RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 26
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Tebhenekeri (1-37)

        • Machira etende (1-14)

        • Mafuremu nezvigadziko zvine maburi (15-30)

        • Maketeni (31-37)

Eksodho 26:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 8:5; 9:9, 11
  • +Ge 3:24; Pis 99:1
  • +Eks 36:8-13

Eksodho 26:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 4:25

Eksodho 26:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 39:33, 34

Eksodho 26:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 35:26
  • +Eks 36:14-18

Eksodho 26:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona mashoko emuzasi ari pana Eks 25:5.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 36:19

Eksodho 26:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 4:29, 31
  • +Eks 36:20-23

Eksodho 26:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 3:36
  • +Eks 36:24-26

Eksodho 26:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 36:27-30

Eksodho 26:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 36:31-33

Eksodho 26:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:35, 36; 36:34

Eksodho 26:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 19:3; 25:9; Mab 7:44; VaH 8:5

Eksodho 26:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 36:35, 36; Ru 23:45; VaH 6:19; 9:3; 10:19, 20

Eksodho 26:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 8:6
  • +Eks 40:22, 26
  • +Eks 40:21; Re 16:2; 1Mad 8:6; VaH 9:2-4, 12, 24

Eksodho 26:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 24:2, 3; 1Mad 7:48, 49

Eksodho 26:36

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 36:37, 38

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 26:1VaH 8:5; 9:9, 11
Eks. 26:1Ge 3:24; Pis 99:1
Eks. 26:1Eks 36:8-13
Eks. 26:2Nu 4:25
Eks. 26:6Eks 39:33, 34
Eks. 26:7Eks 35:26
Eks. 26:7Eks 36:14-18
Eks. 26:14Eks 36:19
Eks. 26:15Nu 4:29, 31
Eks. 26:15Eks 36:20-23
Eks. 26:19Nu 3:36
Eks. 26:19Eks 36:24-26
Eks. 26:22Eks 36:27-30
Eks. 26:26Eks 36:31-33
Eks. 26:29Eks 12:35, 36; 36:34
Eks. 26:30Eks 19:3; 25:9; Mab 7:44; VaH 8:5
Eks. 26:31Eks 36:35, 36; Ru 23:45; VaH 6:19; 9:3; 10:19, 20
Eks. 26:331Mad 8:6
Eks. 26:33Eks 40:22, 26
Eks. 26:33Eks 40:21; Re 16:2; 1Mad 8:6; VaH 9:2-4, 12, 24
Eks. 26:35Re 24:2, 3; 1Mad 7:48, 49
Eks. 26:36Eks 36:37, 38
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 26:1-37

Eksodho

26 “Unofanira kugadzira tebhenekeri+ nemachira 10 etende akagadzirwa neshinda chena yakakoswa, shinda yebhuruu, shinda yepepuru,* neshinda tsvuku. Uagadzire aine mifananidzo yemakerubhi+ yakaita zvekurukirirwa.+ 2 Jira rimwe nerimwe retende richange rakareba makubhiti* 28 uye rakafara makubhiti 4. Machira ese etende anofanira kunge akaenzana.+ 3 Machira 5 etende anofanira kubatanidzwa oita zijira rimwe chete, uye mamwe 5 obatanidzwawo oita zijira rimwe chete. 4 Ugadzire zvishwe zveshinda yebhuruu pamupendero wejira retende riri pekupedzisira peaya abatanidzwa, uye uitewo saizvozvo pamupendero wekunze wejira retende riri pekupedzisira kwemamwe abatanidzwa parichabatira napo. 5 Ugadzire zvishwe 50 pajira retende rimwe chete uye zvishwe 50 pamupendero werimwe jira retende kuitira kuti zvishwe zvacho zvinge zvakanangana panobatanidzwa machira acho. 6 Ugadzire zvekukochekera nazvo 50 zvegoridhe, wozvishandisa kubatanidza machira acho etende, kuti tebhenekeri ive chinhu chimwe chete.+

7 “Ugadzirewo machira etende emvere dzembudzi+ ekuisa pamusoro petebhenekeri. Ugadzire machira 11 etende.+ 8 Jira rimwe nerimwe retende richange rakareba makubhiti 30, uye rakafara makubhiti 4. Machira acho etende ese ari 11 anofanira kunge akaenzana. 9 Ubatanidze machira 5 etende pamwe chete, wobatanidza mamwe acho 6 pamwe chete, uye unofanira kupeta rechi6 racho nechekumberi kwetende racho. 10 Ugadzire zvishwe 50 pamupendero wejira retende rinenge riri kwekupedzisira pane akabatanidzwa acho, uye zvishwe 50 pamupendero werimwe racho rarichabatanidzwa naro. 11 Ugadzire zvekukochekera nazvo 50 zvemhangura, uzvikochekere muzvishwe wobatanidza machira acho kuti rive tende rimwe chete. 12 Machira etende achange akapfuura panogumira tebhenekeri achafanira kusiyiwa akarembera. Hafu yawo, icharembera nechekuseri kwetebhenekeri. 13 Mamwe acho anenge asara acharembera nekubhiti rimwe kudivi rimwe nerimwe retebhenekeri, kuti aifukidze.

14 “Unofanira kugadzirira tende racho chekufukidzisa chematehwe emakondohwe akaiswa ruvara rutsvuku wozoisa pamusoro pacho chimwe chematehwe akapfava.*+

15 “Unofanira kugadzira mafuremu+ emapuranga emubayamhondoro ekumisa tebhenekeri.+ 16 Furemu rimwe nerimwe rinofanira kunge rakareba makubhiti 10, rakafara kubhiti nehafu. 17 Furemu rimwe nerimwe ngarive nezvimakumbo zvipfupi zviviri, chimwe chiri padivi pechimwe. Aya ndiwo magadziriro aunofanira kuita mafuremu acho ese etebhenekeri. 18 Unofanira kugadzira mafuremu 20 ekurutivi rwetebhenekeri rwakatarisa kumaodzanyemba.

19 “Unofanira kugadzira zvigadziko 40 zvesirivha zvine maburi+ zvinoiswa pasi pemafuremu 20: zvigadziko zviviri zvichange zviri pasi pefuremu rimwe chete munozopinda zvimakumbo zvaro zviviri, uye zvigadziko zviviri zvichange zviri pasi pefuremu rimwe nerimwe rinotevera munozopinda zvimakumbo zvaro zviviri.+ 20 Wogadzirira rumwe rutivi rwetebhenekeri rwekuchamhembe mafuremu 20 21 nezvigadziko zvawo zvesirivha 40, zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe chete uye zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe nerimwe rinotevera. 22 Kurutivi rwekumashure rwetebhenekeri kwakatarisa kumavirira, ugadzire mafuremu 6.+ 23 Ugadzire mafuremu maviri kuti ave mapango epamakona maviri ekumashure etebhenekeri. 24 Anofanira kuva nemapuranga maviri nechekuzasi ozonobatana nechekumusoro, parin’i yekutanga. Aya ndiwo magadzirirwo aanofanira kuitwa ari maviri, uye achava mapango maviri epakona. 25 Uye pachava nemafuremu 8 aine zvigadziko zvawo 16 zvesirivha zvine maburi, zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe chete uye zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe nerimwe rinotevera.

26 “Ugadzire mbariro 5 dzemubayamhondoro, dzekubatanidza nadzo mafuremu erimwe divi retebhenekeri,+ 27 uye mbariro 5 dzekubatanidza mafuremu erimwe divi retebhenekeri, nembariro 5 dzekubatanidza mafuremu edivi rekumavirira retebhenekeri, riri kumashure. 28 Mbariro yepakati inofanira kubva kumucheto ichisvika kumucheto ichipfuura nepakati chaipo pemafuremu.

29 “Uise goridhe pamafuremu acho,+ woagadzirira marin’i egoridhe kuti abate mbariro, uye unofanira kuisa goridhe pambariro dzacho. 30 Unofanira kumisa tebhenekeri yacho maererano nepurani yayo yawakaratidzwa mugomo.+

31 “Unofanira kugadzira keteni+ neshinda yebhuruu, shinda yepepuru,* shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa. Richagadzirwa riine mifananidzo yemakerubhi yakaita zvekurukirirwa. 32 Uriturike pambiru 4 dzematanda emubayamhondoro akaiswa goridhe. Zvekukochekera zvawo zvinofanira kuva zvegoridhe. Matanda acho anodzimikirwa pazvigadziko zvina zvesirivha. 33 Uite kuti keteni racho rirembere pazvekukochekera nazvo, wounza areka yeChipupuriro+ imomo mukati meketeni. Keteni racho richaparadzanisa Nzvimbo Tsvene+ neNzvimbo Tsvenetsvene.+ 34 Uise chekukwidibirisa pamusoro peareka yeChipupuriro iri muNzvimbo Tsvenetsvene.

35 “Uise tafura kunze kweketeni, woisa chigadziko chemarambi+ kurutivi rwekumaodzanyemba mutebhenekeri imomo chakatarisana netafura yacho; uye tafura ichange iri kurutivi rwekuchamhembe. 36 Ugadzire keteni rekuvharisa musuo wetende uchishandisa shinda yebhuruu, shinda yepepuru,* shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa.+ 37 Ugadzirire keteni racho mbiru 5 dzematanda emubayamhondoro, wodziisa goridhe. Zvekukochekera zvacho zvinofanira kuva zvegoridhe, uye wogadzira zvigadziko zvine maburi zvishanu zvemhangura.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe