RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 38
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Gogi anorwisa Israeri (1-16)

      • Jehovha anotsamwira Gogi (17-23)

        • ‘Marudzi achaziva kuti ndini Jehovha’ (23)

Ezekieri 38:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 38:15
  • +Isa 66:19; Eze 27:13; 32:26
  • +Eze 39:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    5/2020, p. 15

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    9/2019, p. 11

    Kunamata Kwakachena, pp. 182-183, 240

    Nharireyomurindi,

    8/1/2007, p. 9

    3/1/1997, p. 14

    9/15/1988, pp. 25-26

Ezekieri 38:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 19:20, 28; Eze 29:3, 4; 39:2
  • +Eze 38:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 187, 195-198

    Nharireyomurindi,

    6/1/1997, pp. 15-17

Ezekieri 38:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 1:8

Ezekieri 38:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 10:2, 3; Eze 27:14
  • +Eze 39:2

Ezekieri 38:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “murindi.”

Ezekieri 38:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 23:5, 6; Eze 28:25, 26; 34:25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 183-186

    Nharireyomurindi,

    8/15/1991, p. 27

Ezekieri 38:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 186-187, 188

Ezekieri 38:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “misha yekumaruwa.”

  • *

    Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 15:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 188, 240

    Nharireyomurindi,

    5/15/2015, p. 29

    7/1/1995, p. 25

    9/15/1988, pp. 25-26

    Umambo hwaMwari Huri Kutonga!, p. 227

Ezekieri 38:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 33:12
  • +Zek 10:8
  • +Isa 60:5; 61:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 188

    Nharireyomurindi,

    11/1/1993, pp. 22-23

    8/15/1991, p. 27

Ezekieri 38:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nevarwi vayo vese vakaita seshumba dzava nezenze.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 27:22
  • +Eze 27:15
  • +Eze 27:25

Ezekieri 38:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 38:8

Ezekieri 38:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 39:2
  • +Zef 3:8

Ezekieri 38:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Pakunopera kwemazuva acho.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joe 3:2
  • +Eks 14:4; 2Mad 19:17-19; Pis 83:17, 18; Eze 39:21

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/2015, p. 19

    9/15/2012, pp. 5-6

    3/15/2009, pp. 18-19

    9/15/1988, pp. 25-26

Ezekieri 38:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joe 3:16; Na 1:2; Zek 2:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 189-193, 194-199

    Umambo hwaMwari Huri Kutonga!, p. 227

Ezekieri 38:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Na 1:5

Ezekieri 38:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 20:23; Hag 2:22; Zek 14:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 198

    Umambo hwaMwari Huri Kutonga!, p. 227

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 26

Ezekieri 38:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zek 14:12
  • +Jer 25:31
  • +Eks 9:22; Jos 10:11
  • +Isa 30:30
  • +Ge 19:24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 26

Ezekieri 38:23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 26

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 38:2Eze 38:15
Ezek. 38:2Isa 66:19; Eze 27:13; 32:26
Ezek. 38:2Eze 39:1
Ezek. 38:42Mad 19:20, 28; Eze 29:3, 4; 39:2
Ezek. 38:4Eze 38:15
Ezek. 38:51Mak 1:8
Ezek. 38:6Ge 10:2, 3; Eze 27:14
Ezek. 38:6Eze 39:2
Ezek. 38:8Jer 23:5, 6; Eze 28:25, 26; 34:25
Ezek. 38:11Eks 15:9
Ezek. 38:12Jer 33:12
Ezek. 38:12Zek 10:8
Ezek. 38:12Isa 60:5; 61:6
Ezek. 38:13Eze 27:22
Ezek. 38:13Eze 27:15
Ezek. 38:13Eze 27:25
Ezek. 38:14Eze 38:8
Ezek. 38:15Eze 39:2
Ezek. 38:15Zef 3:8
Ezek. 38:16Joe 3:2
Ezek. 38:16Eks 14:4; 2Mad 19:17-19; Pis 83:17, 18; Eze 39:21
Ezek. 38:18Joe 3:16; Na 1:2; Zek 2:8
Ezek. 38:20Na 1:5
Ezek. 38:212Mak 20:23; Hag 2:22; Zek 14:13
Ezek. 38:22Zek 14:12
Ezek. 38:22Jer 25:31
Ezek. 38:22Eks 9:22; Jos 10:11
Ezek. 38:22Isa 30:30
Ezek. 38:22Ge 19:24
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 38:1-23

Ezekieri

38 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, tarisa Gogi wenyika yeMagogi wakatsamwa,+ iro jinda guru reMesheki neTubhari,+ uprofite kwaari.+ 3 Uti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kukurwisa, iwe Gogi, jinda guru reMesheki neTubhari. 4 Ndichakutendeudza ndoisa zvirauro mushaya dzako,+ ndokubudisa iwe neuto rako rese,+ mabhiza nevatasvi vemabhiza avo vakapfeka zvakanaka kwazvo, vanhu vazhinji vane nhoo huru nenhoo diki,* nemapakatwa; 5 pamwe chete nevaPezhiya, nevanhu veItiopiya nePuti,+ avo vane nhoo diki nengowani; 6 uye Gomeri nemauto ayo ese, neimba yaTogama+ iyo iri kumativi ari kure kwazvo ekuchamhembe, nemauto ayo ese. Ndichakubudisa iwe nemarudzi aya mazhinji auinawo.+

7 “‘“Gadzirira uye mauto ako ese auinawo ngaagadzirirewo, uye iwe uchava mutungamiriri* wavo.

8 “‘“Ndichafunga nezvako papera mazuva mazhinji. Mumakore ekupedzisira uchapinda nechisimba munyika yevanhu vakadzoswa avo vakanunurwa pabakatwa, vakaunganidzwa kubva kumarudzi mazhinji vakaiswa mumakomo eIsraeri, ayo akanga ava nenguva aparadzwa. Vagari vemunyika yacho vakadzoswa vachibva kune mamwe marudzi uye vese vagere zvakanaka.+ 9 Uchauya sedutu kuzovarwisa, uye uchazadza nyika yacho semakore, iwe nemauto ako ese nemarudzi mazhinji auinawo.”’

10 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Zuva iroro pane pfungwa dzichauya mumwoyo mako, uye ucharuka zano rakaipa. 11 Uchati: “Ndichapinda nechisimba munyika ine misha* isina chinoidzivirira.+ Ndichaenda kunorwisa vaya vagere zvakanaka, vasina chinovanetsa, ivo vese vanogara mumisha isina kukomberedzwa nemasvingo, isina mazariro* kana magedhi.” 12 Uchazviita nechinangwa chekupamba zvinhu zvakawanda, uye kurwisa nzvimbo dzakaparadzwa dzava kugarwazve.+ Uchazviita kuti urwise rudzi runogara pakati penyika urwo rwakaunganidzwa kubva kune mamwe marudzi,+ uye ruri kuunganidza pfuma.+

13 “‘Shebha+ neDhedhani+ nevatengesi vekuTashishi+ nevarwi vayo vese* vachati kwauri: “Uri kupinda munyika kuti upambe zvinhu zvizhinji here? Waunganidza mauto ako kuti utakure sirivha negoridhe, nepfuma, uchipamba zvinhu zvizhinji here?”’

14 “Saka iwe mwanakomana wemunhu, profita uti kuna Gogi, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Zuva iroro, uchaziva kuti vanhu vangu vaIsraeri vari kugara zvakanaka, vasina chekutya.+ 15 Uchauya uchibva kumativi ari kure kwazvo ekuchamhembe kwaunogara,+ iwe nemarudzi mazhinji auinawo. Marudzi acho ese iuto guru rakatasva mabhiza, uye iungano huru.+ 16 Uchauya kuzorwisa vanhu vangu vaIsraeri wakaita semakore akafukidza nyika. Mumazuva ekupedzisira* ndichaita kuti iwe Gogi uuye kuzorwisa nyika yangu,+ kuti marudzi andizive pandichazvitsvenesa nezvandichaita kwauri iwo akatarisa.”’+

17 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Hausi iwe here wandakataura nezvake kare kare ndichishandisa vashumiri vangu, ivo vaprofita veIsraeri, avo vakaprofita kwemakore akawanda kuti ndichakuunza kuzovarwisa?’

18 “‘Zuva iroro, iro zuva richapinda Gogi munyika yeIsraeri,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘hasha dzangu dzichatutuma.+ 19 Ndichataura ndiine shungu, ndakashatirwa; uye zuva iroro munyika yeIsraeri muchava nekudengenyeka kukuru. 20 Ndichadederesa hove dzemugungwa, shiri dzedenga, mhuka dzesango, zvinhu zvese zvinokambaira panyika, nevanhu vese vari panyika. Ndichaita kuti makomo awire pasi uye kuti nzvimbo dzine mawere dziwe,+ uye ndichakoromora masvingo ese.’

21 “‘Ndichaita kuti bakatwa rimurwise mumakomo angu ese,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Murume mumwe nemumwe acharwisa hama yake nebakatwa.+ 22 Ndichaita zvandakamutongera, ndichaunza denda+ paari uye pachava nekudeurwa kweropa. Ndichaita kuti iye nemauto ake nemarudzi mazhinji aainawo+ vanayiwe nemvura ine simba nechimvuramabwe,+ nemoto+ nesarufa.+ 23 Ndicharatidza ukuru hwangu uye ndichazvitsvenesa pamberi pamarudzi mazhinji, ndoita kuti andizive. Vachaziva kuti ndini Jehovha.’

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe