RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 14
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Kusanaya kwemvura, nzara, uye bakatwa (1-12)

      • Vaprofita venhema vanofumurwa (13-18)

      • Jeremiya anobvuma kuti vanhu vakatadza (19-22)

Jeremiya 14:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:24

Jeremiya 14:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joe 1:10

Jeremiya 14:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vadiki.”

  • *

    Kana kuti “kumigodhi yemvura.”

Jeremiya 14:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:20; Dhe 28:23

Jeremiya 14:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iyi imhuka yakada kufanana negava.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 12:4; Joe 1:18

Jeremiya 14:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 7:9; Pis 25:11; 115:1, 2
  • +Ezr 9:6; Ne 9:33; Dha 9:5, 8

Jeremiya 14:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 106:8, 21; Isa 45:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mukai!,

    5/8/2004, p. 19

Jeremiya 14:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:45; Dhe 23:14
  • +Dha 9:19

Jeremiya 14:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 2:23
  • +Jer 2:25
  • +Jer 6:20
  • +Ho 8:13

Jeremiya 14:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 7:16; 11:14

Jeremiya 14:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

  • *

    Kana kuti “nechirwere.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 1:15; 58:3; Jer 11:11; Eze 8:18
  • +Isa 1:11
  • +Jer 9:16; Eze 5:12

Jeremiya 14:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 4:10; 5:31; 6:13, 14; 23:16, 17; 27:8-10; Eze 13:10; Mik 3:11

Jeremiya 14:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 23:25, 26; 29:21
  • +Jer 23:21; 27:15
  • +Mari 2:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/2008, p. 5

Jeremiya 14:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 5:12, 13; 23:15; Eze 12:24; 13:9

Jeremiya 14:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 79:2, 3; Jer 9:22
  • +Jer 4:18

Jeremiya 14:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 8:18, 21; 9:1
  • +Mari 1:15

Jeremiya 14:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 7:15
  • +Mari 5:10
  • +Dhe 28:36

Jeremiya 14:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wenyu wakasema.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 12:8; Mari 5:22
  • +2Mak 36:15, 16
  • +Jer 8:15

Jeremiya 14:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 9:7; Dha 9:5, 8

Jeremiya 14:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 36:22; Dha 9:15
  • +Eks 32:13; Re 26:41, 42; Pis 106:43-45

Jeremiya 14:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:12; Isa 30:23; Joe 2:23

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 14:1Dhe 28:24
Jer. 14:2Joe 1:10
Jer. 14:4Re 26:20; Dhe 28:23
Jer. 14:6Jer 12:4; Joe 1:18
Jer. 14:7Jos 7:9; Pis 25:11; 115:1, 2
Jer. 14:7Ezr 9:6; Ne 9:33; Dha 9:5, 8
Jer. 14:8Pis 106:8, 21; Isa 45:15
Jer. 14:9Eks 29:45; Dhe 23:14
Jer. 14:9Dha 9:19
Jer. 14:10Jer 2:23
Jer. 14:10Jer 2:25
Jer. 14:10Jer 6:20
Jer. 14:10Ho 8:13
Jer. 14:11Jer 7:16; 11:14
Jer. 14:12Isa 1:15; 58:3; Jer 11:11; Eze 8:18
Jer. 14:12Isa 1:11
Jer. 14:12Jer 9:16; Eze 5:12
Jer. 14:13Jer 4:10; 5:31; 6:13, 14; 23:16, 17; 27:8-10; Eze 13:10; Mik 3:11
Jer. 14:14Jer 23:25, 26; 29:21
Jer. 14:14Jer 23:21; 27:15
Jer. 14:14Mari 2:14
Jer. 14:15Jer 5:12, 13; 23:15; Eze 12:24; 13:9
Jer. 14:16Pis 79:2, 3; Jer 9:22
Jer. 14:16Jer 4:18
Jer. 14:17Jer 8:18, 21; 9:1
Jer. 14:17Mari 1:15
Jer. 14:18Eze 7:15
Jer. 14:18Mari 5:10
Jer. 14:18Dhe 28:36
Jer. 14:19Jer 12:8; Mari 5:22
Jer. 14:192Mak 36:15, 16
Jer. 14:19Jer 8:15
Jer. 14:20Ezr 9:7; Dha 9:5, 8
Jer. 14:21Eze 36:22; Dha 9:15
Jer. 14:21Eks 32:13; Re 26:41, 42; Pis 106:43-45
Jer. 14:22Dhe 28:12; Isa 30:23; Joe 2:23
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 14:1-22

Jeremiya

14 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya pamusoro pekusanaya kwemvura:+

 2 Judha iri kuchema,+ uye magedhi ayo apera basa.

Ari kunyura pasi akasuruvara,

Uye pane kuchema kuri kunzwika muJerusarema.

 3 Vanatenzi vavo vanotuma varanda* vavo kumvura.

Vanoenda kumakomba emvura* asi havawani mvura.

Vanodzokera nemidziyo isina chinhu.

Vari kunyara uye vari kurwadziwa,

Uye vanofukidza misoro yavo.

 4 Pasi patsemuka

Nemhaka yekusanaya kwemvura munyika,+

Saka varimi vari kunetseka uye vafukidza misoro yavo.

 5 Kunyange nondo iri musango inosiya mwana wayo wainobereka

Nekuti hapana uswa.

 6 Madhongi emusango anomira muzvikomo zvisina chinhu.

Anofemereka sehunguhwe;*

Maziso awo aneta nekuti hapana zvinomera.+

 7 Kunyange zvazvo kukanganisa kwedu kuchipupura kuti tine mhosva,

Haiwa Jehovha, itai chimwe chinhu kuitira zita renyu.+

Nekuti mabasa edu ekusatendeka mazhinji,+

Uye ndimi watakatadzira.

 8 Haiwa imi tariro yaIsraeri, Muponesi+ wake panguva dzekutambudzika,

Nei muchiita semutorwa munyika,

Semunhu ari parwendo anongomira kuti arare usiku?

 9 Nei muchiita semunhu avhiringidzika,

Semurume ane simba asingagoni kuponesa?

Nekuti muri pakati pedu, haiwa Jehovha,+

Uye zita renyu rinoshevedzwa patiri.+

Musatirasa.

10 Zvanzi naJehovha pamusoro pevanhu ava: “Vanoda zvekungodzungaira nenyika;+ havana kudzora tsoka dzavo.+ Saka Jehovha haavafariri.+ Iye zvino achayeuka kukanganisa kwavo uye achaita kuti vazvidavirire zvivi zvavo.”+

11 Jehovha akabva ati kwandiri: “Usanyengeterera kuti vanhu ava vaitirwe zvakanaka.+ 12 Pavanotsanya, handiteereri kuteterera kwavo,+ uye pavanopa zvibayiro zvinopiswa nemipiro yezviyo,* hazvindifadzi;+ ndichavaparadza nebakatwa, nenzara, uye nedenda.”*+

13 Ndakabva ndati: “Maiwee, Changamire Ishe Jehovha! Vaprofita vari kuti kwavari, ‘Hapana bakatwa ramuchaona, uye nzara haizouyi pamuri, asi ndichakupai rugare rwechokwadi munzvimbo ino.’”+

14 Jehovha akabva ati kwandiri: “Vaprofita vacho vari kuprofita nhema muzita rangu.+ Handina kuvatuma, uyewo handina kuvarayira kana kutaura navo.+ Vari kukuprofitirai chiratidzo chenhema vachifembera zvinhu zvisingabatsiri uye vanokuudzai zvinhu zvavanoruka mumwoyo mavo.+ 15 Saka zvanzi naJehovha pamusoro pevaprofita vari kuprofita muzita rangu, kunyange zvazvo ndisina kuvatuma, uye vari kutaura kuti hapana bakatwa kana nzara zvichavapo munyika ino: ‘Vaprofita ivavo vachaparara nebakatwa nenzara.+ 16 Vanhu vavari kuprofitira vacharasirwa mumigwagwa yeJerusarema nekuda kwenzara nebakatwa, pasina anovaviga,+ ivo, madzimai avo, vanakomana vavo, kana vanasikana vavo, nekuti ndichadururira pavari dambudziko rakavakodzera.’+

17 “Unofanira kutaura shoko iri kwavari,

‘Maziso angu ngaayerere misodzi siku nesikati, ngaasamira,+

Nekuti mhandara yevanhu vangu yapwanyiwa uye yakuvadzwa zvakanyanya,+

Uye ronda rayo rakakura zvisingaiti.

18 Kana ndikaenda kunotarisa musango,

Ndinoona vaya vakaurayiwa nebakatwa!+

Uye kana ndikapinda muguta,

Ndinoona zvirwere zvakakonzerwa nenzara!+

Nekuti muprofita nemupristi vari kudzungaira nenyika yavasingazivi.’”+

19 Makaramba Judha zvachose here, uye makasema* Ziyoni here?+

Makatiroverei zvekuti hatipori?+

Taiva netariro yekuti pachava nerunyararo, asi hapana chakanaka chakauya,

Netariro yekuporeswa, asi kune zvinotyisa!+

20 Tinobvuma zvakaipa zvedu, haiwa Jehovha,

Uye kukanganisa kwemadzitateguru edu,

Nekuti takakutadzirai.+

21 Nekuda kwezita renyu, musatirasa;+

Musashora chigaro chenyu cheumambo chinobwinya.

Yeukai uye musaputsa sungano yenyu nesu.+

22 Pazvidhori zvisina zvazvinobatsira zvemamwe marudzi pane chinganayisa mvura here,

Kana kuti denga ringagona kunayisa mvura rega here?

Hamusi imi mega here, haiwa Jehovha Mwari wedu?+

Tinotarisira kwamuri,

Nekuti imi mega ndimi makaita zvinhu zvese izvi.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe