RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 6
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Jerusarema rava kuda kukombwa (1-9)

      • Jehovha anotsamwira Jerusarema (10-21)

        • Vanoti “Kune runyararo!” iko kusina runyararo (14)

      • Kurwiswa zvine utsinye nevanobva kuchamhembe (22-26)

      • Jeremiya anoitwa munhu anoedza simbi (27-30)

Jeremiya 6:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 4:5
  • +2Mak 11:5, 6; Amo 1:1
  • +Jer 1:14; 10:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/2007, p. 14

Jeremiya 6:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 3:16

Jeremiya 6:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:1
  • +Jer 4:16, 17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1994, pp. 22-23

Jeremiya 6:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:17, 19; Amo 2:5

Jeremiya 6:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 21:21, 22
  • +2Mad 21:16; Eze 7:23

Jeremiya 6:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 7:11; Mik 2:2

Jeremiya 6:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wangu usakusiya wasemeswa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 23:18
  • +Re 26:34; Jer 9:11

Jeremiya 6:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Nzeve yavo haina kuchecheudzwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 6:10; Mab 7:51
  • +2Mak 36:15, 16; Jer 20:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/1988, p. 18

Jeremiya 6:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nevaya vazere nemazuva.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 20:9
  • +Jer 18:21
  • +Eze 9:6

Jeremiya 6:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:30; Jer 8:10; Mari 5:11; Zef 1:13

Jeremiya 6:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 22:12
  • +Jer 2:8; 8:10-12; 23:11; Mik 3:5, 11; Zef 3:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/1988, pp. 11-12

Jeremiya 6:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 14:13; 23:16, 17; Eze 13:10; 1VaT 5:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/1988, pp. 12, 17-18

Jeremiya 6:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 3:3

Jeremiya 6:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Mweya yenyu iwane.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 30:21
  • +Jer 18:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 10

    11/1/2005, pp. 24-25

Jeremiya 6:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:4; Eze 3:17; Ha 2:1
  • +Isa 58:1
  • +Zek 7:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 122-123

Jeremiya 6:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “murayiro.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:25, 26; Dha 9:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/1988, p. 13

Jeremiya 6:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 1:11; 66:3; Jer 7:21; Amo 5:21

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/1/2006, p. 5

Jeremiya 6:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:17; Mari 2:21

Jeremiya 6:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 1:14; 25:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/1988, p. 13

Jeremiya 6:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ha 1:8

Jeremiya 6:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 21:7
  • +Jer 4:31

Jeremiya 6:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 4:8
  • +Mari 1:2, 16
  • +Jer 15:8

Jeremiya 6:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Jeremiya.

Jeremiya 6:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 30:1; 48:4; Jer 5:23
  • +Jer 9:4

Jeremiya 6:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Uyu mudziyo unoshandiswa kufuridza moto kuti upfute zvine simba.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 9:7; Eze 22:20
  • +Eze 24:13

Jeremiya 6:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 14:19; Mari 5:22

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 6:1Jer 4:5
Jer. 6:12Mak 11:5, 6; Amo 1:1
Jer. 6:1Jer 1:14; 10:22
Jer. 6:2Isa 3:16
Jer. 6:32Mad 25:1
Jer. 6:3Jer 4:16, 17
Jer. 6:52Mak 36:17, 19; Amo 2:5
Jer. 6:6Eze 21:21, 22
Jer. 6:62Mad 21:16; Eze 7:23
Jer. 6:7Eze 7:11; Mik 2:2
Jer. 6:8Eze 23:18
Jer. 6:8Re 26:34; Jer 9:11
Jer. 6:10Isa 6:10; Mab 7:51
Jer. 6:102Mak 36:15, 16; Jer 20:8
Jer. 6:11Jer 20:9
Jer. 6:11Jer 18:21
Jer. 6:11Eze 9:6
Jer. 6:12Dhe 28:30; Jer 8:10; Mari 5:11; Zef 1:13
Jer. 6:13Eze 22:12
Jer. 6:13Jer 2:8; 8:10-12; 23:11; Mik 3:5, 11; Zef 3:4
Jer. 6:14Jer 14:13; 23:16, 17; Eze 13:10; 1VaT 5:3
Jer. 6:15Jer 3:3
Jer. 6:16Isa 30:21
Jer. 6:16Jer 18:15
Jer. 6:17Jer 25:4; Eze 3:17; Ha 2:1
Jer. 6:17Isa 58:1
Jer. 6:17Zek 7:11
Jer. 6:19Dhe 4:25, 26; Dha 9:12
Jer. 6:20Isa 1:11; 66:3; Jer 7:21; Amo 5:21
Jer. 6:212Mak 36:17; Mari 2:21
Jer. 6:22Jer 1:14; 25:9
Jer. 6:23Ha 1:8
Jer. 6:24Eze 21:7
Jer. 6:24Jer 4:31
Jer. 6:26Jer 4:8
Jer. 6:26Mari 1:2, 16
Jer. 6:26Jer 15:8
Jer. 6:28Isa 30:1; 48:4; Jer 5:23
Jer. 6:28Jer 9:4
Jer. 6:29Jer 9:7; Eze 22:20
Jer. 6:29Eze 24:13
Jer. 6:30Jer 14:19; Mari 5:22
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 6:1-30

Jeremiya

6 Hwandai kure neJerusarema haiwa vanakomana vaBhenjamini.

Ridzai hwamanda+ muTekoa;+

Batidzai moto wechiratidzo pamusoro peBheti-hakeremu!

Nekuti dambudziko rava kutosvika richibva kuchamhembe, dambudziko rakakura.+

 2 Mwanasikana weZiyoni akafanana nemukadzi ane runako, akagarika.+

 3 Vafudzi vachauya nezvipfuwo zvavo.

Vachadzika matende avo vakamupoteredza,+

Mumwe nemumwe achifudza makwai ake.+

 4 “Gadzirirai kumurwisa!

Simukai timurwise ari masikati!”

“Tine nhamo, nekuti kwava kuda kuvira,

Nekuti mimvuri yemanheru iri kuramba ichireba!”

 5 “Simukai tirwise usiku

Tiparadze shongwe dzake dzakavakwa zvakasimba.”+

 6 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto:

“Temai miti muunganidze murwi wekukomba Jerusarema.+

Iguta rinofanira kuzvidavirira;

Rizere neudzvinyiriri chete.+

 7 Rakachengeta zvakaipa zvaro zvichitonhorera,

Sezvinoita mugodhi unochengeta mvura yawo ichitonhorera.

Mariri munonzwika mhirizhonga nekuparadza;+

Urwere nedambudziko zvinogara zviri pamberi pangu.

 8 Bvuma kuyambirwa, haiwa iwe Jerusarema kuti ndisakusiya ndasemeswa* newe;+

Ndichakuita dongo, nyika isingagarwi nevanhu.”+

 9 Zvanzi naJehovha wemauto:

“Vachanyatsounganidza vaIsraeri vakasara semazambiringa ekupedzisira pamuzambiringa.

Pfuudza ruoko rwako zvakare semunhu ari kutanha mazambiringa pamizambiringa.”

10 “Ndichataura naani ndimuyambire?

Ndiani achateerera?

Onai! Nzeve dzavo dzakavhara* zvekuti havakwanisi kuteerera.+

Onai! Kwavari shoko raJehovha rava chinhu chavanoshora;+

Havarifariri.

11 Saka ndazara nekutsamwa kwaJehovha,

Uye ndaneta nekuzvidzora.”+

“Dururira kutsamwa kwacho pamwana ari mumugwagwa,+

Pamapoka emajaya akaungana.

Vese vachatapwa, murume pamwe chete nemudzimai wake,

Varume vakwegura pamwe chete nevaya vakwegura zvakanyanya.*+

12 Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe vanhu,

Pamwe chete neminda yavo nemadzimai avo.+

Nekuti ndichatambanudzira ruoko rwangu pavagari vemunyika yacho,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

13 “Nekuti kubvira kumudiki kusvika kumukuru, mumwe nemumwe ari kuwana pfuma nekubiridzira;+

Kubvira kumuprofita kusvika kumupristi, mumwe nemumwe ari kubiridzira.+

14 Vanoedza kurapa ronda revanhu vangu zvekungonyepedzera, vachiti,

‘Kune runyararo! Kune runyararo!’

Iko kusina runyararo.+

15 Vanonyara here nezvinhu zvinosemesa zvavakaita?

Havatombonyari!

Havatombozivi kuti kunyara kwacho kuita sei!+

Saka vachawa pakati pevaya vakawa.

Vachagumburwa pandichavaranga,” anodaro Jehovha.

16 Zvanzi naJehovha:

“Mirai pamharadzano dzemugwagwa muone.

Bvunzai nezvemigwagwa yekare kare,

Bvunzai kunowanika nzira yakanaka mufambe mairi,+

Muwane* zororo.”

Asi ivo vanoti: “Hatisi kuzofamba mairi.”+

17 “Ndakagadza varindi+ avo vakati,

‘Teererai kurira kwehwamanda!’”+

Asi ivo vakati: “Hatisi kuzoteerera.”+

18 “Saka inzwai, haiwa imi marudzi!

Uye ziva zvichaitika kwavari,

Haiwa iwe ungano.

19 Teerera, haiwa iwe nyika!

Ndiri kuunza dambudziko pavanhu ava+

Nemhaka yezvirongwa zvavo,

Nekuti havana kuteerera mashoko angu

Uye vakaramba mutemo* wangu.”

20 “Ndine basa nazvo here kuti munouya nezvinonhuhwirira zvichena kubva kuShebha

Netsanga dzinonhuhwirira kubva kunyika iri kure?

Mipiro yenyu inopiswa handiigamuchiri,

Uye zvibayiro zvenyu hazvindifadzi.”+

21 Saka zvanzi naJehovha:

“Ndiri kuisira vanhu ava zvipinganidzo,

Uye vachagumburwa nazvo,

Vanababa nevanakomana pamwe chete,

Muvakidzani neshamwari yake,

Uye vese vachaparara.”+

22 Zvanzi naJehovha:

“Onai! Kune vanhu vari kuuya vachibva kunyika yekuchamhembe,

Uye pachamutswa rudzi rukuru runobva kumativi ari kure kwazvo enyika.+

23 Vachabata uta nepfumo diki.

Vane utsinye uye havazovi netsitsi.

Inzwi ravo richatinhira segungwa,

Uye vakatasva mabhiza.+

Vanoronga uto ravo semurume wehondo kuti varwe newe, haiwa iwe mwanasikana weZiyoni.”

24 Tanzwa mashoko pamusoro parwo.

Maoko edu ati regwede;+

Tabatwa nekunetseka,

Iwo marwadzo akaita seemukadzi ari kusununguka.+

25 Musabuda muchienda musango,

Uye musafamba mumugwagwa,

Nekuti muvengi ane bakatwa;

Kumativi ese kuri kutyisa zvikuru.

26 Haiwa iwe mwanasikana wevanhu vangu,

Pfeka masaga+ uumburuke mumadota.

Chema uchirwadziwa chaizvo semunhu ari kuchema mwanakomana wake mumwe chete,+

Nekuti muparadzi achangoerekana auya kwatiri.+

27 “Ndakakuita* munhu anoedza simbi pakati pevanhu vangu,

Munhu anonyatsotsvaga;

Unofanira kucherechedza uye kuongorora nzira yavo.

28 Vese zvavo varume vakaoma musoro zvisingaiti,+

Vanofamba vachisvibisa mazita evamwe.+

Vakaita semhangura nesimbi;

Vese zvavo vakaipa.

29 Mvuto* dzabvuraudzwa.

Mumoto wadzo munobuda mutobvu.

Anoramba achivanatsa mumoto asi haabudiriri,+

Uye vaya vakaipa havana kubviswa pavanhu.+

30 Chokwadi vanhu vachavashevedza kuti sirivha yakarambwa,

Nekuti Jehovha avaramba.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe