RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Kuvimba netemberi yaJehovha vachizvinyengera (1-11)

      • Temberi ichaita sezvakaitwa Shiro (12-15)

      • Kunamata kwenhema kunoshorwa (16-34)

        • Kunamata “Mambokadzi Wedenga” (18)

        • Kubayira vana muHinomu (31)

Jeremiya 7:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 26:13

Jeremiya 7:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Izvi,” kureva zvivakwa zvese zvepatemberi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mik 3:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 10

    4/1/1988, pp. 12, 16-17

Jeremiya 7:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 21:12; 22:3

Jeremiya 7:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 24:17; Pis 82:3; Zek 7:9, 10; Jak 1:27
  • +Dhe 8:19

Jeremiya 7:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kubvira nariini kusvikira nariini.”

Jeremiya 7:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 30:10; Jer 5:31; 14:14

Jeremiya 7:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nekukwidza utsi hwezvibayiro.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 3:14; Mik 2:2
  • +Jer 5:2
  • +Jer 11:13

Jeremiya 7:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa,

    3/2017, p. 3

Jeremiya 7:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 21:13; Mk 11:17; Ru 19:45, 46

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/1988, p. 12

Jeremiya 7:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 18:1
  • +Dhe 12:5, 11
  • +1Sa 4:11; Pis 78:60; Jer 26:6, 9

Jeremiya 7:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:15, 16; Jer 25:3, 4
  • +Isa 65:12

Jeremiya 7:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:8, 9
  • +Jer 7:4
  • +1Sa 4:10, 11; Pis 78:60; Jer 26:4, 6; Mari 2:7

Jeremiya 7:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 17:22, 23

Jeremiya 7:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:9, 10; Jer 11:14
  • +Jer 15:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 139

    Nharireyomurindi,

    12/1/2001, pp. 30-31

Jeremiya 7:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zita rekuremekedza ramwarikadzi ainamatwa nevaIsraeri vainge vapanduka; zvichida aiva mwarikadzi wekubereka.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 44:17
  • +Isa 57:6; Jer 19:13; Eze 20:28

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/1988, pp. 13, 19

Jeremiya 7:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kugumbura; kudenha.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 9:7

Jeremiya 7:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mari 2:3
  • +2Mad 22:17; Jer 17:27

Jeremiya 7:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 1:11; Jer 6:20; Ho 8:13; Amo 5:21

Jeremiya 7:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:22; Ho 6:6

Jeremiya 7:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 19:5; Re 26:3, 12
  • +Dhe 5:29

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/1999, p. 29

Jeremiya 7:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “zano ravo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:8
  • +Ho 4:16; Zek 7:12

Jeremiya 7:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ndichimukira zuva nezuva ndichivatuma.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 9:7; 1Sa 8:8
  • +2Mad 17:13; 2Mak 36:15; Ne 9:17, 30; Jer 25:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/15/1993, p. 32

    4/1/1988, p. 22

Jeremiya 7:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mitsipa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 33:10; Jer 25:3

Jeremiya 7:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 26:2; Eze 2:7

Jeremiya 7:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kurangwa.”

  • *

    ChiHeb., “kwadimburwa pamiromo yavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 5:1; Mik 7:2

Jeremiya 7:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “rakatsaurwa.”

  • *

    Kana kuti “rwekuchema.”

Jeremiya 7:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 21:1, 4; 2Mak 33:1, 4; Jer 23:11; 32:34

Jeremiya 7:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gehena.”

  • *

    Kana kuti “kumbobvira zvauya mupfungwa dzangu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:8, 12
  • +Dhe 12:29-31; 2Mad 17:17; 2Mak 28:1, 3; 33:1, 6; Eze 20:31
  • +Re 18:21; 20:3; Jer 19:5, 6; 32:35

Jeremiya 7:32

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gehena.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 19:11; Eze 6:4, 5

Jeremiya 7:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:26; Pis 79:2; Jer 16:4

Jeremiya 7:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 24:8; Jer 25:10
  • +Re 26:33; Isa 1:7; 6:11

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 7:3Jer 26:13
Jer. 7:4Mik 3:11
Jer. 7:5Jer 21:12; 22:3
Jer. 7:6Dhe 24:17; Pis 82:3; Zek 7:9, 10; Jak 1:27
Jer. 7:6Dhe 8:19
Jer. 7:8Isa 30:10; Jer 5:31; 14:14
Jer. 7:9Isa 3:14; Mik 2:2
Jer. 7:9Jer 5:2
Jer. 7:9Jer 11:13
Jer. 7:11Mt 21:13; Mk 11:17; Ru 19:45, 46
Jer. 7:12Jos 18:1
Jer. 7:12Dhe 12:5, 11
Jer. 7:121Sa 4:11; Pis 78:60; Jer 26:6, 9
Jer. 7:132Mak 36:15, 16; Jer 25:3, 4
Jer. 7:13Isa 65:12
Jer. 7:142Mad 25:8, 9
Jer. 7:14Jer 7:4
Jer. 7:141Sa 4:10, 11; Pis 78:60; Jer 26:4, 6; Mari 2:7
Jer. 7:152Mad 17:22, 23
Jer. 7:16Eks 32:9, 10; Jer 11:14
Jer. 7:16Jer 15:1
Jer. 7:18Jer 44:17
Jer. 7:18Isa 57:6; Jer 19:13; Eze 20:28
Jer. 7:19Dha 9:7
Jer. 7:20Mari 2:3
Jer. 7:202Mad 22:17; Jer 17:27
Jer. 7:21Isa 1:11; Jer 6:20; Ho 8:13; Amo 5:21
Jer. 7:221Sa 15:22; Ho 6:6
Jer. 7:23Eks 19:5; Re 26:3, 12
Jer. 7:23Dhe 5:29
Jer. 7:24Eks 32:8
Jer. 7:24Ho 4:16; Zek 7:12
Jer. 7:25Dhe 9:7; 1Sa 8:8
Jer. 7:252Mad 17:13; 2Mak 36:15; Ne 9:17, 30; Jer 25:4
Jer. 7:262Mak 33:10; Jer 25:3
Jer. 7:27Jer 26:2; Eze 2:7
Jer. 7:28Jer 5:1; Mik 7:2
Jer. 7:302Mad 21:1, 4; 2Mak 33:1, 4; Jer 23:11; 32:34
Jer. 7:31Jos 15:8, 12
Jer. 7:31Dhe 12:29-31; 2Mad 17:17; 2Mak 28:1, 3; 33:1, 6; Eze 20:31
Jer. 7:31Re 18:21; 20:3; Jer 19:5, 6; 32:35
Jer. 7:32Jer 19:11; Eze 6:4, 5
Jer. 7:33Dhe 28:26; Pis 79:2; Jer 16:4
Jer. 7:34Isa 24:8; Jer 25:10
Jer. 7:34Re 26:33; Isa 1:7; 6:11
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 7:1-34

Jeremiya

7 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti: 2 “Mira pagedhi reimba yaJehovha uzivise mashoko aya ipapo ekuti, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi mese vanhu veJudha vanopinda nepamagedhi aya muchinokotamira Jehovha. 3 Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Chinjai nzira dzenyu nemabasa enyu uye ndichakubvumirai kuti murambe muchigara munzvimbo ino.+ 4 Musavimba nemashoko eunyengeri, moti, ‘Iyi* itemberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha!’+ 5 Nekuti kana mukanyatsochinja nzira dzenyu nemabasa enyu; kana mukatonga nyaya yemunhu nemuvakidzani wake zvakanaka;+ 6 kana mukasadzvinyirira mutorwa, nherera uye chirikadzi;+ kana mukasadeura ropa risina mhosva munzvimbo ino; uye kana mukasatevera vamwe vanamwari muchizvikuvadzisa;+ 7 ndichakubvumirai kuti murambe muchigara munzvimbo ino, munyika yandakapa madzitateguru enyu kuti irambe iri yawo.”’”*

8 “Asi muri kuvimba nemashoko eunyengeri;+ izvozvo hazvina zvazvichatombobatsira. 9 Mungaba+ nekuuraya nekuita upombwe nekupika zvenhema+ nekupa zvibayiro* kuna Bhaari+ nekutevera vamwe vanamwari vamusina kumboziva, 10 mozouya momira pamberi pangu muimba ino ine zita rangu muchiti, ‘Tichaponeswa,’ pasinei nezvinhu zvese izvi zvinosemesa zvamuri kuita here? 11 Mava kuona imba ino ine zita rangu sebako remakororo here?+ Ndazvionera ndega,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

12 “‘Zvisinei, endai kunzvimbo yangu kuShiro,+ kwandakatanga kuita kuti zita rangu rigare,+ munoona zvandakaiitira nemhaka yezvakaipa zvevanhu vangu vaIsraeri.+ 13 Asi makaramba muchiita zvinhu zvese izvi,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘uye kunyange zvazvo ndakataura ndataurazve nemi, hamuna kuteerera.+ Ndakaramba ndichikushevedzai, asi hamuna kupindura.+ 14 Saka ndichaitira imba ine zita rangu+ yamuri kuvimba nayo,+ nenzvimbo iyi yandakakupai imi nemadzitateguru enyu, sezvandakaitira Shiro.+ 15 Ndichakurasai kwandisingakuonei, sekurasa kwandakaita hama dzenyu dzese, ivo vazukuru vese vaEfremu.’+

16 “Asi iwe usanyengeterera vanhu ava. Usavachemera kwandiri kana kuvanyengeterera kana kuvatetererera,+ nekuti handizokuteereri.+ 17 Hausi kuona here zvavari kuita mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema? 18 Vanakomana vari kutsvaga huni, vanababa vari kubatidza moto, uye madzimai ari kukanya mukanyiwa kuti vagadzirire Mambokadzi Wedenga*+ makeke emupiro, uye vari kudururira mipiro yezvinwiwa kune vamwe vanamwari vachindigumbura.+ 19 ‘Asi ndini wavari kurwadzisa* here?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. ‘Havasi kuzvirwadzisa ivo pachavo here, vachizvinyadzisa?’+ 20 Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Inzwai! Kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa panzvimbo ino,+ pavanhu nepamhuka, pamiti yemusango nepazvibereko zvevhu; hasha dzangu dzichabvira uye hadzizodzimwi.’+

21 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Wedzerai zvibayiro zvinopiswa pane zvimwe zvibayiro zvenyu, mudye imi nyama yacho.+ 22 Nekuti pazuva randakabudisa madzitateguru enyu munyika yeIjipiti, handina kutaura nawo kana kuarayira nezvemipiro inopiswa nezvibayiro.+ 23 Asi ndakavapa murayiro uyu: “Teererai inzwi rangu, uye ndichava Mwari wenyu, uye muchava vanhu vangu.+ Munofanira kufamba munzira yese yandinorayira, kuti zvikufambirei zvakanaka.”’+ 24 Asi ivo havana kuteerera, kana kurereka nzeve dzavo;+ asi vakatevera zvemumusoro mavo,* vachiomesa misoro vachitevera mwoyo yavo yakaipa,+ uye vakadzokera shure, kwete kuenda mberi, 25 kubvira pazuva rakabuda madzitateguru enyu munyika yeIjipiti kusvikira nhasi.+ Saka ndakaramba ndichikutumirai vashumiri vangu vese vaprofita, ndichivatuma ndavatumazve zuva nezuva.*+ 26 Asi vakaramba kunditeerera, uye havana kurereka nzeve dzavo.+ Pane kudaro, vakaomesa misoro* yavo uye vakaita zvakaipa kupfuura madzitateguru avo!

27 “Uchavaudza mashoko aya ese,+ asi ivo havazokuteereri; uchashevedzera kwavari, asi havazokupinduri. 28 Uye uchati kwavari, ‘Urwu ndirwo rudzi rusina kuteerera inzwi raJehovha Mwari warwo, uye rwakaramba kurayirwa.* Kutendeka kwaparara uye hakutombotaurwi nezvako pakati pavo.’*+

29 “Gera bvudzi rako risina kugerwa* urirase, uye imba rwiyo rwekushungurudzika* muzvikomo zvisina chinhu, nekuti Jehovha aramba chizvarwa ichi chakamutsamwisa chaizvo uye achachisiya. 30 ‘Nekuti vanhu veJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. ‘Vakaisa zvidhori zvavo zvinosemesa muimba ine zita rangu, kuti vaisvibise.+ 31 Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, iri muBani reMwanakomana waHinomu,*+ kuti vapise vanakomana vavo nevanasikana vavo mumoto,+ zvinhu zvandakanga ndisina kuvarayira uye zvisina kutombobvira zvauya mumwoyo mangu.’*+

32 “‘Saka inzwai! mazuva achasvika,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘paisingazombonzizve Tofeti kana kuti Bani reMwanakomana waHinomu,* asi Bani Rekuurayira. Vachaviga vakafa muTofeti kusvikira musisina nzvimbo.+ 33 Uye zvitunha zvevanhu ava zvichava zvekudya zveshiri dzedenga nezvemhuka dzepanyika, pasina anodzidzinga.+ 34 Ndichaita kuti mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema musanzwika inzwi rekupembera nemufaro nenzwi remufaro mukuru, inzwi remurume ari kuroora nenzwi remwenga,+ nekuti nyika yacho ichasara yava matongo.’”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe