RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 25
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Zvipo zvekushandisa kugadzira tebhenekeri (1-9)

      • Areka (10-22)

      • Tafura (23-30)

      • Chigadziko chemarambi (31-40)

Eksodho 25:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 35:4-9; 1Mak 29:9; 2VaK 9:7

Eksodho 25:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 38:24
  • +Eks 38:25
  • +Eks 38:3, 29

Eksodho 25:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”

Eksodho 25:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “matehwe etahashi.” Tahashi ringangova riri zita rechiHebheru remhuka yemugungwa yakada kufanana neyemurwizi inonzi mbiti asi yakakura kuipfuura.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 36:20

Eksodho 25:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 27:20
  • +Eks 30:23-25
  • +Eks 30:34, 35

Eksodho 25:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:6
  • +Eks 28:15

Eksodho 25:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ndichadzika tebhenekeri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:45; 1Mad 6:13; VaH 9:11

Eksodho 25:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 28:12; Mab 7:44; VaH 8:5; 9:9

Eksodho 25:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 37:1-5

Eksodho 25:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 9:4
  • +Eks 30:1, 3

Eksodho 25:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:1, 5; 1Mak 15:15

Eksodho 25:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 8:8

Eksodho 25:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 31:18; 40:20; 1Mad 8:9; VaH 9:4

Eksodho 25:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 37:6-9

Eksodho 25:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 4:4; VaH 9:5

Eksodho 25:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 8:7; 1Mak 28:18

Eksodho 25:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:20; VaH 9:4, 5

Eksodho 25:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:6; Re 16:2; Nu 7:89; Vat 20:27; Pis 80:1

Eksodho 25:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:22; Re 24:6; Nu 3:30, 31; VaH 9:2
  • +Eks 37:10-15

Eksodho 25:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Angasvika masendimita 7,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Eksodho 25:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 37:16; Nu 4:7; 1Mad 7:48, 50

Eksodho 25:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 24:5, 6; 1Sa 21:6; 1Mak 9:32; 2Mak 13:11; Mt 12:4

Eksodho 25:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:24; 1Mad 7:48, 49; VaH 9:2
  • +Eks 37:17-24

Eksodho 25:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 8:4

Eksodho 25:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:8; Re 24:2, 3; Nu 8:2; 2Mak 13:11

Eksodho 25:38

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mbato.” Uyu mudziyo wakaita sechigero kana pinjisi waishandiswa kubvisa tambo inenge yabvira.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 4:9

Eksodho 25:39

Mashoko Emuzasi

  • *

    Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Eksodho 25:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 39:42; Nu 8:4; Mab 7:44; VaH 8:5

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 25:2Eks 35:4-9; 1Mak 29:9; 2VaK 9:7
Eks. 25:3Eks 38:24
Eks. 25:3Eks 38:25
Eks. 25:3Eks 38:3, 29
Eks. 25:5Eks 36:20
Eks. 25:6Eks 27:20
Eks. 25:6Eks 30:23-25
Eks. 25:6Eks 30:34, 35
Eks. 25:7Eks 28:6
Eks. 25:7Eks 28:15
Eks. 25:8Eks 29:45; 1Mad 6:13; VaH 9:11
Eks. 25:91Mak 28:12; Mab 7:44; VaH 8:5; 9:9
Eks. 25:10Eks 37:1-5
Eks. 25:11VaH 9:4
Eks. 25:11Eks 30:1, 3
Eks. 25:13Eks 30:1, 5; 1Mak 15:15
Eks. 25:151Mad 8:8
Eks. 25:16Eks 31:18; 40:20; 1Mad 8:9; VaH 9:4
Eks. 25:17Eks 37:6-9
Eks. 25:181Sa 4:4; VaH 9:5
Eks. 25:201Mad 8:7; 1Mak 28:18
Eks. 25:21Eks 40:20; VaH 9:4, 5
Eks. 25:22Eks 30:6; Re 16:2; Nu 7:89; Vat 20:27; Pis 80:1
Eks. 25:23Eks 40:22; Re 24:6; Nu 3:30, 31; VaH 9:2
Eks. 25:23Eks 37:10-15
Eks. 25:29Eks 37:16; Nu 4:7; 1Mad 7:48, 50
Eks. 25:30Re 24:5, 6; 1Sa 21:6; 1Mak 9:32; 2Mak 13:11; Mt 12:4
Eks. 25:31Eks 40:24; 1Mad 7:48, 49; VaH 9:2
Eks. 25:31Eks 37:17-24
Eks. 25:36Nu 8:4
Eks. 25:37Eks 30:8; Re 24:2, 3; Nu 8:2; 2Mak 13:11
Eks. 25:38Nu 4:9
Eks. 25:40Eks 39:42; Nu 8:4; Mab 7:44; VaH 8:5
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 25:1-40

Eksodho

25 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 2 “Udza vaIsraeri kuti vandiunzire zvipo; munofanira kunditorera zvipo kumunhu wese anopa zvichibva pamwoyo.+ 3 Izvi ndizvo zvipo zvamunofanira kugamuchira kwavari: goridhe,+ sirivha,+ mhangura,+ 4 shinda yebhuruu, shinda yepepuru,* shinda tsvuku, shinda chena yakanaka, mvere dzembudzi, 5 matehwe emakondohwe akaiswa ruvara rutsvuku, matehwe akapfava,* matanda emubayamhondoro,+ 6 mafuta emarambi,+ bharisamu yekugadzirisa mafuta ekuzodza nawo,+ neyekugadzirisa rusenzi inonhuhwirira,+ 7 nematombo eonikisi, nemamwe matombo ekuisa paefodhi*+ nepahomwe yepachipfuva.+ 8 Vanofanira kundigadzirira nzvimbo tsvene uye ndichagara* pakati pavo.+ 9 Unofanira kuigadzira, tebhenekeri yacho nemidziyo yayo yese, uchinyatsotevedzera zvese zvandiri kukuratidza.+

10 “Vanofanira kugadzira areka nemubayamhondoro, yakareba makubhiti* maviri nehafu, yakafara kubhiti rimwe nehafu uye yakakwirira kubhiti rimwe nehafu.+ 11 Unofanira kubva waiisa goridhe rakanatswa,+ yese mukati nekunze, uye ugadzire mupendero wegoridhe unoipoteredza.+ 12 Uye uiumbire marin’i mana egoridhe, woaisa nechepamusoro pemakumbo ayo mana, marin’i maviri ari kune rimwe divi uye mamwe maviri ari kune rimwe divi racho. 13 Uye ugadzire mapango emubayamhondoro, woaisa goridhe.+ 14 Upinze mapango acho mumarin’i ari kumativi eAreka kuti muashandise kuitakura. 15 Mapango acho achagara mumarin’i eAreka; haafaniri kubviswa pairi.+ 16 Uise muAreka yacho Chipupuriro chandichakupa.+

17 “Ugadzire chekukwidibirisa chegoridhe rakanatswa, chakareba makubhiti maviri nehafu uye chakafara kubhiti rimwe nehafu.+ 18 Ugadzire makerubhi maviri egoridhe; uagadzire ari kumativi maviri echekukwidibirisa chacho uchishandisa sando.+ 19 Gadzira makerubhi acho ari kumativi maviri, rimwe nerimwe riri kumucheto kwechekukwidibirisa. 20 Makerubhi acho anofanira kunge akatarisana, akavhurira mapapiro awo maviri kumusoro,+ achivharidzira chekukwidibirisa nemapapiro awo. Zviso zvemakerubhi zvinofanira kuva zvakakotamira pachekukwidibirisa. 21 Uise chekukwidibirisa+ pamusoro peAreka, uye uise Chipupuriro chandichakupa muAreka yacho. 22 Ndichazviratidza kwauri ipapo uye ndichataura newe ndiri pamusoro pechekukwidibirisa.+ Ndichaita kuti uzive zvese zvandichakurayira nezvevaIsraeri ndiri pakati pemakerubhi maviri ari pamusoro peareka yeChipupuriro.

23 “Ugadzirewo tafura+ yemubayamhondoro, yakareba makubhiti maviri, yakafara kubhiti rimwe, uye yakakwirira kubhiti rimwe nehafu.+ 24 Uiise goridhe rakanatswa uye uigadzirire mupendero wegoridhe unoipoteredza. 25 Ugadzire bhandi rine upamhi hwechanza* rinenge rakaipoteredza, wozoisa mupendero wegoridhe unopoteredza bhandi racho. 26 Uigadzirire marin’i mana egoridhe, woaisa pamakona mana panobata napo makumbo acho. 27 Marin’i acho anofanira kuva pedyo nebhandi kuti abate mapango ekutakurisa tafura yacho. 28 Ugadzire mapango emubayamhondoro, woaisa goridhe, woatakurisa tafura.

29 “Unofanirawo kugadzira madhishi ayo, makapu ayo, uye majagi nendiro zvavachashandisa kudira mipiro yezvinwiwa. Uzvigadzire negoridhe rakanatswa.+ 30 Uye unofanira kuisa chingwa chekuratidza patafura kuti chive pamberi pangu nguva dzese.+

31 “Ugadzire chigadziko chemarambi+ chegoridhe rakanatswa. Chigadziko chacho ngachigadzirwe nesando. Pachinogara napo, chidzinde chacho, mapazi acho, makapu acho, mapfundo acho, nemaruva acho akatumbuka zvese ngazvibve pachinhu chimwe chete.+ 32 Chigadziko chacho chichange chiine mapazi matanhatu akabatira pachidzinde chacho, mapazi matatu kune rimwe divi uye mapazi matatu kune rimwe divi racho. 33 Makapu matatu akaumbwa semaruva emuarumondi achange ari pamapazi ari kudivi rimwe chete, aine mapfundo nemaruva akatumbuka, zvakatevedzana zvichiti apa pfundo apa ruva rakatumbuka. Uye makapu matatu akaumbwa semaruva emuarumondi ari pamapazi ekune rimwe divi racho, achange aine mapfundo nemaruva akatumbuka, zvakatevedzana zvichiti apa pfundo apa ruva rakatumbuka. Izvi ndizvo zvichange zvakaita mapazi matanhatu akabatira pachidzinde chechigadziko chemarambi. 34 Chidzinde chechigadziko chemarambi chichange chiine makapu mana akaumbwa semaruva emuarumondi, aine mapfundo acho nemaruva acho akatumbuka, zvakatevedzana zvichiti apa pfundo apa ruva rakatumbuka. 35 Pasi pemapazi maviri ekutanga ari pachidzinde pachange paine pfundo uye pasi pemapazi maviri anotevera pachange paine pfundo uyewo pasi pemapazi maviri anozotevera acho pachange paine pfundo. Izvi ndizvo zvichange zvakaita mapazi matanhatu anobva pachidzinde chacho. 36 Mapfundo acho nemapazi acho nechigadziko chemarambi chacho chese, zvinofanira kugadzirwa pachishandiswa sando kuti zvive chinhu chimwe chete chegoridhe rakanatswa.+ 37 Uchigadzirire marambi manomwe, uye marambi acho paanobatidzwa, anenge akavhenekera nzvimbo iri pamberi pacho.+ 38 Zvekubvisisa tambo yapera kubvira* uye zvekuisira madota acho ngazvive zvegoridhe rakanatswa.+ 39 Chigadziko chacho, pamwe chete nemidziyo yacho yese, zvinofanira kugadzirwa netarenda* rimwe chete regoridhe rakanatswa. 40 Unofanira kuzvigadzira uchinyatsotevedzera zvese zvawaratidzwa mugomo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe