RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zekariya 10
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raZekariya

      • Kumbirai Jehovha kuti akunayisirei mvura, kwete vanamwari venhema (1, 2)

      • Jehovha anobatanidza vanhu vake (3-12)

        • Mutungamiriri anobva kuimba yaJudha (3, 4)

Zekariya 10:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Masutso inguva yegore apo zvirimwa zvinenge zvava kuda kudyiwa.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 11:14; Jer 14:22; 51:16; Eze 34:26; Joe 2:23

Zekariya 10:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vanamwari vemumba vakataura; materafimu akataura.”

  • *

    Kana kuti “zvinhu zvisinganzwisisiki.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Midzimu Isingaoneki, p. 58

Zekariya 10:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ndichatonga nhongo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 34:16, 17

Zekariya 10:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “shongwe yepakona,” zvichiratidza kuti munhu anokosha; ishe.

  • *

    ChiHeb., “hoko,” zvichiratidza kuti anotsigisa; mutongi.

  • *

    Kana kuti “vakuru vese vebasa.”

Zekariya 10:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 20:1
  • +Hag 2:22

Zekariya 10:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 3:18; Eze 37:16, 19; Ho 1:10, 11
  • +Jer 31:9, 20
  • +Jer 30:18

Zekariya 10:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zek 9:15
  • +Isa 66:14; Zef 3:14

Zekariya 10:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 44:22; 51:11

Zekariya 10:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 11:11
  • +Jer 50:19; Mik 7:14
  • +Isa 49:19, 20; 54:1, 2

Zekariya 10:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 11:15
  • +Isa 19:1; Eze 30:13

Zekariya 10:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 41:10; 45:24
  • +Mik 4:5

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Zek. 10:1Dhe 11:14; Jer 14:22; 51:16; Eze 34:26; Joe 2:23
Zek. 10:3Eze 34:16, 17
Zek. 10:5Dhe 20:1
Zek. 10:5Hag 2:22
Zek. 10:6Jer 3:18; Eze 37:16, 19; Ho 1:10, 11
Zek. 10:6Jer 31:9, 20
Zek. 10:6Jer 30:18
Zek. 10:7Zek 9:15
Zek. 10:7Isa 66:14; Zef 3:14
Zek. 10:8Isa 44:22; 51:11
Zek. 10:10Isa 11:11
Zek. 10:10Jer 50:19; Mik 7:14
Zek. 10:10Isa 49:19, 20; 54:1, 2
Zek. 10:11Isa 11:15
Zek. 10:11Isa 19:1; Eze 30:13
Zek. 10:12Isa 41:10; 45:24
Zek. 10:12Mik 4:5
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Zekariya 10:1-12

Zekariya

10 “Kumbirai Jehovha kuti akunayisirei mvura panguva yemasutso.*

Jehovha ndiye anoita kuti pave nemakore emvura ine dutu,

Ndiye anovanayisira mvura,+

Uye ndiye anopa vese zvinomera mumunda.

 2 Nekuti zvidhori zvakataura* nhema;*

Uye vanofembera vakaona zvinhu zvenhema.

Vanotaura hope dzenhema,

Uye vanoedza kunyaradza asi hazvibatsiri.

Ndokusaka vachadzungaira semakwai.

Vachatambudzika, nekuti hapana mufudzi.

 3 Ndakatsamwira vafudzi kwazvo,

Uye ndichatonga vatungamiriri vane udzvinyiriri;*

Nekuti Jehovha wemauto afunga makwai ake,+ iyo imba yaJudha,

Uye aita kuti vaite sebhiza rake rinodadisa muhondo.

 4 Kwaari ndiko kunobva mutungamiriri,*

Kwaari ndiko kunobva mutongi* anomutsigira,

Kwaari ndiko kunobva uta hwehondo;

Kwaari ndiko kunobva vatariri vese;* vese zvavo vanobva kwaari.

 5 Vachaita sevarwi vane simba,

Vachitsika-tsika matope emumigwagwa muhondo.

Vacharwa, nekuti Jehovha anavo;+

Uye vatasvi vemabhiza vachanyadziswa.+

 6 Ndichaita kuti imba yaJudha ive nesimba,

Uye ndichaponesa imba yaJosefa.+

Ndichavadzosa,

Nekuti ndichavanzwira tsitsi;+

Uye vachaita sevanhu vandisina kumbobvira ndarasa;+

Nekuti ndini Jehovha Mwari wavo, uye ndichavapindura.

 7 Vanhu vekwaEfremu vachaita semurwi ane simba,

Uye mwoyo yavo ichafara sevanhu vanwa waini.+

Vanakomana vavo vachazviona vofara;

Mwoyo yavo ichafara muna Jehovha.+

 8 ‘Ndichavaridzira muridzo ndovaunganidza;

Nekuti ndichavadzikinura,+ uye vachava vazhinji,

Voramba vachiwanda.

 9 Kunyange ndichivamwaya pakati pemarudzi sembeu,

Vachandiyeuka vari kunzvimbo dziri kure;

Ivo nevanakomana vavo vachavazve nesimba, vodzoka.

10 Ndichavadzosa kubva kunyika yeIjipiti

Uye ndichavaunganidza kubva kuAsiriya;+

Ndichavaunza munyika yeGiriyedhi+ neRebhanoni,

Uye vachange vasisina nzvimbo inovakwanira.+

11 Anofanira kupfuura nemugungwa, oritambudza;

Uye acharova mafungu mugungwa;+

Mvura yakadzika iri muna Nire ichaoma.

Asiriya inozvikudza ichaninipiswa,

Uye tsvimbo yeumambo yeIjipiti ichabva.+

12 Ini Jehovha ndichaita kuti vave nesimba,+

Uye vachafamba nezita rangu,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe