RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 21
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raDheuteronomi

Dheuteronomi 21:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 16:18

Dheuteronomi 21:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 35:33

Dheuteronomi 21:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:1
  • +Nu 6:23-27; 1Mak 23:13
  • +Dhe 17:8, 9

Dheuteronomi 21:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 26:6; Mt 27:24

Dheuteronomi 21:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:23
  • +Isa 26:21; Jer 26:15

Dheuteronomi 21:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 31:9; Dhe 20:13, 14

Dheuteronomi 21:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 20:29; Dhe 34:8

Dheuteronomi 21:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kunoda mweya wake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 24:1

Dheuteronomi 21:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “madzimai maviri, mumwe achidiwa uye mumwe achivengwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:30, 33

Dheuteronomi 21:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:31; 2Mak 21:3

Dheuteronomi 21:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:12; Dhe 27:16; Zvi 1:8; VaE 6:1
  • +Dhe 8:5; Zvi 13:24; 19:18; 23:13; VaH 12:9

Dheuteronomi 21:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 28:7
  • +VaR 13:13; 1VaK 6:10; VaE 5:18

Dheuteronomi 21:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 13:10, 11

Dheuteronomi 21:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 25:5
  • +Jos 10:26; Mab 10:39

Dheuteronomi 21:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 8:29; Joh 19:31
  • +VaG 3:13
  • +Nu 35:34

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Dheut. 21:2Dhe 16:18
Dheut. 21:4Nu 35:33
Dheut. 21:5Eks 28:1
Dheut. 21:5Nu 6:23-27; 1Mak 23:13
Dheut. 21:5Dhe 17:8, 9
Dheut. 21:6Pis 26:6; Mt 27:24
Dheut. 21:82Sa 7:23
Dheut. 21:8Isa 26:21; Jer 26:15
Dheut. 21:10Nu 31:9; Dhe 20:13, 14
Dheut. 21:13Nu 20:29; Dhe 34:8
Dheut. 21:14Dhe 24:1
Dheut. 21:15Ge 29:30, 33
Dheut. 21:17Ge 25:31; 2Mak 21:3
Dheut. 21:18Eks 20:12; Dhe 27:16; Zvi 1:8; VaE 6:1
Dheut. 21:18Dhe 8:5; Zvi 13:24; 19:18; 23:13; VaH 12:9
Dheut. 21:20Zvi 28:7
Dheut. 21:20VaR 13:13; 1VaK 6:10; VaE 5:18
Dheut. 21:21Dhe 13:10, 11
Dheut. 21:22Nu 25:5
Dheut. 21:22Jos 10:26; Mab 10:39
Dheut. 21:23Jos 8:29; Joh 19:31
Dheut. 21:23VaG 3:13
Dheut. 21:23Nu 35:34
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dheuteronomi 21:1-23

Dheuteronomi

21 “Kana munhu akawanikwa akafa musango munyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako uye pasingazivikanwi kuti ndiani akamuuraya, 2 vakuru vako nevatongi+ vanofanira kubuda, voyera kuti vaone kuti pane mufambo wakadii kubva pachitunha chacho kusvika kumaguta akapoteredza. 3 Vakuru veguta rinenge riri pedyo nechitunha chacho vanofanira kubva vatora tsiru risati ramboitiswa basa, risati rambokweva pajoko, 4 uye vakuru veguta iroro vanofanira kuenda netsiru racho mubani munoyerera mvura musati mamborimwa kana kudyarwa mbeu, uye vanofanira kutyora mutsipa wetsiru racho mubani imomo.+

5 “Uye vapristi, vedzinza raRevhi, vachasvika ipapo nekuti Jehovha Mwari wako akavasarudza kuti vamushumire,+ kuti vakomborere muzita raJehovha.+ Vachataura kuti magakava ese anobatanidza kurwisana anofanira kupedzwa sei.+ 6 Vakuru vese veguta riri pedyo nechitunha chacho vanofanira kubva vagezera maoko avo+ pamusoro petsiru racho rinenge ratyorerwa mutsipa mubani, 7 uye vanofanira kuti, ‘Maoko edu haana kudeura ropa iri, uye maziso edu haana kuriona richideurwa. 8 Jehovha, musapa mhosva iyi kuvanhu venyu vaIsraeri vamakadzikinura,+ uye musaisa mhosva yeropa remunhu asina mhaka pakati pevanhu venyu vaIsraeri.’+ Kana vadaro havazopiwe mhosva yeropa racho. 9 Izvi zvichaita kuti ubvise mhosva yeropa pakati pako nekuita zvakarurama pamberi paJehovha.

10 “Kana ukaenda kunorwa nevavengi vako uye Jehovha Mwari wako akavakunda pamberi pako, uye ukavatapa,+ 11 woona mukadzi akanaka pakati penhapwa, okutora mwoyo, uye uchida kumutora kuti ave mudzimai wako, 12 unogona hako kuenda naye kumba kwako. Anofanira kubva aveura musoro wake, kucheka nzara, 13 obvisa zvipfeko zvaakatapwa akapfeka, ogara mumba mako. Achachema baba vake naamai vake kwemwedzi wese,+ wozorara hako naye; uchava murume wake uye iye achava mudzimai wako. 14 Asi kana asina kukufadza, unofanira kumusiya achienda+ kwaanoda.* Asi haufaniri kumutengesa nemari kana kumubata zveutsinye sezvo wamunyadzisa.

15 “Kana murume aine madzimai maviri, achinyanya kuda mumwe kupfuura mumwe wacho,* uye vese vomuberekera vana vakomana, dangwe riri reuya waasingadi,+ 16 musi waanopa vanakomana vake nhaka yake, haazobvumirwi kubata mwanakomana wemudzimai waanoda sekunge ndiye dangwe, achisiya dangwe rake, mwanakomana wemudzimai waasingadi. 17 Anofanira kuratidza kuti mwanakomana wemudzimai waasingadi ndiye dangwe rake nekumupa mugove wakapetwa kaviri pazvinhu zvese zvaainazvo, nekuti iyeye ndiye kutanga kwesimba rake rekubereka. Ndiye ane kodzero yeudangwe.+

18 “Kana munhu aine mwanakomana ane musikanzwa, anomupandukira, asingateereri baba vake kana amai vake,+ uye vakaedza kumururamisa asi iye asingavateereri,+ 19 baba vake naamai vake vanofanira kumubata, vouya naye kuvakuru pagedhi reguta rake, 20 voudza vakuru veguta rake kuti, ‘Mwanakomana wedu uyu ane musikanzwa uye anotipandukira, uye anoramba kutiteerera. Ane makaro+ uye chidhakwa.’+ 21 Varume vese veguta rake vanofanira kubva vamutema nematombo ofa. Saka unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako, uye vaIsraeri vese vachazvinzwa vobva vatya.+

22 “Kana munhu akaita chivi chakakodzera kutongerwa rufu ourayiwa,+ uye womuturika padanda,+ 23 chitunha chake hachifaniri kuramba chiri padanda usiku hwese.+ Asi unofanira kumuviga musi iwoyo, nekuti munhu akaturikwa chinhu chakatukwa naMwari,+ uye haufaniri kusvibisa nyika yako yauri kupiwa naJehovha Mwari wako kuti ive nhaka yako.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe