RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 19
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • Sauro anoramba achivenga Dhavhidhi (1-13)

      • Dhavhidhi anotiza Sauro (14-24)

1 Samueri 19:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:9; Zvi 27:4

1 Samueri 19:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:1; Zvi 18:24

1 Samueri 19:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 20:9, 13; Zvi 17:17

1 Samueri 19:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 22:14

1 Samueri 19:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Akabatira mweya wake mumaoko.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 17:49
  • +1Sa 20:32

1 Samueri 19:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 16:21; 18:2, 13

1 Samueri 19:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 16:14
  • +1Sa 18:10, 11

1 Samueri 19:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Kana ukasapukunyutsa mweya wako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 59:mashoko ekusuma; 59:3

1 Samueri 19:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “terafimu akaiisa.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/1/2004, p. 29

1 Samueri 19:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:9

1 Samueri 19:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “paina mwari wemumba; terafimu.”

1 Samueri 19:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:29

1 Samueri 19:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 7:15, 17
  • +1Sa 20:1

1 Samueri 19:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 19:18

1 Samueri 19:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “asina kunyatsopfeka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 10:11

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 19:11Sa 18:9; Zvi 27:4
1 Sam. 19:21Sa 18:1; Zvi 18:24
1 Sam. 19:31Sa 20:9, 13; Zvi 17:17
1 Sam. 19:41Sa 22:14
1 Sam. 19:51Sa 17:49
1 Sam. 19:51Sa 20:32
1 Sam. 19:71Sa 16:21; 18:2, 13
1 Sam. 19:91Sa 16:14
1 Sam. 19:91Sa 18:10, 11
1 Sam. 19:11Pis 59:mashoko ekusuma; 59:3
1 Sam. 19:151Sa 18:9
1 Sam. 19:171Sa 18:29
1 Sam. 19:181Sa 7:15, 17
1 Sam. 19:181Sa 20:1
1 Sam. 19:221Sa 19:18
1 Sam. 19:241Sa 10:11
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 19:1-24

Bhuku Rekutanga raSamueri

19 Sauro akazotaura nemwanakomana wake Jonatani nevaranda vake vese kuti aida kuuraya Dhavhidhi.+ 2 Asi Jonatani mwanakomana waSauro aida Dhavhidhi+ chaizvo, saka Jonatani akaudza Dhavhidhi kuti: “Baba vangu Sauro vari kuda kuti uurayiwe. Ndapota chenjerera mangwana mangwanani, uende kunzvimbo yakahwanda woramba wakahwanda. 3 Ndichabuda ndoenda kunomira pedyo nababa vangu musango maunenge uri. Ndichataura nezvako kuna baba vangu, uye kana paine zvandinenge ndaona, chokwadi ndichakuudza.”+

4 Saka Jonatani akataura zvakanaka nezvaDhavhidhi+ kuna baba vake Sauro. Akati kwavari: “Mambo ngaarege kutadzira muranda wake Dhavhidhi, nekuti haana kukutadzirai uye zvinhu zvaakakuitirai zvakakubatsirai. 5 Akaisa upenyu hwake pangozi* kuti auraye muFiristiya,+ zvekuti Jehovha akaita kuti vaIsraeri vakunde zvikuru. Imi makazviona, uye makafara chaizvo. Saka mungaitirei zvakaipa kuropa risina mhosva nekuita kuti Dhavhidhi aurayiwe pasina chikonzero?”+ 6 Sauro akateerera zvakataurwa naJonatani, uye Sauro akapika achiti: “Chokwadi naJehovha mupenyu, haazourayiwi.” 7 Pashure paizvozvo Jonatani akashevedza Dhavhidhi akamuudza zvinhu zvese izvi. Saka Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, uye akaenderera mberi nekumushandira sezvaaimboita.+

8 Nekufamba kwenguva, hondo yakatangazve, uye Dhavhidhi akabuda akaenda kunorwa nevaFiristiya akauraya vaFiristiya vakawanda chaizvo, uye vakamutiza.

9 Mweya wakaipa waibva kuna Jehovha wakauya pana Sauro+ paakanga akagara mumba make aine pfumo muruoko rwake, Dhavhidhi achiridza mumhanzi parudimbwa.+ 10 Sauro akaedza kubayirira Dhavhidhi kumadziro nepfumo, asi iye akatiza Sauro, uyo akabayirira pfumo racho kumadziro. Usiku ihwohwo, Dhavhidhi akatiza akapukunyuka. 11 Gare gare Sauro akatuma vanhu kuti vanogarira Dhavhidhi pamba pake vomuuraya mangwanani,+ asi Mikari mudzimai waDhavhidhi akamuudza kuti: “Kana ukasatiza* nhasi usiku, mangwana uchaurayiwa.” 12 Mikari akabva angoita kuti Dhavhidhi aburuke nepahwindo, kuitira kuti atize arege kuurayiwa. 13 Mikari akabva atora chidhori akachiisa* pamubhedha, uye akaisa mambure emvere dzembudzi paitsamirwa naDhavhidhi, uye akachifukidza nenguo.

14 Sauro akabva atuma nhume kuti dzinotora Dhavhidhi, asi iye akati: “Ari kurwara.” 15 Saka Sauro akatuma nhume dzacho kuti dzinoona Dhavhidhi uye akadziudza kuti: “Uyai naye kwandiri ari pamubhedha wake kuti aurayiwe.”+ 16 Nhume dzacho padzakapinda, dzakawana pamubhedha paine chidhori,* uye paitsamirwa naDhavhidhi paine mambure emvere dzembudzi. 17 Sauro akati kuna Mikari: “Wandinyengedzerei kudai uchisiya muvengi wangu+ achitiza?” Mikari akabva ati kuna Sauro: “Ati kwandiri, ‘Ndisiye ndiende, ukasadaro ndinokuuraya!’”

18 Dhavhidhi akanga atotiza, apukunyuka, uye akasvika kwaiva naSamueri kuRama.+ Akamuudza zvese zvaakanga aitirwa naSauro. Iye naSamueri vakabva vaenda, vakagara muNayoti.+ 19 Kwapera nguva, Sauro akaudzwa kuti: “Dhavhidhi ari muNayoti kuRama.” 20 Sauro akabva angotuma nhume kuti dzinobata Dhavhidhi. Padzakaona vaprofita vakwegura vachiprofita uye Samueri akamira achivatungamirira, mweya waMwari wakauya panhume dzaSauro, dzikatangawo kuita sevaprofita.

21 Pavakaudza Sauro, akabva atuma dzimwe nhume, naidzowo dzikatanga kuita sevaprofita. Saka Sauro akatumazve dzimwe nhume, boka rechitatu, uye naidzowo dzakatanga kuita sevaprofita. 22 Iyewo akazoenda kuRama. Paakasvika pamugodhi mukuru wemvura uri kuSeku, akabvunza kuti: “Samueri naDhavhidhi vari kupi?” Vakapindura kuti: “Vari muNayoti+ kuRama.” 23 Sauro paakanga achibva ipapo achienda kuNayoti kuRama, mweya waMwari wakauyawo paari, uye akafamba achiita semuprofita kusvikira asvika muNayoti kuRama. 24 Akabvisawo nguo dzake, uye naiyewo akaita semuprofita pamberi paSamueri, uye akarara ipapo asina kupfeka* zuva iroro rese neusiku hwacho hwese. Ndokusaka vachiti: “Sauro mumwe wevaprofita here?”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe