RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 28
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Uprofita pamusoro pamambo weTire (1-10)

        • “Ndiri mwari” (2, 9)

      • Rwiyo rwekuchema mambo weTire (11-19)

        • “Waiva muEdheni” (13)

        • “Kerubhi rakazodzwa rinoita basa rekuchengetedza” (14)

        • ‘Wakatanga kuita zvisina kururama’ (15)

      • Uprofita pamusoro peSidhoni (20-24)

      • VaIsraeri vachadzoswa (25, 26)

Ezekieri 28:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 28:5
  • +Eze 27:4

Ezekieri 28:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:48

Ezekieri 28:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zek 9:3

Ezekieri 28:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 23:1, 3; Eze 27:12

Ezekieri 28:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 30:10, 11
  • +Isa 23:9

Ezekieri 28:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muguva.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 27:26

Ezekieri 28:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 28:3
  • +Eze 27:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/15/2005, pp. 23-24

    9/15/1988, p. 22

Ezekieri 28:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 27:16

Ezekieri 28:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 14:13

Ezekieri 28:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joe 3:4; Amo 1:9

Ezekieri 28:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 10:11; 2Mak 9:21; Eze 27:12
  • +Joe 3:6
  • +Isa 23:9; Jer 25:17, 22; 47:4; Joe 3:8

Ezekieri 28:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 27:3
  • +Isa 14:14
  • +Isa 14:15

Ezekieri 28:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Amo 1:9, 10

Ezekieri 28:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 27:35
  • +Eze 27:36

Ezekieri 28:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 23:4; Jer 25:17, 22; Eze 32:30

Ezekieri 28:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 26:6

Ezekieri 28:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 33:55; Jos 23:12, 13

Ezekieri 28:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 30:3; Isa 11:12; Jer 30:18; Ho 1:11
  • +Isa 5:16
  • +Jer 23:8
  • +Ge 28:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 137

Ezekieri 28:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 32:18; Jer 23:6; Ho 2:18
  • +Isa 65:21, 22; Jer 31:5; Amo 9:14
  • +Jer 30:16

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 110

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 28:2Eze 28:5
Ezek. 28:2Eze 27:4
Ezek. 28:3Dha 2:48
Ezek. 28:4Zek 9:3
Ezek. 28:5Isa 23:1, 3; Eze 27:12
Ezek. 28:7Eze 30:10, 11
Ezek. 28:7Isa 23:9
Ezek. 28:8Eze 27:26
Ezek. 28:12Eze 28:3
Ezek. 28:12Eze 27:3
Ezek. 28:13Eze 27:16
Ezek. 28:14Isa 14:13
Ezek. 28:15Joe 3:4; Amo 1:9
Ezek. 28:161Mad 10:11; 2Mak 9:21; Eze 27:12
Ezek. 28:16Joe 3:6
Ezek. 28:16Isa 23:9; Jer 25:17, 22; 47:4; Joe 3:8
Ezek. 28:17Eze 27:3
Ezek. 28:17Isa 14:14
Ezek. 28:17Isa 14:15
Ezek. 28:18Amo 1:9, 10
Ezek. 28:19Eze 27:35
Ezek. 28:19Eze 27:36
Ezek. 28:21Isa 23:4; Jer 25:17, 22; Eze 32:30
Ezek. 28:23Eze 26:6
Ezek. 28:24Nu 33:55; Jos 23:12, 13
Ezek. 28:25Dhe 30:3; Isa 11:12; Jer 30:18; Ho 1:11
Ezek. 28:25Isa 5:16
Ezek. 28:25Jer 23:8
Ezek. 28:25Ge 28:13
Ezek. 28:26Isa 32:18; Jer 23:6; Ho 2:18
Ezek. 28:26Isa 65:21, 22; Jer 31:5; Amo 9:14
Ezek. 28:26Jer 30:16
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 28:1-26

Ezekieri

28 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, udza mutungamiriri weTire kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Nemhaka yekuti mwoyo wako wava kuzvikudza,+ uri kuramba uchiti, ‘Ndiri mwari.

Ndiri pachigaro chamwari, pakati pegungwa.’+

Asi hausi mwari, unongova munhu,

Kunyange zvazvo mumwoyo mako uchizviona samwari.

 3 Inzwa! Wakachenjera kupfuura Dhanieri.+

Hapana zvawakavanzirwa.

 4 Wakazvipfumisa neuchenjeri hwako neungwaru hwako,

Uye uri kuramba uchiisa goridhe nesirivha maunochengetera pfuma yako.+

 5 Wakawana pfuma yakawanda nekugona kwako kutengeserana nevamwe,+

Uye mwoyo wako wakatanga kuzvikudza neupfumi hwako.”’

6 “‘Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Nemhaka yekuti uri kuzviona samwari,

 7 Ndiri kukuunzira vekune imwe nyika, vanhu vane utsinye kupfuura vamwe vese,+

Uye vachavhomora mapakatwa avo voparadza zvinhu zvese zvakanaka zvawakawana neuchenjeri hwako,

Vokanganisa runako rwako rukuru.+

 8 Vachakupinza mugomba,*

Uye uchafa rufu runorwadza pakati pegungwa.+

 9 Ucharamba here uchiti, ‘Ndiri mwari,’ kumunhu anenge achikuuraya?

Uchava munhuwo zvake mumaoko evari kukusvibisa, kwete mwari.”’

10 ‘Uchafa rufu rwevanhu vasina kuchecheudzwa, uchiurayiwa neruoko rwevanhu vekune imwe nyika,

Nekuti ini ndazvitaura,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

11 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 12 “Mwanakomana wemunhu, imba rwiyo rwekuchema mambo weTire, uti kwaari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Wakanga uri mucherechedzo werunako,

Uye wainge uzere neuchenjeri,+ wakanaka chaizvo.+

13 Waiva muEdheni, munda waMwari.

Wakanga wakashongedzwa nematombo ese anokosha anoti,

Rubhi, topazi, nejaspa; krisoriti, onikisi, nejedhi; safaya, tekoizi,+ neemaradhi.

Matombo iwayo ainge akasungirirwa pagoridhe,

Uye ndakaagadzira zuva randakakusika.

14 Ndakakugadza kuti uve kerubhi rakazodzwa rinoita basa rekuchengetedza.

Waiva mugomo dzvene raMwari,+ uye waifamba-famba pakati pematombo ane moto.

15 Wakanga usina mhosva panzira dzako kubvira pazuva rawakasikwa

Kusvikira watanga kuita zvisina kururama.+

16 Zvinhu zvakawanda zvawakatengeserana nevamwe,+

Zvakaita kuti uzare nemhirizhonga uye utange kutadza.+

Saka iwe kerubhi rinoita basa rekuchengetedza,

Ndichakubvisa mugomo raMwari sechinhu chakasviba ndokuparadza,+ ndokuisa kure nematombo ane moto.

17 Runako rwako rwakaita kuti mwoyo wako uzvikudze.+

Runako rwako runonwisa mvura ndirwo rwakaita kuti uchenjeri hwako hushaye basa.+

Ndichakukanda panyika.+

Ndichaita kuti madzimambo akutarise.

18 Wakasvibisa nzvimbo dzako tsvene nekuwanda kwezvivi zvako uye kusatendeka kwako pakutengeserana.

Ndichabatidza moto pakati pako, uye uchakupisa.+

Ndichaita kuti usare wava madota panyika, pamberi pevaya vese vakakutarisa.

19 Vaya vese vaikuziva pakati pemarudzi vacharamba vakakutarisa vachishamiswa.+

Kuguma kwako kuchangoerekana kwasvika uye kuchange kuchityisa,

hauchafa wakavapozve.”’”+

20 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 21 “Mwanakomana wemunhu, tarisa kuSidhoni+ uprofite nezvayo. 22 Uti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Ndiri kukurwisa iwe Sidhoni, uye ndichakudzwa pakati pako;

Uye vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha pandichaita zvandakatongera Sidhoni, ndotsveneswa mairi.

23 Ndichatuma denda mairi uye ropa richayerera mumigwagwa yayo.

Panguva ichauya bakatwa richibva kumativi ese, vanhu vachaurayiwa vachiwira mairi;

Uye vachaziva kuti ndini Jehovha.+

24 “‘“Imba yaIsraeri ichange isisina kupoteredzwa nemakwenzi anobaya neminzwa inorwadza,+ ivo vaya vese vari kuvazvidza; uye vanhu vachaziva kuti ndini Changamire Ishe Jehovha.”’

25 “‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Pandichadzosa vanhu veimba yaIsraeri kubva kumarudzi avakanga vaendeswa,+ ndichatsveneswa pakati pavo marudzi acho achiona.+ Vachagara munyika yavo+ yandakapa mushumiri wangu Jakobho.+ 26 Vachagara mairi vasina chekutya,+ vovaka dzimba nekudyara minda yemizambiringa.+ Vachagara vasina chekutya pandichaita zvandakatongera vaya vese vakavapoteredza vari kuvazvidza;+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.”’”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe