RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 42
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Midhadhadha yedzimba dzekudyira (1-14)

      • Kuyerwa kwemativi mana etemberi (15-20)

Ezekieri 42:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 40:2
  • +Eze 42:13
  • +Eze 41:12, 15

Ezekieri 42:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Apa pari kureva makubhiti marefu. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ezekieri 42:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 41:10

Ezekieri 42:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shanduro yechiGiriki inonzi Septuagint inoti “yakareba makubhiti 100.” Zvinyorwa zvechiHebheru zvinoti: “Nzira ine kubhiti rimwe chete.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 42:10, 11

Ezekieri 42:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, chivakwa chataurwa muvhesi 1.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 41:12; 42:1

Ezekieri 42:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 42:4

Ezekieri 42:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 42:9

Ezekieri 42:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 42:1
  • +Re 6:14, 16; 7:1, 6; 10:12, 13; 24:8, 9; Nu 18:10; Eze 40:46
  • +Re 2:3; Nu 18:9; Ne 13:5

Ezekieri 42:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:40; 29:8, 9; Re 8:13; Eze 44:19

Ezekieri 42:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “imba yemukati.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 40:6

Ezekieri 42:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ezekieri 42:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 40:5
  • +Eze 45:1, 2
  • +Re 10:10; Eze 44:23; 2VaK 6:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 149-150, 152, 156

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, pp. 26-27

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 42:1Eze 40:2
Ezek. 42:1Eze 42:13
Ezek. 42:1Eze 41:12, 15
Ezek. 42:3Eze 41:10
Ezek. 42:4Eze 42:10, 11
Ezek. 42:10Eze 41:12; 42:1
Ezek. 42:11Eze 42:4
Ezek. 42:12Eze 42:9
Ezek. 42:13Eze 42:1
Ezek. 42:13Re 6:14, 16; 7:1, 6; 10:12, 13; 24:8, 9; Nu 18:10; Eze 40:46
Ezek. 42:13Re 2:3; Nu 18:9; Ne 13:5
Ezek. 42:14Eks 28:40; 29:8, 9; Re 8:13; Eze 44:19
Ezek. 42:15Eze 40:6
Ezek. 42:20Eze 40:5
Ezek. 42:20Eze 45:1, 2
Ezek. 42:20Re 10:10; Eze 44:23; 2VaK 6:17
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 42:1-20

Ezekieri

42 Akabva aenda neni kuchamhembe muchivanze chekunze.+ Uye akandiendesa kumudhadhadha wedzimba dzekudyira waiva pedyo nenzvimbo yakasiyiwa isina chinhu,+ kuchamhembe kwechivakwa chaiva pedyo nedzimba dzacho dzekudyira.+ 2 Mudhadhadha wacho wakanga wakareba makubhiti* 100 kudivi raiva nemusuo wekuchamhembe, uye wakanga wakafara makubhiti 50. 3 Waiva pakati penzvimbo yakawaridzwa matombo yechivanze chekunze nechivanze chemukati, icho chaiva chakafara makubhiti 20.+ Mudhadhadha wacho wakanga uine nhurikidzwa nhatu dzine mavharanda akatarisana. 4 Pakati pedzimba dzacho dzemumativi maviri emudhadhadha wacho, paiva nenzira+ yakafara makubhiti 10, yakareba makubhiti 100,* uye masuo adzo aiva kuchamhembe. 5 Dzimba dzekudyira dzepanhurikidzwa yekumusoro kwechivakwa chacho dzaiva diki pane dzepanhurikidzwa yepasi neyepakati, nekuti dzaitorerwa nzvimbo yakakura nemavharanda acho. 6 Dzakanga dziine nhurikidzwa nhatu, uye kusiyana nezvivanze, idzo dzakanga dzisina mbiru. Ndokusaka uriri hwadzo hwaiva hudiki pane hwenhurikidzwa yepasi neyepakati.

7 Mudhuri wematombo wekunze uyo waiva pedyo nedzimba dzekudyira dzaiva kudivi rechivanze chekunze wainge wakareba makubhiti 50, uye wainge wakatarisana nedzimwe dzimba dzekudyira. 8 Nekuti dzimba dzekudyira dzekudivi rechivanze chekunze dzaiva dzakareba makubhiti 50, asi dziya dzaiva dzakatarisana nenzvimbo tsvene dzaiva makubhiti 100. 9 Kudivi rekumabvazuva, pane paipindwa napo mumudhadhadha wedzimba dzekudyira, uchibva muchivanze chekunze.

10 Kumabvazuva kwaiva nedzimba dzekudyira dzaiva kumudhuri wematombo wechivanze, nechemukati mawo, pedyo nenzvimbo yakasiyiwa isina chinhu uye pedyo nechivakwa.*+ 11 Uye paiva nenzira yaiva pakati padzo yakafanana neyekudzimba dzekudyira dzekuchamhembe.+ Kureba kwadzo, nekufara kwadzo, nepekubuda napo, nemavakirwo adzo, zvakanga zvakangofanana nezvedzimwe dzimba dzekudyira. Masuo adzo 12 akanga akafanana needzimba dzekudyira dzaiva kumaodzanyemba. Paitangira nzira yacho paiva nesuo rekupinda naro, pedyo nemudhuri wematombo waiva kumabvazuva.+

13 Akabva ati kwandiri: “Dzimba dzekudyira dzekuchamhembe nedzekumaodzanyemba dziri pedyo nenzvimbo yakasiyiwa isina chinhu,+ ndidzo dzimba tsvene dzekudyira, dzinodyirwa mipiro mitsvenetsvene nevapristi vanoenda pamberi paJehovha.+ Ndimo mavanoisa mipiro mitsvenetsvene, chibayiro chechivi, nechibayiro chemhosva, nekuti nzvimbo yacho itsvene.+ 14 Kana vapristi vacho vachinge vapinda, havafaniri kubuda munzvimbo tsvene vachienda kuchivanze chekunze vasati vabvisa nguo dzavanoshumira nadzo,+ nekuti itsvene. Vanofanira kupfeka dzimwe nguo vozoenda kunzvimbo dzinobvumirwa veruzhinji.”

15 Paakapedza kuyera nzvimbo yemukati metemberi,* akandibudisa kunze nepagedhi rakatarisa kumabvazuva,+ uye akayera nzvimbo yacho yese.

16 Akayera divi rekumabvazuva netsanga yekuyeresa,* uye rakanga rakareba tsanga 500 kubva paraitangira kusvika paraiperera.

17 Akayera divi rekuchamhembe achishandisa tsanga yekuyeresa, uye rakanga rakareba tsanga 500.

18 Akayera divi rekumaodzanyemba achishandisa tsanga yekuyeresa, uye rakanga rakareba tsanga 500.

19 Akapota kudivi rekumavirira akariyera netsanga yekuyeresa, uye rakanga rakareba tsanga 500.

20 Akayera mativi ayo mana. Yaiva nerusvingo rwaiipoteredza,+ rwakanga rwakareba tsanga 500 uye rwakafara tsanga 500,+ kuti ruparadzanise zvinhu zvitsvene nezvinoshandiswa neveruzhinji.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe