RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 8
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Vanhu vanotevera nzira yeveruzhinji (1-7)

      • Hapana uchenjeri pasina shoko raJehovha (8-17)

      • Jeremiya anoshungurudzika nekuparara kweJudha (18-22)

        • “MuGiriyedhi hamuna bharisamu here?” (22)

Jeremiya 8:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:19; 2Mad 17:16; 21:1, 3; Jer 19:13; Eze 8:16; Zef 1:4, 5
  • +Jer 16:4

Jeremiya 8:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 5:3

Jeremiya 8:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 5:1

Jeremiya 8:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nguva dzayo.”

  • *

    Kana kuti “nemherepere.”

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “nehoriori.”

  • *

    Kana kuti “yekutama.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 1:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 6 2016, pp. 8-9

    Nharireyomurindi,

    8/1/2002, p. 32

Jeremiya 8:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “murayiro.”

  • *

    Kana kuti “chenhema.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 8:1

Jeremiya 8:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 29:14

Jeremiya 8:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:30; Zef 1:13
  • +Isa 56:11; Eze 33:31; Mik 3:11
  • +Jer 5:31; 6:12-15; 27:9; Mari 2:14; Eze 22:28

Jeremiya 8:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 23:16, 17; Eze 13:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/1988, p. 12

Jeremiya 8:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 3:3
  • +Jer 23:12

Jeremiya 8:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 4:5
  • +Jer 9:15; 23:15; Mari 3:19

Jeremiya 8:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 4:10; 14:19

Jeremiya 8:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 4:19, 20; 14:17

Jeremiya 8:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mafuta anonyaradza marwadzo.”

  • *

    Kana kuti “chiremba.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:25
  • +Jer 30:12, 13
  • +Jer 30:17; 33:4, 6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/1/2010, pp. 21-22

    Jeremiya, p. 135

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 8:2Dhe 4:19; 2Mad 17:16; 21:1, 3; Jer 19:13; Eze 8:16; Zef 1:4, 5
Jer. 8:2Jer 16:4
Jer. 8:5Jer 5:3
Jer. 8:6Jer 5:1
Jer. 8:7Isa 1:3
Jer. 8:8Isa 8:1
Jer. 8:9Isa 29:14
Jer. 8:10Dhe 28:30; Zef 1:13
Jer. 8:10Isa 56:11; Eze 33:31; Mik 3:11
Jer. 8:10Jer 5:31; 6:12-15; 27:9; Mari 2:14; Eze 22:28
Jer. 8:11Jer 23:16, 17; Eze 13:10
Jer. 8:12Jer 3:3
Jer. 8:12Jer 23:12
Jer. 8:14Jer 4:5
Jer. 8:14Jer 9:15; 23:15; Mari 3:19
Jer. 8:15Jer 4:10; 14:19
Jer. 8:21Jer 4:19, 20; 14:17
Jer. 8:22Ge 37:25
Jer. 8:22Jer 30:12, 13
Jer. 8:22Jer 30:17; 33:4, 6
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 8:1-22

Jeremiya

8 “Panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “mapfupa emadzimambo eJudha, nemapfupa emachinda ayo, nemapfupa evapristi, nemapfupa evaprofita, nemapfupa evagari vemuJerusarema achatorwa mumakuva avo. 2 Achaparadzirwa pasi pezuva, nemwedzi, neuto rese rekudenga zvavakada, vakazvishumira, vakazvitevera, vakazvitsvaga nekuzvikotamira.+ Haazounganidzwi, uyewo haazovigwi. Achava semupfudze panyika.”+

3 “Vaya vachapona pamhuri iyi yakaipa vachasarudza rufu panzvimbo pekurarama munzvimbo dzandichaita kuti vaite rumwe rumwe madziri,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.

4 “Uye unofanira kuti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha:

“Vangawira pasi vakasamukazve here?

Kana mumwe akadzoka, mumwe wacho haangadzokiwo here?

 5 Nei vanhu ava vasina kutendeka vemuJerusarema vachingoramba vasina kutendeka?

Havabvi paunyengeri;

Vanoramba kudzoka.+

 6 Ndakateerera, uye ndakaramba ndichinzwa, asi matauriro avaiita akanga asina kunaka.

Hapana murume akapfidza zvakaipa zvake kana akati, ‘Zvino ndaitei?’+

Mumwe nemumwe anoramba achidzokera kunzira yeveruzhinji sebhiza riri kumhanyira kunorwa.

 7 Shuramurove iri mudenga inoziva mwaka yayo;*

Njiva nenyenganyenga* nekadhimba,* zvinoziva nguva yazvo yekudzoka.*

Asi vanhu vangu havanzwisisi mutongo waJehovha.”’+

 8 ‘Mungati sei: “Takachenjera, uye tine mutemo* waJehovha”?

Nekuti chokwadi ndechekuti chinyoreso chinonyepa*+ chevanyori chiri kushandiswa panhema dzega dzega.

 9 Vakachenjera vanyadziswa.+

Vava kutya zvikuru uye vachabatwa.

Onai! Vakaramba shoko raJehovha,

Kuchenjera kwavo kuri papi?

10 Saka ndichapa madzimai avo kune vamwe varume,

Minda yavo kune vamwe vanhu;+

Nekuti kubvira kumudiki kusvika kumukuru, mumwe nemumwe ari kuwana pfuma nekubiridzira;+

Kubvira kumuprofita kusvika kumupristi, mumwe nemumwe ari kubiridzira.+

11 Vanoedza kurapa ronda remwanasikana wevanhu vangu zvekungonyepedzera, vachiti,

“Kune runyararo! Kune runyararo!”

Iko kusina runyararo.+

12 Vanonyara here nezvinhu zvinosemesa zvavakaita?

Havatombonyari!

Havatombozivi kuti kunyara kwacho kuita sei!+

Saka vachawa pakati pevaya vakawa.

Vachagumburwa pandichavaranga,’+ anodaro Jehovha.

13 ‘Pandichavaunganidza ndichaita kuti vapere,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

‘Hapazovi nemazambiringa achasara pamuzambiringa, pamuonde hapazovi nemaonde, uye mashizha achaoma.

Uye zvinhu zvandakavapa zvicharasika.’”

14 “Takagarireiko pano?

Ngatiunganei tipinde mumaguta akakomberedzwa nemasvingo+ tifire imomo.

Nekuti Jehovha Mwari wedu achatiparadza,

Uye ari kutipa mvura ine muchetura kuti tinwe,+

Nemhaka yekuti takatadzira Jehovha.

15 Taiva netariro yekuti pachava nerunyararo, asi hapana chakanaka chakauya,

Netariro yekuporeswa, asi kune zvinotyisa!+

16 KuDhani kuri kunzwika kupfepfedza kwemabhiza ake.

Kuchema kwemabhiza ake makono

Kwazunungusa nyika yese.

Anopinda oparadza nyika nezvese zviri mairi,

Guta nevagari varo.”

17 “Nekuti ndiri kutuma nyoka kwamuri,

Nyoka dzine uturu dzisingagoni kuitirwa mashiripiti,

Uye dzichakurumai,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

18 Shungu dzangu hadzirapiki;

Mwoyo wangu uri kurwara.

19 Pane inzwi rekuchemera kubatsirwa riri kubva kunyika iri kure,

Riri kubva kumwanasikana wevanhu vangu richiti:

“Jehovha haasi muZiyoni here?

Kana kuti mambo waro haasi imomo here?”

“Vakandigumburirei nemifananidzo yavo yakavezwa,

Navanamwari vavo vekune dzimwe nyika vasina zvavanobatsira?”

20 “Kukohwa kwapfuura, zhizha rapera,

Asi isu hatina kuponeswa!”

21 Ndarwadziwa kwazvo nekukuvadzwa kwemwanasikana wevanhu vangu;+

Ndasuruvara.

Ndavhunduka.

22 MuGiriyedhi hamuna bharisamu* here?+

Kana kuti hamuna murapi* here?+

Nei mwanasikana wevanhu vangu asina kupora?+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe