RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 3
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Kutsauka kukuru kwevaIsraeri (1-5)

      • VaIsraeri nevaJudha vane mhosva yeupombwe (6-11)

      • Kukumbirwa kuti vasiye zvakaipa (12-25)

Jeremiya 3:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 24:5; Jer 2:7
  • +Jer 2:20; Eze 16:28, 29

Jeremiya 3:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “SemuArabhu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 16:16; 20:28

Jeremiya 3:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Masutso inguva yegore apo zvirimwa zvinenge zvava kuda kudyiwa.

  • *

    ChiHeb., “pahuma yako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:19; Jer 14:4; Amo 4:7
  • +Jer 6:15

Jeremiya 3:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 2:2

Jeremiya 3:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mik 2:1; 7:3

Jeremiya 3:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:1
  • +Eze 20:28; Ho 4:13

Jeremiya 3:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 17:13; 2Mak 30:6; Ho 14:1
  • +Eze 16:46; 23:2, 4

Jeremiya 3:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 24:1
  • +Eze 23:4, 5, 9; Ho 2:2; 9:15
  • +2Mad 17:19; Eze 23:4, 11

Jeremiya 3:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 57:5, 6; Jer 2:27

Jeremiya 3:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wake wakarurama.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 16:51; 23:4, 11

Jeremiya 3:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Handizoiti kuti chiso changu chidonhe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 17:6; Jer 23:8
  • +Jer 4:1; Eze 33:11; Ho 14:1
  • +Ho 11:8, 9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 150-152

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 9

Jeremiya 3:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nzira dzenyu.”

  • *

    Kana kuti “kuvanamwari vekumwe.”

Jeremiya 3:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “murume wenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 23:3

Jeremiya 3:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 23:4; Eze 34:23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 103-104

    Jeremiya, pp. 129-130

Jeremiya 3:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ho 1:10

Jeremiya 3:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 87:3; Eze 43:7
  • +Isa 2:2, 3; 56:6, 7; 60:3; Mik 4:1, 2; Zek 2:11; 8:22, 23

Jeremiya 3:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:4; Eze 37:19; Ho 1:11
  • +2Mak 36:23; Ezr 1:3; Amo 9:15

Jeremiya 3:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “pamauto emarudzi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 20:6

Jeremiya 3:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “shamwari yake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 48:8; Ho 3:1; 5:7

Jeremiya 3:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 17:10; Ho 8:14; 13:6

Jeremiya 3:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ho 14:1, 4
  • +Jer 31:18; Ho 3:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 72

Jeremiya 3:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 65:7
  • +Isa 12:2

Jeremiya 3:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mwari anonyadzisa aparadza.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ho 9:10

Jeremiya 3:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 2:19
  • +Ezr 9:7; Pis 106:7

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 3:1Isa 24:5; Jer 2:7
Jer. 3:1Jer 2:20; Eze 16:28, 29
Jer. 3:2Eze 16:16; 20:28
Jer. 3:3Re 26:19; Jer 14:4; Amo 4:7
Jer. 3:3Jer 6:15
Jer. 3:4Jer 2:2
Jer. 3:5Mik 2:1; 7:3
Jer. 3:62Mad 22:1
Jer. 3:6Eze 20:28; Ho 4:13
Jer. 3:72Mad 17:13; 2Mak 30:6; Ho 14:1
Jer. 3:7Eze 16:46; 23:2, 4
Jer. 3:8Dhe 24:1
Jer. 3:8Eze 23:4, 5, 9; Ho 2:2; 9:15
Jer. 3:82Mad 17:19; Eze 23:4, 11
Jer. 3:9Isa 57:5, 6; Jer 2:27
Jer. 3:11Eze 16:51; 23:4, 11
Jer. 3:12Jer 4:1; Eze 33:11; Ho 14:1
Jer. 3:12Ho 11:8, 9
Jer. 3:122Mad 17:6; Jer 23:8
Jer. 3:14Jer 23:3
Jer. 3:15Jer 23:4; Eze 34:23
Jer. 3:16Ho 1:10
Jer. 3:17Pis 87:3; Eze 43:7
Jer. 3:17Isa 2:2, 3; 56:6, 7; 60:3; Mik 4:1, 2; Zek 2:11; 8:22, 23
Jer. 3:18Jer 50:4; Eze 37:19; Ho 1:11
Jer. 3:182Mak 36:23; Ezr 1:3; Amo 9:15
Jer. 3:19Eze 20:6
Jer. 3:20Isa 48:8; Ho 3:1; 5:7
Jer. 3:21Isa 17:10; Ho 8:14; 13:6
Jer. 3:22Ho 14:1, 4
Jer. 3:22Jer 31:18; Ho 3:5
Jer. 3:23Isa 65:7
Jer. 3:23Isa 12:2
Jer. 3:24Ho 9:10
Jer. 3:25Jer 2:19
Jer. 3:25Ezr 9:7; Pis 106:7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 3:1-25

Jeremiya

3 Vanhu vanobvunza kuti: “Kana murume akadzinga mudzimai wake, mudzimai wacho omusiya ova wemumwe murume, murume wacho angadzokazve kwaari here?”

Nyika iyoyo haina kusvibiswa zvakanyanya here?+

“Wakaita chipfambi nevanhu vazhinji,+

Saka iye zvino ungadzoka kwandiri here?” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

 2 “Simudza maziso ako utarise kuzvikomo zvisina chinhu uone.

Ndepapi pausina kubatwa chibharo?

Waivagaririra mumigwagwa,

Semunhu anotama-tama* murenje.

Unoramba uchisvibisa nyika

Neupfambi hwako nezvakaipa zvako.+

 3 Saka hapana mvura inopfunha yaunopiwa,+

Uye mumasutso* hamusi kunaya mvura.

Hauna nyadzi pachiso chako* semudzimai anoita zvechipfambi;

Hautombonyari.+

 4 Asi iye zvino unoshevedzera kwandiri uchiti,

‘Baba vangu, ndimi shamwari yeudiki hwangu!+

 5 Munhu angaramba akatsamwa nekusingaperi here,

Kana kuti angaramba aine chigumbu here?’

Izvi ndizvo zvaunotaura,

Asi unoramba uchiita zvakaipa zvese zvaunokwanisa.”+

6 Mumazuva aMambo Josiya,+ Jehovha akati kwandiri: “‘Waona zvakaitwa naIsraeri uyo asina kutendeka here? Akaenda mumakomo ese akakwirira nepasi pemiti yese yakasvibirira kuti aite zvechipfambi.+ 7 Kunyange pashure pekunge aita zvinhu zvese izvi, ndakaramba ndichimuudza kuti adzoke kwandiri;+ asi haana kudzoka; uye Judha akaramba achingotarisa mukoma wake anonyengera.+ 8 Pandakazviona ndakadzinga Israeri asina kutendeka ndikamupa gwaro rakazara rekumuramba+ nemhaka yeupombwe hwake.+ Asi Judha, munin’ina wake anonyengera haana kutya; naiyewo akaenda akanoita zvechipfambi.+ 9 Akaona upfambi hwake sechinhu chidiki, uye akaramba achisvibisa nyika, achiita upombwe nematombo nemiti.+ 10 Pasinei nezvese izvi, munin’ina wake Judha anonyengera haana kudzoka kwandiri nemwoyo wake wese, asi zvaiva zvekungonyepedzera,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”

11 Jehovha akabva ati kwandiri: “Israeri asina kutendeka akaratidza kuti akarurama* kupfuura Judha anonyengera.+ 12 Enda kuchamhembe uzivise mashoko aya ekuti:+

“‘“Dzokai, haiwa imi vaIsraeri vakatsauka,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’+ ‘“Handizokutarisii ndakatsamwa,*+ nekuti ndakavimbika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’ ‘“Handizorambi ndakatsamwa nekusingaperi. 13 Imi chingobvumai mhosva yenyu chete, nekuti makapandukira Jehovha Mwari wenyu. Makaramba muchingomwaya rudo rwenyu* kuvatorwa* pasi pemiti yese yakasvibirira, asi hamuna kuda kuteerera inzwi rangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’”

14 “Dzokai imi vanakomana vakatsauka,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Nekuti ndava tenzi wenyu chaiye;* uye ndichakutorai, mumwe chete kubva muguta uye vaviri kubva mumhuri, uye ndichakuunzai kuZiyoni.+ 15 Ndichakupai vafudzi vanoita zvandinoda,+ uye vachakufudzai neruzivo nenjere. 16 Muchava vazhinji, mobereka zvibereko muri munyika yacho pamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+ “Havazotizve, ‘Areka yesungano yaJehovha!’ Haizouyi mupfungwa, uye havazoiyeuki kana kuisuwa, uye haizogadzirwizve. 17 Panguva iyoyo vachatumidza Jerusarema kuti chigaro cheumambo chaJehovha;+ uye marudzi ese achaunganidzwa kune zita raJehovha kuJerusarema,+ uye havazoomesi misoro zvakare vachitevera mwoyo yavo yakaipa.”

18 “Mumazuva iwayo imba yaJudha neimba yaIsraeri dzichafamba pamwe chete,+ uye dzichabva kunyika yekuchamhembe dziri pamwe chete dzichipinda munyika yandakapa madzitateguru enyu kuti ive nhaka yawo.+ 19 Uye ndakati, ‘Ndakakuisa pakati pevanakomana ndikakupa nyika yakanaka kwazvo, nhaka yakanaka kupfuura dzese pamarudzi!’*+ Ndakafungawo kuti muchandishevedza kuti, ‘Baba vangu!’ uye kuti hamuzoregi kunditevera. 20 ‘Haiwa imi imba yaIsraeri, chokwadi makandinyengera, sezvinoita mudzimai anosiya murume wake* nekunyengera,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”

21 Muzvikomo zvisina chinhu muri kunzwika ruzha,

Kuchema uye kuteterera kwevanhu veIsraeri,

Nekuti vakavhiringidza nzira yavo;

Vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.+

22 “Dzokai, imi vanakomana vakatsauka.

Ndichagadzirisa kutsauka kwenyu.”+

“Tiri pano! Tauya kwamuri,

Nekuti imi, haiwa Jehovha, muri Mwari wedu.+

23 Chokwadi zvikomo nemheremhere iri mumakomo ndezvenhema.+

Chokwadi ruponeso rwaIsraeri ruri kuna Jehovha Mwari wedu.+

24 Asi chinhu chinonyadzisa chaparadza* zvakabudirwa ziya nemadzitateguru edu kubvira tichiri vadiki,+

Iwo makwai avo nemombe dzavo,

Vanakomana vavo nevanasikana vavo.

25 Ngatirare pasi tichinyara,

Uye nyadzi dzedu ngadzitifukidze,

Nekuti takatadzira Jehovha Mwari wedu,+

Isu nemadzibaba edu kubvira tichiri vadiki kusvikira nhasi,+

Uye hatina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe