Jeremiya
14 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya pamusoro pekusanaya kwemvura:+
2 Judha iri kuchema,+ uye magedhi ayo apera basa.
Ari kunyura pasi akasuruvara,
Uye pane kuchema kuri kunzwika muJerusarema.
3 Vanatenzi vavo vanotuma varanda* vavo kumvura.
Vanoenda kumakomba emvura* asi havawani mvura.
Vanodzokera nemidziyo isina chinhu.
Vari kunyara uye vari kurwadziwa,
Uye vanofukidza misoro yavo.
4 Pasi patsemuka
Nemhaka yekusanaya kwemvura munyika,+
Saka varimi vari kunetseka uye vafukidza misoro yavo.
5 Kunyange nondo iri musango inosiya mwana wayo wainobereka
Nekuti hapana uswa.
6 Madhongi emusango anomira muzvikomo zvisina chinhu.
7 Kunyange zvazvo kukanganisa kwedu kuchipupura kuti tine mhosva,
Haiwa Jehovha, itai chimwe chinhu kuitira zita renyu.+
Nekuti mabasa edu ekusatendeka mazhinji,+
Uye ndimi watakatadzira.
8 Haiwa imi tariro yaIsraeri, Muponesi+ wake panguva dzekutambudzika,
Nei muchiita semutorwa munyika,
Semunhu ari parwendo anongomira kuti arare usiku?
9 Nei muchiita semunhu avhiringidzika,
Semurume ane simba asingagoni kuponesa?
Musatirasa.
10 Zvanzi naJehovha pamusoro pevanhu ava: “Vanoda zvekungodzungaira nenyika;+ havana kudzora tsoka dzavo.+ Saka Jehovha haavafariri.+ Iye zvino achayeuka kukanganisa kwavo uye achaita kuti vazvidavirire zvivi zvavo.”+
11 Jehovha akabva ati kwandiri: “Usanyengeterera kuti vanhu ava vaitirwe zvakanaka.+ 12 Pavanotsanya, handiteereri kuteterera kwavo,+ uye pavanopa zvibayiro zvinopiswa nemipiro yezviyo,* hazvindifadzi;+ ndichavaparadza nebakatwa, nenzara, uye nedenda.”*+
13 Ndakabva ndati: “Maiwee, Changamire Ishe Jehovha! Vaprofita vari kuti kwavari, ‘Hapana bakatwa ramuchaona, uye nzara haizouyi pamuri, asi ndichakupai rugare rwechokwadi munzvimbo ino.’”+
14 Jehovha akabva ati kwandiri: “Vaprofita vacho vari kuprofita nhema muzita rangu.+ Handina kuvatuma, uyewo handina kuvarayira kana kutaura navo.+ Vari kukuprofitirai chiratidzo chenhema vachifembera zvinhu zvisingabatsiri uye vanokuudzai zvinhu zvavanoruka mumwoyo mavo.+ 15 Saka zvanzi naJehovha pamusoro pevaprofita vari kuprofita muzita rangu, kunyange zvazvo ndisina kuvatuma, uye vari kutaura kuti hapana bakatwa kana nzara zvichavapo munyika ino: ‘Vaprofita ivavo vachaparara nebakatwa nenzara.+ 16 Vanhu vavari kuprofitira vacharasirwa mumigwagwa yeJerusarema nekuda kwenzara nebakatwa, pasina anovaviga,+ ivo, madzimai avo, vanakomana vavo, kana vanasikana vavo, nekuti ndichadururira pavari dambudziko rakavakodzera.’+
17 “Unofanira kutaura shoko iri kwavari,
‘Maziso angu ngaayerere misodzi siku nesikati, ngaasamira,+
Nekuti mhandara yevanhu vangu yapwanyiwa uye yakuvadzwa zvakanyanya,+
Uye ronda rayo rakakura zvisingaiti.
Uye kana ndikapinda muguta,
Ndinoona zvirwere zvakakonzerwa nenzara!+
Nekuti muprofita nemupristi vari kudzungaira nenyika yavasingazivi.’”+
19 Makaramba Judha zvachose here, uye makasema* Ziyoni here?+
Makatiroverei zvekuti hatipori?+
Taiva netariro yekuti pachava nerunyararo, asi hapana chakanaka chakauya,
Netariro yekuporeswa, asi kune zvinotyisa!+
20 Tinobvuma zvakaipa zvedu, haiwa Jehovha,
Uye kukanganisa kwemadzitateguru edu,
Nekuti takakutadzirai.+
Yeukai uye musaputsa sungano yenyu nesu.+
22 Pazvidhori zvisina zvazvinobatsira zvemamwe marudzi pane chinganayisa mvura here,
Kana kuti denga ringagona kunayisa mvura rega here?
Hamusi imi mega here, haiwa Jehovha Mwari wedu?+
Tinotarisira kwamuri,
Nekuti imi mega ndimi makaita zvinhu zvese izvi.