RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 32
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Ngirozi dzinosangana naJakobho (1, 2)

      • Jakobho anogadzirira kusangana naIsau (3-23)

      • Jakobho anoita mutsimba nengirozi (24-32)

        • Jakobho anotumidzwa kuti Israeri (28)

Genesisi 32:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Misasa Miviri.”

Genesisi 32:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:39; 36:8; Dhe 2:5; Jos 24:4
  • +Ge 25:30

Genesisi 32:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ndichigara semutorwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:41

Genesisi 32:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:43; 33:11

Genesisi 32:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 33:1, 2

Genesisi 32:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:41; 32:11

Genesisi 32:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:3, 13

Genesisi 32:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:15; Pis 100:5
  • +Ge 28:10; 30:43; 32:7

Genesisi 32:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 34:4
  • +Ge 27:41

Genesisi 32:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:14; 46:2, 3; Eks 1:7; 32:13; Mab 7:17

Genesisi 32:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 33:10

Genesisi 32:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:43

Genesisi 32:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 33:8

Genesisi 32:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 43:11; 1Sa 25:18

Genesisi 32:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:30; Rut 4:11
  • +Ge 30:3, 9
  • +Dhe 3:16; Jos 12:2; Vat 11:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    ‘Nyika Yakanaka’, p. 7

Genesisi 32:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ho 12:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2003, p. 25

    ‘Nyika Yakanaka’, p. 7

Genesisi 32:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 32:31, 32

Genesisi 32:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ho 12:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2002, p. 29

Genesisi 32:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Anokwikwidzana naMwari” kana kuti “Mwari Anokwikwidza.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:10
  • +Ho 12:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2003, p. 25

Genesisi 32:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 13:17, 18

Genesisi 32:30

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Chiso chaMwari.”

  • *

    Kana kuti “mweya wangu wachengetedzwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:25
  • +Ge 16:7, 13; Vat 6:22; Joh 1:18

Genesisi 32:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Penieri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 32:25

Genesisi 32:32

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mudzira; dzira.”

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 32:3Ge 27:39; 36:8; Dhe 2:5; Jos 24:4
Gen. 32:3Ge 25:30
Gen. 32:4Ge 31:41
Gen. 32:5Ge 30:43; 33:11
Gen. 32:6Ge 33:1, 2
Gen. 32:7Ge 27:41; 32:11
Gen. 32:9Ge 31:3, 13
Gen. 32:10Ge 28:15; Pis 100:5
Gen. 32:10Ge 28:10; 30:43; 32:7
Gen. 32:11Pis 34:4
Gen. 32:11Ge 27:41
Gen. 32:12Ge 28:14; 46:2, 3; Eks 1:7; 32:13; Mab 7:17
Gen. 32:13Ge 33:10
Gen. 32:15Ge 30:43
Gen. 32:18Ge 33:8
Gen. 32:20Ge 43:11; 1Sa 25:18
Gen. 32:22Ge 29:30; Rut 4:11
Gen. 32:22Ge 30:3, 9
Gen. 32:22Dhe 3:16; Jos 12:2; Vat 11:13
Gen. 32:24Ho 12:3
Gen. 32:25Ge 32:31, 32
Gen. 32:26Ho 12:4
Gen. 32:28Ge 35:10
Gen. 32:28Ho 12:3
Gen. 32:29Vat 13:17, 18
Gen. 32:301Mad 12:25
Gen. 32:30Ge 16:7, 13; Vat 6:22; Joh 1:18
Gen. 32:31Ge 32:25
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 32:1-32

Genesisi

32 Jakobho akabva apinda munzira, uye ngirozi dzaMwari dzakasangana naye. 2 Paakangodziona, Jakobho akati: “Uyu musasa waMwari!” Saka akatumidza nzvimbo iyoyo kuti Mahanaimu.*

3 Jakobho akabva atuma nhume kuti dzifanotungamira kuna Isau mukoma wake, kunyika yeSeiri,+ kunharaunda yeEdhomu,+ 4 akadzirayira achiti: “Munoti kuna ishe wangu Isau, ‘Zvanzi naJakobho muranda wenyu: “Ndanga ndichigara* naRabhani kwenguva yese iyi.+ 5 Uye ndava nemombe, madhongi, makwai, varandarume nevarandakadzi,+ saka ndatumira shoko kuti ndizivise ishe wangu, kuti mundinzwire nyasha.”’”

6 Nhume dzacho dzakazodzoka kuna Jakobho, dzichiti: “Takaona mukoma wenyu Isau, uye ava munzira kuuya kuzosangana nemi aine varume 400.”+ 7 Jakobho akatya kwazvo, akanetseka.+ Saka akakamura vanhu vaaiva navo, makwai nembudzi, mombe, nengamera, kuva mapoka maviri. 8 Akati: “Kana Isau akarwisa rimwe boka, rimwe racho richakwanisa kutiza.”

9 Pashure paizvozvo Jakobho akati: “Haiwa Mwari wababa vangu Abrahamu naMwari wababa vangu Isaka, haiwa Jehovha, imi muri kundiudza kuti, ‘Dzokera kunyika yako nekuhama dzako, uye ndichakuitira zvakanaka,’+ 10 handikodzeri kuratidzwa mutsa wese uye kutendeka kwese kwamakaratidza muranda wenyu,+ nekuti ndakayambuka Jodhani urwu ndiine mudonzvo wangu chete asi iye zvino ndava mapoka maviri.+ 11 Ndinokutetererai,+ ndinunureiwo paruoko rwemukoma wangu Isau, nekuti ndiri kumutya. Anogona kuuya akandirwisa+ pamwe nevana navanaamai vavo. 12 Imi makati: ‘Chokwadi ndichakuitira zvakanaka, ndichaita kuti vana* vako vave sejecha regungwa, risingaverengeki nekuwanda kwaro.’”+

13 Akarara ipapo usiku ihwohwo. Akabva atora zvimwe zvipfuwo zvake kuti ape Isau mukoma wake sechipo:+ 14 mbudzi hadzi 200, nhongo 20, makwai makadzi 200, nemakondohwe 20, 15 ngamera dzinoyamwisa 30 nemhuru dzadzo, mhou dzemombe 40, mikono yemombe 10, madhongi makadzi 20 nemikono yemadhongi 10.+

16 Akazvipa varanda vake, boka rimwe richitevedzana nerimwe, uye akati kuvaranda vake: “Tangai imi kuyambuka, uye munofanira kusiya chinhambwe pakati peboka neboka.” 17 Akaudzawo wekutanga kuti: “Kana Isau mukoma wangu akasangana newe, akakubvunza kuti, ‘Uri wekwaani, uri kuenda kupi, uye izvi zviri pamberi pako ndezvaani?’ 18 ibva wati, ‘Ndiri wekwaJakobho, muranda wenyu. Ichi chipo chatumirwa ishe wangu, Isau,+ uye iye ari kutevera kumashure.’” 19 Akaudzawo wechipiri, wechitatu, nevamwe vese vaitinha zvipfuwo kuti: “Pamunosangana naIsau mutaure naye saizvozvo. 20 Uye munofanirawo kuti, ‘Muranda wenyu Jakobho ari kutevera.’” Nekuti akafunga kuti: ‘Kana ndikapfavisa mwoyo wake nekufanotumira chipo,+ pandinozomuona anogona kunditambira zvakanaka.’ 21 Saka varanda vake vaiva nechipo vakayambuka vakafanotungamira, asi iye akarara mumusasa usiku ihwohwo.

22 Usiku ihwohwo akazosimuka, akatora madzimai ake maviri+ nevarandakadzi vake vaviri+ nevanakomana vake 11, akayambuka zambuko raJabhoki.+ 23 Saka akavatora akavayambutsa rukova, uye akayambutsa zvese zvaaiva nazvo.

24 Jakobho akazosara ari ega. Mumwe murume akabva atanga kuita mutsimba naye kusvikira utonga hwotsvuka.+ 25 Paakaona kuti akanga asina kumukunda, akamubata nechepahudyu; uye Jakobho akaminyuka pahudyu pacho paaiita mutsimba naye.+ 26 Murume wacho akazoti: “Ndirege ndiende, nekuti utonga hwotsvuka.” Iye akati: “Handisi kuzokuregai muchienda kusvikira mandikomborera.”+ 27 Saka akati kwaari: “Unonzi ani?” iye akati: “Jakobho.” 28 Akabva ati: “Hauchanzizve Jakobho asi Israeri,*+ nekuti wakwikwidzana naMwari+ nevanhu uye ndiwe wazokunda.” 29 Jakobho akabvunzawo kuti: “Ko imi munonzi ani?” Asi iye akati: “Unondibvunzirei zita rangu?”+ Akabva amukomborera ipapo. 30 Saka Jakobho akatumidza nzvimbo yacho kuti Penieri,*+ nekuti akati, “Ndaonana naMwari chiso nechiso asi ndaramba ndiri mupenyu.”*+

31 Zuva rakazobuda achangopfuura Penueri,* asi akanga achikamhina nemhaka yehudyu yake.+ 32 Ndokusaka nanhasi vanakomana vaIsraeri vasingadyi runda* rechidya, riri panosangana mapfupa emuhudyu, nekuti akabata hudyu yaJakobho necheparunda rechidya.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe