe.+ Saka tafunga kuti titi kwauri, ‘Tiri kukumbirawo kuita mhiko newe isingazoputswi, uye kuita sungano newe+ 29 yekuti hauzotiitiri zvakaipa sezvo isu tisina kukurwisa, nekuti takakuitira zvakanaka chete pakuti takakurega uchienda nerugare. Tiri kuona kuti ndiwe uri kukomborerwa naJehovha.’” 30 Akabva avaitira mabiko, vakadya uye vakanwa. 31 Mangwana acho vakafumomuka vakapikirana.+ Isaka akazoonekana navo, vakaenda nerugare.

32 Zuva iroro varanda vaIsaka vakauya vakamuudza nezvetsime ravakanga vachera,+ vakati kwaari: “Tawana mvura!” 33 Saka akaritumidza kuti Shibha. Ndokusaka nanhasi guta racho richinzi Bheeri-shebha.+

34 Isau paakanga ava nemakore 40, akatora Judhiti mwanasikana waBheeri muHiti kuti ave mudzimai wake, akatorawo Bhasemati mwanasikana waEroni muHiti.+ 35 Vairwadzisa Isaka naRibheka zvikuru.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe